| ← 2Samuel (3/24) → |
| 1. | Zvino kwakanga kunokurwa nguva huru pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi; Dhavhidhi akaramba achiwedzerwa simba, asi imba yaSauro yakaramba ichitorerwa simba. |
| 2. | Dhavhidhi akaberekerwa vanakomana paHebhuroni; dangwe rake raiva Amunoni, mwanakomana waAhinoami muJezereeri; |
| 3. | wechipiri waiva Kireabhi, mwanakomana waAbhigairi, waiva mukadzi waNabhari muKarimeri; wechitatu waiva Abhusaromu, mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai, mambo weGeshuri; |
| 4. | wechina waiva Adhonia, mwanakomana waHagiti; wechishanu waiva Shefatia, mwanakomana waAbhitari, |
| 5. | wechitanhatu waiva Itireami, mwanakomana waEgira mukadzi waDhavhidhi. Ndivo vakaberekerwa Dhavhidhi paHebhuroni. |
| 6. | Zvino kurwa kwakati kuripo pakati peimba yaSauro neimba yaDhavhidhi, Abhineri akazvisimbisa paimba yaSauro. |
| 7. | Zvino Sauro wakanga anomurongo, wainzi Rizipa, mukunda waAya; Ishibhosheti akati kuna Abhineri, "Wapindireiko kumurongo wababa vangu?" |
| 8. | Ipapo Abhineri akatsamwa kwazvo namashoko aIshibhosheti, akati, "Ndiri musoro wembwa yokwaJudha here? Iko nhasi ndinoitira imba yaSauro, baba vako, navanun’una vake, nehama dzake zvakanaka, newe handina kukuisa paruoko rwaDhavhidhi; kunyange zvakadaro, unondipomera mhaka nhasi pamusoro pomukadzi uyu. |
| 9. | Mwari ngaarove Abhineri, arambe achidaro, kana ndisingaitiri Dhavhidhi sezvakapika Jehovha kwaari; |
| 10. | achiti uchatamisa ushe paimba yaSauro, amutse chigaro choushe chaDhavhidhi pakati paIsiraeri naJudha, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha." |
| 11. | Akasagona kupindura Abhineri kunyange shoko rimwe, nokuti wakanga achimutya. |
| 12. | Zvino Abhineri akatuma nhume kuna Dhavhidhi kwaakanga ari, akati, "Nyika iyi ndeyaniko? Akati, `Ita sungano neni, ruoko rwangu ruve newe, ndiuyise vaIsiraeri vose kwauri.' " |
| 13. | Akati, "Zvakanaka, ndichaita sungano newe, asi ndinokuudza chinhu chimwe, kuti haungaoni chiso changu, kana usingauyi naMikari, mukunda waSauro, kana uchiuya kuzoona chiso changu." |
| 14. | Dhavhidhi akatuma nhume kuna Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akati, "Ndipe Mikari mukadzi wangu, wandakanyenga nezvikanda zvapamberi zvavaFirisitia zvine zana." |
| 15. | Ipapo Ishibhosheti akatuma nhume kundomutora kumurume wake Paritieri, mwanakomana waRaishi. |
| 16. | Murume wake akamutevera achingochema, kusvikira paBhahurimu. Ipapo Abhineri akati kwaari, "Enda udzoke;" iye akadzoka hake. |
| 17. | Abhineri akarangana navakuru vaIsiraeri akati, "Kare makanga muchitsvaka Dhavhidhi kuti ave mambo wenyu." |
| 18. | Naizvozvo zvino chiitai henyu kudaro, nokuti Jehovha wakataura pamusoro paDhavhidhi, akati, "Noruoko rwomuranda wangu Dhavhidhi ndichaponesa vanhu vangu vaIsiraeri pamaoko avaFirisitia, napamaoko avavengi vavo vose." |
| 19. | Abhineri akataurawo navaBhenjamini, Abhineri akaenda akataurawo naDhavhidhi, zvose zvakanga zvichifadza Isiraeri neimba yose yaBhenjamini. |
| 20. | Naizvozvo Abhineri akasvika kuna Dhavhidhi paHebhuroni, ana varume vana makumi maviri. Dhavhidhi akaitira Abhineri navanhu vakanga vanaye mutambo. |
