2Samuel (2/24)  

1. Zvino shure kwaizvozvo Dhavhidhi wakabvunza Jehovha akati, "Ndokwira kune rimwe guta raJudha here?" Jehovha akati, "Kwira." Dhavhidhi akati, "Ndokwira kuneripi?" Iye akati, "Hebhuroni."
2. Naizvozvo Dhavhidhi akakwirako, navakadzi vake vaviriwo, vana Ahinoami muJezereeri, naAbhigairi, mukadzi waNabhari muKarimeri.
3. Dhavhidhi akakwirawo navanhu vake vaiva naye, mumwe nomumwe neimba yake, vakandogara pamaguta eHebhuroni.
4. Varume vaJudha vakauya vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo weimba yaJudha. Vakaudza Dhavhidhi vachiti, "Varume veJabheshiGiriyadhi ndivo vakaviga Sauro."
5. Dhavhidhi akatuma nhume kuvarume vaJabheshiGiriyadhi, akati kwavari, "Muropafadzwe naJehovha, zvamakaitira ishe wenyu Sauro chinhu ichi chakanaka, mukamuviga.
6. Zvino Jehovha ngaakuitireiwo zvakanaka nezvokwadi; neniwo ndichakuitirai zvakanaka, zvamakaita izvozvi.
7. Naizvozvo zvino, maoko enyu ngaave nesimba, muve noumhare; nokuti Sauro ishe wenyu wakafa, zvino veimba yaJudha vakandizodza, kuti ndive mambo wavo."
8. Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, wakanga atora Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, akamuisa Mahanaimu;
9. akamuita mambo weGiriyadhi, nowavaAshuri, noweJezereeri, nowaEfuremu, nowaBhenjamini, nowavaIsiraeri vose.
10. (Ishibhosheti, mwanakomana waSauro, wakanga ava namakore makumi mana nguva yokutanga kwake kubata ushe hwaIsiraeri, akabata ushe makore maviri). Asi veimba yaJudha vakatevera Dhavhidhi.
11. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni aiva makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
12. Zvino Abhineri, mwanakomana waNeri, navaranda valshibhosheti, mwanakomana waSauro, vakabva Mahanaimu, vakaenda Gibhioni.
13. NaJoabhu, mwanakomana waZeruya, navaranda vaDhavhidhi vakabudawo, vakasangana navo padziva reGibhiyoni; vakagara pasi, vamwe nechokuno kwedziva, vamwe nechemhiri kwedziva.
14. Abhineri akati kuna Joabhu, "Majaya ngaasimuke, atambe pamberi pedu." Joabhu akati, "Ngavasimuke havo."
15. Ipapo vakasimuka, vakaenda namapoka; gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshibhosheti, mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri vavaranda vaDhavhidhi.
16. Mumwe nomumwe akabata musoro wowakatarisana naye, vakabayana neminondo kunhivi dzavo, naizvozvo vakawira pasi pamwechete; naizvozvo nzvimbo iyo yakanzi Herikatiharuzimi, iri paGibhiyoni.
17. Kurwa kukanyanya kwazvo zuva iro; Abhineri navarume vaIsiraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.
18. Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo, vana Joabhu, naAbhishai, naAshaheri; Ashaheri waigona kumhanya sechengu.
19. Ashaheri akateverera Abhineri; zvino pakumhanya kwake haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe pakuteverera Abhineri.
20. Abhineri akacheuka, akati, "Ndiwe Ashaheri here?" Akapindura, akati, "Ndini."
21. Abhineri akati kwaari, "Tsaukira hako kurudyi kana kuruboshe, ubate hako rimwe ramajaya, utore nhumbi dzake dzokurwa nadzo." Asi Ashaheri wakaramba kutsauka pakumuteverera.
22. Abhineri akatizve kuna Ashaheri, "Tsauka hako pakunditeverera; ndichakuurayireiko? Ndingazondoonana sei naJoabhu mukuru wako?"
23. Asi wakaramba kutsauka; naizvozvo Abhineri wakamubaya nomudumbu nechireya chepfumo, pfumo rikabuda neseri kwake; akawira pasi ipapo, akafirapo; zvino vanhu vose vakati vachisvika pakanga pawira Ashaheri pasi pakufa kwake, vakamira.
24. Asi Joabhu naAbhishai vakateverera Abhineri, zuva rikavira pakusvika kwavo pachikomo cheAma, vaiva pamberi peGiya panzira yerenje inoenda Gibhiyoni.
25. Zvino vana vaBhenjamini vakaungana kuzotevera Abhineri, vakaita boka rimwe, vakamira pamusoro pechikomo,
26. Abhineri akashevedzera kuna Joabhu akati, "Ko munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauzivi kuti zvichavava pakupedzisira here? Uchanonoka kusvikira rinhiko kuraira vanhu kuti vadzoke pakuteverera hama dzavo?"
27. Joabhu akati, "NaMwari mupenyu, dai usina kutaura, zvirokwazvo vanhu vangadai varega mangwana kuteverera mumwe nomumwe hama yake."
28. Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira, vakarega kuzoteverera Isiraeri, vakasazorwazve.
29. Abhineri navanhu vake vakagura neArabha usiku uhwo hwose, vakayambuka Jorodhani, vakagura neBhitironi yose, vakasvika Mahanaimu.
30. Ipapo Joabhu akadzoka pakuteverera Abhineri; zvino wakati aunganidza vanhu vose, varume vane gumi navapfumbamwe naAshaheri vakashaikwa kuvaranda vaDhavhidhi.
31. Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya varume vana mazana matatu namakumi matatu vavaBhenjamini navarume vaAbhineri.
32. Vakasimudza Ashaheri, vakandomuviga muhwiro hwababa vake, hwaiva paBheterehemu. Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose, utonga hwukatsvuka pakusvika kwavo paHebhuroni.

  2Samuel (2/24)