| ← 2Samuel (9/24) → |
| 1. | Zvino Dhavhidhi wakati, "Kuchinomumwe wakasara weimba yaSauro, wandingaitira zvakanaka nokuda kwaJonatani here?" |
| 2. | Zvino kwakanga kuchinomuranda weimba yaSauro wainzi Zibha, vakamudanira kuna Dhavhidhi; mambo akati kwaari, "Ndiwe Zibha here?" Iye akati, "Muranda wenyu ndiye." |
| 3. | Mambo akati kwaari, "Hakuchina mumwe weimba yaSauro, wandingaitira kunaka kwaMwari here?" Zibha akati kuna mambo, "Jonatani uchinomwanakomana wakaremara tsoka." |
| 4. | Mambo akati kwaari, "Uripi?" Zibha akati kuna mambo, "Tarirai, uri kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari." |
| 5. | Ipapo mambo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri paRhodhebhari. |
| 6. | Naizvozvo Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, akasvika kuna Dhavhidhi, akawira pasi nechiso chake, akamupfugamira. Dhavhidhi akati, "Mefibhosheti!" Iye akapindura akati, "Tarirai muranda wenyu." |
| 7. | Dhavhidhi akati kwaari, "Usatya, nokuti zvirokwazvo ndichakuitira zvakanaka nokuda kwaJonatani baba vako, uye ndichakudzosera nyika yose yababa vako Sauro; iwe uchagara uchidya zvokudya patafura yangu." |
| 8. | Iye akamupfugamira akati, "Muranda wenyu chinyiko, zvamakatarira imbwa yakafa seni?" |
| 9. | Ipapo mambo akadana Zibha muranda waSauro, akati kwaari, "Zvose zvakanga zviri zvaSauro neimba yake yose, ndakazvipa mwanakomana watenzi wako. |
| 10. | Iwe unofanira kumurimira minda, iwe navanakomana vako, navaranda vako, nokukohwa mbesa kuti mwanakomana watenzi wako ave nezvokudya zvaangadya; asi Mefibhosheti mwanakomana watenzi wako, uchagara achidya zvokudya patafura yangu." Zvino Zibha waiva navanakomana vane gumi navashanu navaranda vana makumi maviri. |
| 11. | Ipapo Zibha akati kuna mambo, "Muranda wenyu uchaita zvose zvinorairwa muranda wenyu nashe wangu mambo." Mambo akati, "Kana ari Mefibhosheti, iye ucharamba achidya patafura yangu, somumwe wavanakomana vamambo." |
| 12. | Zvino Mefibhosheti waiva nomwanakomana muduku, wainzi Mika. Uye vose vakanga vagere mumba maZibha vaiva varanda vaMefibhosheti. |
| 13. | Naizvozvo Mefibhosheti wakagara Jerusaremu, nokuti waigara achidya patafura yamambo; wakanga akaremara tsoka dzake dzose. |
| ← 2Samuel (9/24) → |