| 21. | Abhineri akati kuna Dhavhidhi, "Ndichasimuka, ndikaenda kundounganidzira ishe wangu mambo vaIsiraeri vose, kuti vaite sungano nemi, mubate ushe pose pamunoda napo nomoyo wenyu." Dhavhidhi akaendisa Abhineri, akaenda norugare. |
| 22. | Zvino varanda vaDhavhidhi naJoabhu vakadzoka pakundopambara, vakauya nezvakapambwa zvizhinji; asi Abhineri wakanga asipo kuna Dhavhidhi paHebhuroni, nokuti wakanga amuendisa, akaenda hake norugare. |
| 23. | Zvino Joabhu nehondo yose yakanga inaye vakati vasvika, Joabhu akaudzwa, zvichinzi, "Abhineri, mwanakomana waNeri, wakasvika kuna mambo, akaendiswa hake norugare." |
| 24. | ipapo Joabhu akaenda kuna mambo, akati, "Maiteiko? Tarirai, Abhineri wakanga asvika kwamuri, mamuregereiko achienda, zvino waenda chose? |
| 25. | "Munoziva Abhineri mwanakomana waNeri, kuti wakanga auya kuzokunyengerai, azive kubuda kwenyu nokupinda kwenyu, nokuziva zvose zvamunoita." |
| 26. | Joabhu akati abuda kuna Dhavhidhi, akatuma nhume dzitevere Abhineri, idzo dzikamudzora patsime reSira; asi Dhavhidhi wakanga asingazvizivi. |
| 27. | Zvino Abhineri wakati adzoswa Hebhuroni, Joabhu akaenda naye vari voga pakati peSuo, kuti ataurirane naye vari voga, akamubayapo nomudumbu, akafa, nokuda kweropa romunun’una wake Ashaheri. |
| 28. | Pashure Dhavhidhi wakati achizvinzwa, akati, "Ini noushe hwangu hatine mhosva pamberi paJehovha nokusingaperi pamusoro peropa raAbhineri mwanakomana waNeri; |
| 29. | ngazvive pamusoro waJoabhu napamusoro peimba yose yababa vake; imba yaJoabhu igare ina vanhu vane hosha yokuyerera, kana vane maperembudzi, kana vanodonzva nomudonzvo, kana vanourawa nomunondo, kana vanoshaiwa zvokudya." |
| 30. | Naizvozvo Joabhu naAbhishai nomunun’una wake vakauraya Abhineri, nokuti wakanga auraya munun’una wavo Ashaheri pakurwa paGibhiyoni. |
| 31. | Zvino Dhavhidhi akati kuna Joabhu, nokuna vanhu vose vakanga vanavo, "Bvarurai nguvo dzenyu, musimire magumbu pazviuno zvenyu, mucheme pamberi paAbhineri." Mambo Dhavhidhi akatevera hwanyanza. |
| 32. | Vakaviga Abhineri paHebhuroni, mambo akachema kwazvo pahwiro hwaAbhineri; navanhu vose vakachema. |
| 33. | Mambo akachema Abhineri, akati, "Abhineri waifanira kufa nomufiro webenzi here? |
| 34. | Maoko ako akanga asina kusungwa, namakumbo ako akanga asina kupinzwa mumatare; lwe wakafa sokufa kwomunhu pamberi pavana vezvakaipa." Vanhu vose vakamuchemazve. |
| 35. | Zvino vanhu vose vakauya kuzokuridzira Dhavhidhi kudya zvokudya achiri masikati; asi Dhavhidhi wakapika, akati, "Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana ndikaravira chingwa kana chimwe chinhu zuva richigere kuvira. |
| 36. | Vanhu vose vakazviona, vakafara nazvo, nokuti zvose zvinenge zvakanga zvichiitwa namambo zvakafadza vanhu vose." |
| 37. | Naizvozvo vanhu vose navaIsiraeri vose vakaziva kuti wakanga asi mambo wakaraira kuti Abhineri mwanakomana waNeri aurawe. |
| 38. | Zvino mambo akati kuvaranda vake, "Hamuzivi here kuti nhasi muchinda nomunhu mukuru wafa pakati paIsiraeri? |
| 39. | "Ini nhasi handine simba, kunyange ndiri mambo wakazodzwa; varume ava vanakomana vaZeruya vanondikurira; Jehovha ngaatsive muiti wezvakaipa zvakafanira kuipa kwake." |
| ← 2Samuel (3/24) → |