2Samuel (9/24)  

1. Zvino Dhavhidhi wakati, "Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?"
2. Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, "Ndiwe Zibha here?" Iye akati, "Muranda wenyu ndiye."
3. Mambo akati kwaari, "Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here?" Zibha akati kuna mambo, "Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka."
4. Mambo akati kwaari, "Uripi?" Zibha akati kuna mambo, "Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari."
5. Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari.
6. Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, "Mefibhosheti!" Iye akapindura akati, "Tarirai muranda wenyu."
7. Dhavhidhi akati kwaari, "Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu."
8. Iye akamupfugamira akati, "Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?"
9. Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, "Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako.
10. Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu." Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri.
11. Ipapo Zibha akati kuna mambo, "Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo." Mambo akati, "Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo."
12. Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti.
13. Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nokuti waigara achidya patafura yamambo; wakanga akaremara tsoka dzake dzose.

  2Samuel (9/24)