2Samuel (8/24)  

1. Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakarwa navaFirisitia akavakunda; Dhavhidhi akatorera vaFirisitia chikuriri chomuzinda wavo.
2. Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuvurawa, vuye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo.
3. Dhavhidhi akakundawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZhobha, pakuenda kwake kundotora ushe hwake paRwizi.
4. Dhavhidhi akamutorera vatasvi vamabhiza vane chiuru chimwe namazana manomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo.
5. Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri.
6. Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
7. Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadhadhezeri, akadziisa Jerusaremu.
8. Mambo Dhavhidhi akatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta napaBherotai, aiva maguta aHadhadhezeri.
9. Zvino Toi mambo weHamati wakati anzwa kuti Dhavhidhi wakanga aparadza hondo yose yaHadhadhezeri,
10. Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumukwazisa nokumukorokotedza, pamusoro pokurwa kwake naHadhadhezeri wairwa naToi. Joramu akauya nemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nemidziyo yendarira.
11. Neyiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakamutsaurira, yakabva kundudzi dzose dzaakanga akunda;
12. kuvaSiria, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki, nezvakanga zvatapwa kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZobha.
13. Dhavhidhi akakurumbira kwazvo nguva yaakadzoka pakuuraya vaSiria paMupata woMunyu, vaiva varume vane zviuru zvine gumi nezvisere.
14. Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; wakaisa mapoka avarwi paEdhomu yose, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda.
15. Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; Dhavhidhi akatonga vanhu vake vose akavaitira zvakarurama.
16. Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
17. Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiatari, vaiva vapirisiti, naSeraya waiva munyori.
18. Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapirisiti.

  2Samuel (8/24)