2Samuel (3/24)  

1. Zvino kwakanga kunokurwa nguva huru pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; Dhavhidhi akaramba achiwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba ichitorerwa simba.
2. Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni, mwanakomana waAhinoami muJezereeri;
3. wechipiri waiva Kireabhi, mwanakomana waAbhigairi, waiva mukadzi waNabhari muKarimeri; wechitatu waiva Abhusaromu, mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri;
4. wechina waiva Adhonia, mwanakomana waHagiti; wechishanu waiva Shefatia, mwanakomana waAbhitari,
5. wechitanhatu waiva Itireami, mwanakomana waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni.
6. Zvino kurwa kwakati kuripo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akazvisimbisa paimba yaSauro.
7. Zvino Sauro wakanga anomurongo, wainzi Rizipa, mukunda waAya; Ishibhosheti akati kuna Abhineri, "Wapindireiko kumurongo wababa vangu?"
8. Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, "Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanun’una vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu.
9. Mwari ngaarove Abhineri, arambe achidaro, kana ndisingaitiri Dhavhidhi sezvakapika Jehovha kwaari;
10. achiti uchatamisa ushe paimba yaSauro, amutse chigaro choushe chaDhavhidhi pakati paIsiraeri naJudha, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha."
11. Akasagona kupindura Abhineri kunyange shoko rimwe, nokuti wakanga achimutya.
12. Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, "Nyika iyi ndeyaniko? Akati, `Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.' "
13. Akati, "Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu."
14. Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akati, "Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakanyenga nezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia zvine zana."
15. Ipapo Ishibhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri, mwanakomana waRaishi.
16. Murume wake akamutevera achingochema, kusvikira paBhahurimu. Ipapo Abhineri akati kwaari, "Enda udzoke;" iye akadzoka hake.
17. Abhineri akarangana navakuru vaIsiraeri akati, "Kare makanga muchitsvaka Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu."
18. Naizvozvo zvino chiitai henyu kudaro, nokuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi, akati, "Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu vaIsiraeri pamaoko avaFirisitia, napamaoko avavengi vavo vose."
19. Abhineri akataurawo navaBhenjamini, Abhineri akaenda akataurawo naDhavhidhi, zvose zvakanga zvichifadza Isiraeri neimba yose yaBhenjamini.
20. Naizvozvo Abhineri akasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ana varume vana makumi maviri. Dhavhidhi akaitira Abhineri navanhu vakanga vanaye mutambo.
21. Abhineri akati kuna Dhavhidhi, "Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomoyo wenyu." Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare.
22. Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare.
23. Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, "Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare."
24. ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, "Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose?
25. "Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita."
26. Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi.
27. Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunun’una wake Ashaheri.
28. Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, "Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri;
29. ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya."
30. Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunun’una wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munun’una wavo Ashaheri pakurwa paGibhiyoni.
31. Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, "Bvarurai nguvo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri." Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza.
32. Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema.
33. Mambo akachema Abhineri, akati, "Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here?
34. Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; lwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa." Vanhu vose vakamuchemazve.
35. Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, "Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira.
36. Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose."
37. Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe.
38. Zvino mambo akati kuvaranda vake, "Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri?
39. "Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake."

  2Samuel (3/24)