| ← 2Thessalonians (2/3) → |
| 1. | Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuvuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuvungana kwedu kwaari; |
| 2. | kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu,kana kuvhunduswa kana nemweya kana neshoko, kana nemwadhi, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika; |
| 3. | ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutovo upi noupi; nokuti zuva iro harisviki, kana kusati kwatanga kuvuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati ambovonekwa, |
| 4. | iye, unorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti unogara saMwari mutembere yaMwari, achizviita Mwari. |
| 5. | Hamurangariri here kuti ndichiri kwamuri, ndakakuvudzai izvozvi? |
| 6. | Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake. |
| 7. | Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobate-basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye unodzivisa zvino achibviswa. |
| 8. | Ipapo iye usakarurama uchavonekwa, iye uchavurawa naShe Jesu nomweya womuromo wake, achiparadza nokuvonekwa kwokuvuya kwake; |
| 9. | kuvuya kwake iye kwakaita sebasa raSatani nesimba rose, nezviratidzo, nezvinoshamisa zvenhema, |
| 10. | nokunyengera kwose kwokusarurama kuna vanoparara; nokuti havana kugamuchira rudo rwezvokwadi, kuti vaponeswe. |
| 11. | Saka Mwari unovatumira simba rokukanganisa, kuti vatende nhema, |
| 12. | kuti vose vasina kutenda zvokwadi, asi vakafarira zvisakarurama, vatongwe. |
| 13. | Asi isu tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, vadikanwa vaShe, nokuti Mwari wakakusanangurai kubva pakutanga, kuti muponeswe muvutsvene bwoMweya nokutenda zvokwadi. |
| 14. | Izvo zvaakakudanirai neEvhangei yedu, kuti muwane kubwinya kwaShe wedu Jesu Kristu. |
| 15. | Naizvozvo, hama dzangu, mirai makasimba, muchengete mirairo yamakadzidziswa, kana neshoko kana nemwadhi yedu. |
| 16. | Zvino, Ishe wedu Jesu Kristu amene, naMwari, baba vedu, vakatida, vakatipa nenyasha dzavo kuvaraidzwa kusingaperi netariro yakanaka, |
| 17. | ngavavaraidze moyo yenyu, vakusimbisei pamabasa ose namashoko ose akanaka. |
| ← 2Thessalonians (2/3) → |