| ← 2Samuel (8/24) → |
| 1. | Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakarwa navaFirisitia akavakunda; Dhavhidhi akatorera vaFirisitia chikuriri chomuzinda wavo. |
| 2. | Akakunda Moabhuwo, akavayera nebote, ambovavatisa pasi; akayera namabote maviri vaifanira kuvurawa, vuye nebote rimwe rose vaifanira kuregwa vari vapenyu. VaMoabhu vakaitwa varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. |
| 3. | Dhavhidhi akakundawo Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZhobha, pakuenda kwake kundotora ushe hwake paRwizi. |
| 4. | Dhavhidhi akamutorera vatasvi vamabhiza vane chiuru chimwe namazana manomwe, navaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri; Dhavhidhi akagura marunda amakumbo amabhiza ose aikweva ngoro, asi wakachengetera ngoro dzine zana mamwe awo. |
| 5. | Zvino vaSiria veDhamasiko vakati vachiuya kuzobatsira Hadhadhezeri mambo weZobha, Dhavhidhi akauraya vaSiria vane zviuru zvina makumi maviri nezviviri. |
| 6. | Dhavhidhi akaisa mapoka avarwi muSiria paDhamasiko; vaSiria vakava varanda vaDhavhidhi vakamuvigira zvipo. Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda. |
| 7. | Dhavhidhi akatora nhovo dzendarama dzakanga dzakashongwa navaranda vaHadhadhezeri, akadziisa Jerusaremu. |
| 8. | Mambo Dhavhidhi akatorawo ndarira zhinji kwazvo paBheta napaBherotai, aiva maguta aHadhadhezeri. |
| 9. | Zvino Toi mambo weHamati wakati anzwa kuti Dhavhidhi wakanga aparadza hondo yose yaHadhadhezeri, |
| 10. | Toi akatuma mwanakomana wake Joramu kuna mambo Dhavhidhi kumukwazisa nokumukorokotedza, pamusoro pokurwa kwake naHadhadhezeri wairwa naToi. Joramu akauya nemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nemidziyo yendarira. |
| 11. | Neyiyiwo mambo Dhavhidhi wakaitsaurira Jehovha, pamwechete nesirivha nendarama yaakamutsaurira, yakabva kundudzi dzose dzaakanga akunda; |
| 12. | kuvaSiria, navaMoabhu, navana vaAmoni, navaFirisitia, navaAmareki, nezvakanga zvatapwa kuna Hadhadhezeri mwanakomana waRehobhu, mambo weZobha. |
| 13. | Dhavhidhi akakurumbira kwazvo nguva yaakadzoka pakuuraya vaSiria paMupata woMunyu, vaiva varume vane zviuru zvine gumi nezvisere. |
| 14. | Akaisa mapoka avarwi paEdhomu; wakaisa mapoka avarwi paEdhomu yose, vaEdhomu vose vakava varanda vaDhavhidhi Jehovha akakundisa Dhavhidhi pose paakaenda. |
| 15. | Dhavhidhi akabata vaIsiraeri vose; Dhavhidhi akatonga vanhu vake vose akavaitira zvakarurama. |
| 16. | Joabhu mwanakomana waZeruya ndiye wairaira hondo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira; |
| 17. | Zadhoki mwanakomana waAhitubhi, naAhimereki mwanakomana waAbhiatari, vaiva vapirisiti, naSeraya waiva munyori. |
| 18. | Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti, uye vanakomana vaDhavhidhi vaiva vapirisiti. |
| ← 2Samuel (8/24) → |