2Samuel (20/24)  

1. Zvino kwakanga kuripo munhu wakaipa, wainzi Shebha, mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini; iye akaridza hwamanda, akati, "Isu hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; vaIsiraeri, mumwe nomumwe ngaaende kutende rake."
2. Naizvozvo varume vose vaIsiraeri vakarega kutevera Dhavhidhi, vakatevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi varume vaJudha vakanamatira mambo wavo, kubva paJorodhani kusvikira paJerusaremu.
3. Dhavhidhi akasvika kumba kwake Jerusaremu, mambo akatora vakadzi vane gumi, ivo varongo vake vaakanga asiya kuti varinde imba, akavaisa panzvimbo pavangachengetwa, akavatumira zvokudya, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vakapfigirwa kusvikira pazuva rokufa kwavo, vakagara sechirikadzi.
4. Zvino mambo akati kuna Amasa, "Ndikokere varume vaJudha vaungane namazuva matatu; newe uve panowo."
5. Naizvozvo Amasa akaenda akakokera varume vaJudha, asi wakanonoka akadarika nguva yaakanga atarirwa naye.
6. Dhavhidhi akati kuna Abhishai, "Zvino Shebha mwanakomana waBhikiri uchatitadzira kupfuura Abhusaromu. Tora varanda vashe wako, umuteverere, arege kuzviwanira maguta akakombwa namasvingo, akatipukunyukira."
7. Ipapo varume vaJoabhu, navaKereti navaPereti, navarume vose vemhare vakamutevera. Vakabuda Jerusaremu kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
8. Vakati vachisvika pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa akasangana navo. Zvino Joabhu wakanga akazvisunga nguvo yake yokurwa nayo yaakanga afuka; iyo yakanga yakasungwa nebhanhire rakanga rino munondo wakasungirwa pachiuono chake, uri mumuhara mawo; zvino wakati achifamba, ukawira pasi.
9. Joabhu akati kuna Amasa, "Wakadiniko, munun’una wangu?" Joabhu akabata ndebvu dzaAmasa noruoko rwake rworudyi, kuti amutsvode.
10. Asi Amasa haana kuchenjera munondo wakanga uri muruoko rwaJoabhu; naizvozvo akamubaya nawo nomudumbu, akatumburira ura hwake pasi, akasamubaya rwechipiri, akafirapo. Joabhu nomunun’una wake Abhishai vakateverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
11. Zvino rimwe jaya raJoabhu rakanga rimirepo naye, rikati, "Ani nani unoda Joabhu, nouri kurutivi rwaDhavhidhi, ngaatevere Joabhu."
12. Asi Amasa wakanga achiumburuka muropa rake pakati penzira. Zvino murume uyu wakati achiona kuti vanhu vose vakaramba vamire, akabvisa Amasa panzira, akamutakurira kusango, akamufukidza nenguvo, nokuti wakaona kuti vanhu vose, vakasvika kwaari, vakaramba vamire.
13. Iye wakati abviswa panzira, vanhu vose vakatevera Joabhu, kuzoteverera Shebha mwanakomana waBhikiri.
14. Akafamba namarudzi ose aIsiraeri kusvikira paAbheri, neBhetimaaka, navaBheri vose; vanhu vose vakaungana, vakamuteverawo.
15. Vakandomukomba paAbheri reBhetimaaka, vakatutira gomo revhu paguta, rikaenzana norusvingo; vanhu vose vaiva naJoabhu vakarwa norusvingo kuti varuputse.
16. lpapo mumwe mukadzi, wakanga akachenjera, akadanidzira ari muguta, akati, "Inzwai, inzwai, doudzai Joabhu, muti, `Swedera pano, nditaure newe.' "
17. Iye akaswedera kwaari. Mukadzi akati, "Ndiwe Joabhu here?" Iye akapindura akati, "Ndini." Ipapo akati kwaari, "Inzwai mashoko omurandakadzi wenyu." Iye akapindura akati, "Ndinonzwa."
18. Zvino akataura akati, "Kare vanhu vaiti, `Zvirokwazvo, vachabvunza mano paAbheri, mhosva ndokupererapo.'
19. Ini ndiri mumwe wavanotsvaka rugare nowavakarurama pakati paIsiraeri, asi imi munotsvaka kuparadza guta, rakaita samai pakati palsiraeri; munotsvakireiko kumedza nhaka yaJehovha?"
20. Joabhu akapindura akati, "Haisva, haisva, handingatongomedzi kana kuparadza;
21. hazvizi izvo; asi munhu wenyika yamakomo yaEfuremu, unonzi Shebha mwanakomana waBhikiri, ndiye wakasimudzira mambo Dhavhidhi ruoko rwake kuti arwe naye; mumuisei pano iye oga, ipapo ini ndichabva paguta." Mukadzi akati kuna Joabhu, "Tarirai, musoro wake uchakandirwa kwamuri napamusoro porusvingo."
22. Ipapo mukadzi akaenda kuvanhu vose nokuchenjera kwake. Ivo vakagura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, vakaukandira kuna Joabhu. Iye akaridza hwamanda, vanhu vakapararira vakabva paguta, mumwe nomumwe akaenda kutende rake. Joabhu akadzokera Jerusaremu kuna mambo.
23. Zvino Joabhu ndiye wairaira hondo yose yaIsiraeri, naBhenaya mwanakomana waJehoyadha ndiye wairaira vaKereti navaPereti,
24. Adhoramu ndiye wairaira chibharo, naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva sahwira;
25. Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapirisiti;
26. Ira muJairi waiva mupirisitiwo waDhavhidhi.

  2Samuel (20/24)