2Thessalonians (1/3)  

1. Pauro, naSirivhano, naTimotio, kukereke yavaTesaronika munaMwari, baba vedu, naShe Jesu Kristu;
2. Nyasha ngadzive nemi norugare runobva kunaMwari, baba, naShe Jesu Kristu.
3. Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, se zvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kunavamwe, runowanda;
4. nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pakereke dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
5. Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa novushe bwaMwari, bwamunotambudzikira vo;
6. zvazvakarurama kunaMwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai;
7. nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwe chete nesu pakuvonekwa kwaShe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake,
8. mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Evhangeri yaShe wedu, Jesu Kristu;
9. ivo vacharobwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paShe, napakubwinya kwesimba rake,
10. kana achivuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokuyemurwa navose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).
11. Naizvozvo tinokunyengetererai vo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;
12. kuti zita raShe wedu Jesu Kristu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaShe Jesu Kristu.

      2Thessalonians (1/3)