2Samuel (4/24)  

1. Zvino Ishibhohosheti mwanakomana waSauro, akati anzwa kuti Abhineri wakanga afa paHebhuroni, maoko ake akashaiwa simba, navaIsiraeri vose vakavhunduka.
2. Zvino mwanakomana waSauro wakanga ana varume vaviri vakanga vari vakuru vamapoka; zita romumwe rakanga riri Bhaana, zita romumwe Rekabhu; vaiva vana vaRimoni muBheeroti, wavana vaBhenjamini; (nokuti Bheeroti rakanga richiverengerwawo kuna Bhenjamini;
3. vaBheeroti vakatizira Gitaimu, vakava vatorwapo kusvikira nhasi).
4. Zvino Jonatani mwanakomana waSauro, wakanga ano mwanakomana wakaremara pamakumbo ake. Iye wakanga ava namakore mashanu panguva yokusvika kweshoko rokuurawa kwaSauro naJonatani paJezereeri, mureri wake akamusimudza akatiza naye; zvino wakati achikurumidza kutiza, mwana akawa, akaremara. Zita rake rakanga riri Mefibhosheti.
5. Vana vaRimoni muBheeroti, vanaRekabhu naBhaana, vakaenda, vakasvika paimba yaIshibhosheti zuva richipisa, iye achizorora masikati.
6. Vakapinda mukati meimba, vachiita sokuda kutora zviyo, vakamubaya nomudumbu; Rekabhu naBhaana ndokutiza.
7. Nokuti vakanga vapinda mumba make mokuvata, vakamubaya, vakamuuraya, vakagura musoro wake, ndokutora musoro wake, vakaenda nenzira yeArabha usiku hwose.
8. Vakaisa musoro walshibhosheti kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati kuna mambo, "Hoyo musoro waIshibhosheti mwanakomana waSauro muvengi wenyu, wakanga achitsvaka kukuurayai; Jehovha wakatsiva ishe wangu mambo nhasi pamusoro paSauro navana vake."
9. Dhavhidhi akapindura Rekabhu naBhaana munun’una wake, vana vaRimoni muBheeroti, akati kwavari, "NaJehovha mupenyu, wakadzikunura mweya wangu panjodzi dzose,
10. musi wandakaudzwa nomumwe, achiti, `Tarirai, Sauro afa,' achifunga kuti wauya neshoko rakanaka, ndakamubata, ndikamuuraya paZikiragi; ndiwo waiva mubayiro wandakamupa pamusoro peshoko rake.
11. Ndoda kana vanhu vakaipa vauraya munhu wakarurama hake mumba make, avete panhovo dzake, handingarevi ropa rake pamaoko enyu zvino, ndikakubvisai panyika here?"
12. Ipapo Dhavhidhi akaraira majaya vakavauraya vakavagura maoko avo netsoka dzavo, vakavaturika kurutivi rwedziva paHebhuroni. Asi vakatora musoro walshibhosheti, vakauviga muhwiro hwaAbhineri paHebhuroni.

  2Samuel (4/24)