2Samuel (6/24)  

1. Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu.
2. Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodanwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubi.
3. Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.
4. Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka.
5. Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeranwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.
6. Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.
7. Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.
8. Dhavhidhi akawora moyo nokuti Jehovha wakanga arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.
9. Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, "Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?"
10. Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsausira kumba kwaObhedhi-Edhomu muGiti.
11. Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhi-Edhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza Obhedhi-Edhomu neimba yake yose.
12. Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, "Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhi-Edhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari." Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwa Obhedhi-Edhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.
13. Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora.
14. Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efodhi yomucheka.
15. Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.
16. Zvino areka yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarira napahwindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumoyo make.
17. Vakapinda neareka yaJehovha, vakaiisa panzvimbo yayo pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.
18. Zvino Dhavhidhi wakati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.
19. Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramazambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.
20. Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, "Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!"
21. Dhavhidhi akati kuna Mikari, "Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.
22. "Ndichazvidukupisa kupfuura izvozvo, ndichazvininipisa pachangu; asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo."
23. Mikari mukunda waSauro, wakanga asina vana kusvikira zuva rokufa kwake.

  2Samuel (6/24)