| ← 2Samuel (2/24) → |
| 1. | Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, "Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?" Jehovha akati, "Kwira." Dhavhidhi akati, "Ndokwira kuneripi?" Iye akati, "Hebhuroni." |
| 2. | Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinoami muJezereeri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri. |
| 3. | Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni. |
| 4. | Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha. Vakaudza Dhavhidhi vachiti, "Varume veJabheshiGiriyadhi ndivo vakaviga Sauro." |
| 5. | Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, "Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga. |
| 6. | Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi. |
| 7. | Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo." |
| 8. | Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakanga atora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu; |
| 9. | akamuita mambo weGiriyadhi, nowavaAshuri, noweJezereeri, nowaEfuremu, nowaBhenjamini, nowavaIsiraeri vose. |
| 10. | (Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakanga ava namakore makumi mana nguva yokutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri). Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi. |
| 11. | Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu. |
| 12. | Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda valshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibhioni. |
| 13. | NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibhiyoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva. |
| 14. | Abhineri akati kuna Joabhu, "Majaya ngaasimuke, atambe pamberi pedu." Joabhu akati, "Ngavasimuke havo." |
| 15. | Ipapo vakasimuka, vakaenda namapoka; gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshibhosheti, mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri vavaranda vaDhavhidhi. |
| 16. | Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibhiyoni. |
| 17. | Kurwa kukanyanya kwazvo zuva iro; Abhineri navarume vaIsiraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi. |
| 18. | Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo, vana Joabhu, naAbhishai, naAshaheri; Ashaheri waigona kumhanya sechengu. |
| 19. | Ashaheri akateverera Abhineri; zvino pakumhanya kwake haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri. |
| 20. | Abhineri akacheuka, akati, "Ndiwe Ashaheri here?" Akapindura, akati, "Ndini." |
| 21. | Abhineri akati kwaari, "Tsaukira hako kurudyi kana kuruboshe, ubate hako rimwe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo." Asi Ashaheri wakaramba kutsauka pakumuteverera. |
| 22. | Abhineri akatizve kuna Ashaheri, "Tsauka hako pakunditeverera; ndichakuurayireiko? Ndingazondoonana sei naJoabhu mukuru wako?" |
| 23. | Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira. |
| 24. | Asi Joabhu naAbhishai vakateverera Abhineri, zuva rikavira pakusvika kwavo pachikomo cheAma, vaiva pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibhiyoni. |
| 25. | Zvino vana vaBhenjamini vakaungana kuzotevera Abhineri, vakaita boka rimwe, vakamira pamusoro pechikomo, |
| 26. | Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, "Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?" |
| 27. | Joabhu akati, "NaMwari mupenyu, dai usina kutaura, zvirokwazvo vanhu vangadai varega mangwana kuteverera mumwe nomumwe hama yake." |
| 28. | Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira, vakarega kuzoteverera Isiraeri, vakasazorwazve. |
| 29. | Abhineri navanhu vake vakagura neArabha usiku uhwo hwose, vakayambuka Jorodhani, vakagura neBhitironi yose, vakasvika Mahanaimu. |
| 30. | Ipapo Joabhu akadzoka pakuteverera Abhineri; zvino wakati aunganidza vanhu vose, varume vane gumi navapfumbamwe naAshaheri vakashaikwa kuvaranda vaDhavhidhi. |
| 31. | Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya varume vana mazana matatu namakumi matatu vavaBhenjamini navarume vaAbhineri. |
| 32. | Vakasimudza Ashaheri, vakandomuviga muhwiro hwababa vake, hwaiva paBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose, utonga hwukatsvuka pakusvika kwavo paHebhuroni. |
| ← 2Samuel (2/24) → |