2Samuel (5/24)  

1. Zvino marudzi ose avaIsiraeri akauya kuna Dhavhidhi paHebhuroni, akataura akati, "Tarirai tiri mapfupa enyu nenyama yenyu.
2. Kare Sauro achiri mambo wedu, ndimi maitungamirira vaIsiraeri muchibuda navo nokupinda navo; Jehovha akati kwamuri, `Iwe uchafudza vanhu vangu vaIsiraeri.' "
3. Naizvozvo vakuru vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo paHebhuroni, mambo Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri.
4. Dhavhidhi wakanga ana makore makumi matatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe makore makumi mana.
5. Akabata ushe paHebhuroni pavaJudha makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabatawo ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu pavaIsiraeri navaJudha vose.
6. lye mambo navanhu vake vakaenda Jerusaremu kundorwa navaJebhusi vakanga vagere panyika iyo; ivo vakataura naDhavhidhi, vakati, "Haungapindi pano, mapofu nezvirema vangakudzinga, nokuti vakati, Dhavhidhi haangapindi pano."
7. Kunyange zvakadaro Dhavhidhi wakakunda nhare yeZiyoni; ndiro guta raDhavhidhi.
8. Dhavhidhi akati nezuva iro, "Ani nani unoparadza vaJebhusi, ngaakwire kumugero wemvura, auraye zvirema namapofu, vanovengwa nomweya waDhavhidhi." Naizvozvo vanoti, "Mapofu nezvirema havangapindi mumba."
9. Dhavhidhi akagara munhare, akaitumidza guta raDhavhidhi. Dhavhidhi akavaka kunhivi dzose, kubva paMiro, zvichipinda mukati.
10. Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha, Mwari wehondo, wakanga anaye.
11. Hiramu mambo weTire akatuma nhume kuna Dhavhidhi namatanda emisidhari, navavezi, navavaki, vakavakira Dhavhidhi imba.
12. Zvino Dhavhidhi akaziva kuti Jehovha wakanga amusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri, uye kuti wakanga akudza ushe hwake nokuda kwavanhu vake Isiraeri.
13. Dhavhidhi wakati abva Hebhuroni, akazvitorera vamwe varongo navakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana navanasikana.
14. Ndiwo mazita avakaberekerwa Jerusaremu: Shamua, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni,
15. naIbhari, naErishua, naNefegi, naJafia,
16. naErishama, naEriadha, naErifereti.
17. Zvino vaFirisitia vakati vachinzwa kuti Dhavhidhi wakanga azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akaburukira kunhare.
18. VaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.
19. Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, "Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?" Jehovha akati kuna Dhavhidhi, "Kwira, nokuti zvirokwazvo ndichaisa vaFirisitia mumaoko ako."
20. Dhavhidhi akasvika paBhaari-perazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo. Akati, "Jehovha wakapwanya vavengi vangu pamberi pangu, sokupwanya kwemvura." Naizvozvo akatumidza nzvimbo iyo Bhaari-perazimi.
21. Vakasiya zvifananidzo zvavo ipapo, Dhavhidhi navanhu vake vakazvitora.
22. VaFirisitia vakauyazve, vakapararira pamupata weRefaimu.
23. Zvino Dhavhidhi wakati achibvunza Jehovha, iye akati, "Usakwira, asi upote shure kwavo, ugovavamba pakatarisana nemiti yemimaribheri.
24. Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pangara dzemiti yemimaribheri, unofanira kukurumidza, nokuti ndiJehovha wakutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia."
25. Dhavhidhi akaita sezvaakarairwa naJehovha; akaparadza vaFirisitia kubva paGebha kusvikira paGezeri.

  2Samuel (5/24)