2Samuel (24/24)    

1. Zvino Jehovha wakatsamwirazve vaIsiraeri, akakurudzira Dhavhidhi pamusoro pavo, akati, "Enda uverenge vaIsiraeri navaJudha."
2. Ipapo mambo akati kuna Joabhu mukuru wehondo wakanga anaye, "Enda zvino, upote namarudzi ose alsiraeri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, uverenge vanhu, ndizive kuwanda kwavo."
3. Joabhu akati kuna mambo, "Jehovha Mwari wenyu ngaawedzere hake kuvanhu, vapfuure ava runezana pakuwanda kwavo, nameso ashe wangu ngaazviwone; asi ishe wangu mambo unotsvakireiko chinhu ichi?"
4. Kunyange zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu navakuru vehondo. Joabhu navakuru vakabuda pamberi pamambo kundoverenga vanhu vaIsiraeri.
5. Vakayambuka Jorodhani, vakadzika matende avo paAroeri, kurutivi rworudyi rweguta, pakati pomupata weGadhi, kusvikira paJazeri.
6. Ipapo vakasvika Giriyadhi, nokunyika yeTatimihodhisi; vakasvikawo Dhanijaani, nenyika yakapoteredza kusvikira paZidhoni,
7. vakasvikawo kunhare yeTire, nokumaguta ose avaHivhi, navaKenani; vakapedzisa kurutivi rwezasi rwaJudha paBheerishebha.
8. Zvino vakati vapota nenyika yose, vakasvika Jerusaremu, vapedza mwedzi mipfumbamwe namazuva ana makumi maviri.
9. Joabhu akarondedzera kuwanda kwavanhu kuna mambo; kuna vaIsiraeri kwakanga kune mhare dzaiva nezviuru zvina mazana masere vaigona kurwa nomunondo; uye varume vaJudha vaiva varume vane zviuru zvina mazana mashanu.
10. Zvino Dhavhidhi wakati apedza kuverenga vanhu, hana yake ikamurova. Dhavhidhi akati kuna Jehovha, "Ndatadza kwazvo zvandaita chinhu ichi; asi zvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwomuranda wenyu; nokuti ndaita sebenzi kwazvo."
11. Zvino Dhavhidhi wakati achimuka mangwanani, shoko raJehovha rikasvika kumuporofita Gadhi, Muvoni waDhavhidhi, rikati,
12. "Enda, undoudza Dhavhidhi, uti, `Zvanzi naJehovha, ndinokuisira zvinhu zvitatu; chizvitsaurira chimwe chazvo, ndikuitire icho.' "
13. Naizvozvo Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi, akamuudza akati kwaari, "Unoda kuti makore manomwe enzara ave panyika yako here? Kana unoda kutiza pamberi pavavengi vako mwedzi mitatu vachikuteverera here? Kana unoda kuti denda rive panyika yako mazuva matatu here? Zvino chifunga hako, urangarire mhinduro yandingadzosera kuna iye wakandituma."
14. Ipapo Dhavhidhi akati kuna Gadhi, "Ndiri pakumanikidzwa kukuru; tiwire hedu zvino muruoko rwaJehovha, nokuti nyasha dzake ihuru, asi ndirege hangu kuwira muruoko rwomunhu."
15. Ipapo Jehovha akatuma denda pakati paIsiraeri kubva mangwanani kusvikira panguva yakanga yatarwa, varume vane zviuru zvina makumi manomwe vakafa pakati pavanhu, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha.
16. Zvino mutumwa wakati achitambanudzira ruoko rwake kuJerusaremu, kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa icho, akati kumutumwa wakanga achiparadza vanhu, "Ndizvo, chidzosa ruoko rwako." Zvino mutumwa waJehovha wakanga amire paburiro raArauna muJebhusi.
17. Dhavhidhi wakati achiona mutumwa wakanga achiuraya vanhu, akataura naJehovha, akati, "Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; asi makwai awa akaiteiko? Ruoko rwenyu ngarundirove harwo ini neimba yababa vangu."
18. Zvino Gadhi akaenda kuna Dhavhidhi zuva iro, akati kwaari, "Enda undovakira Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi."
19. Dhavhidhi akaenda sezvaakaudzwa naGadhi, sezvaakarairwa naJehovha.
20. Zvino Arauna akatarira, akaona mambo navaranda vake vachiuya kwaari, Arauna akabuda, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.
21. Arauna akati, "Ishe wangu mambo wauyireiko kumuranda wake?" Dhavhidhi akati, "Ndauya kuzotenga buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti denda ripere pakati pavanhu."
22. Arauna akati kuna Dhavhidhi, "Ishe wangu mambo ngaatore hake, abayire Jehovha sezvaanoda; tarirai, hedzo nzombe dzokubayira chipiriso chinopiswa; uye nhumbi dzokupira nadzo, namajoko enzombe, dzive huni;
23. izvi zvose, mambo, Arauna unopa mambo." Arauna akati kuna mambo, "Jehovha Mwari wenyu ngaakugamuchirei hake."
24. Mambo akati kuna Arauna, "Kwete, ndichazvitenga kwauri zvirokwazvo nomutengo wazvo, uye handingabayiri Jehovha Mwari wangu zvipiriso, zvandisina kutenga." Naizvozvo Dhavhidhi akatenga buriro nenzombe namashekeri esirivha ana makumi mashanu.
25. Dhavhidhi akavakirapo Jehovha aritari, akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa. Naizvozvo Jehovha akanzwira nyika tsitsi, denda rikapera pakati paIsiraeri.

  2Samuel (24/24)