2Samuel (19/24)  

1. Zvino Joabhu akaudzwa, zvichinzi "Tarira, mambo unochema nokuungudzira Abhusaromu."
2. Naizvozvo kukunda kwezuva iro kwakashandurwa kukava kuchema kwavanhu vose, nokuti vanhu vakanzwa zuva iro zvichinzi, "Mambo unochema mwanakomana wake."
3. Vanhu vakapinda muguta zuva iro vachiverevedza, savanhu vanonyara kana vachitiza kurwa.
4. Mambo akafukidza chiso chake, mambo akachema nenzwi guru, achiti, ' "Haiwa, mwana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu!"
5. Ipapo Joabhu akapinda mumba kuna mambo, akati, "Nhasi manyadza zviso zvavaranda venyu vose vakaponesa upenyu hwenyu nhasi, noupenyu hwavanakomana navanasikana venyu, noupenyu hwavakadzi venyu, noupenyu hwavarongo venyu;
6. nokuti munoda ivo vanokuvengai, muchivenga vanokudai. Nokuti makatiratidza nhasi, kuti hamuna hanya namachinda navaranda, nokuti nhasi ndaona, kuti Abhusaromu akanga achiri mupenyu, nesu tose takafa hedu nhasi, maifarira izvozvo.
7. Naizvozvo zvino simukai, mubude, mundotaura navaranda venyu, muvanyaradze; nokuti ndinokupikirai naJehovha, kuti kana musingabudi, hakuna munhu ungasara nemi usiku hwuno; izvozvo zvingava zvakaipa kwamuri kukunda zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva pawuduku hwenyu kusvikira zvino."
8. Ipapo mambo akasimuka, akandogara pasuo. Vakaudza vanhu vose, vachiti, "Tarirai, mambo ugere pasuo;" vanhu vose vakauya pamberi pamambo. Zvino vaIsiraeri vose vakanga vatizira mumwe nomumwe kutende rake.
9. Asi vanhu vose vakanga vachiita bope kumarudzi ose avaIsiraeri, vachiti, "Mambo wakatirwira pamaoko avavengi vedu, akatiponesa pamaoko avaFirisitia, zvino wabva panyika achitiza Abhusaromu.
10. Asi Abhusaromu watakanga tazodza kuti ave mambo wedu, wafa pakurwa. Zvino munoregereiko kutaurirana kudzosa mambo?"
11. Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki naAbhiatari vapirisiti, akati, "Taurai kuvakuru vaJudha, muti, 'Imi munononokereiko kudzosa mambo kumba kwake?' Nokuti mambo wakanzwa kuti vaIsiraeri vose vanotaura kuti adzoswe kumba kwake.
12. Imi muri hama dzangu, muri mapfupa angu nenyama yangu, zvino munononokerei kudzosa mambo?
13. Zvino muti kuna Amasa, `Iwe hauzi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana iwe usingazovi mukuru wehondo nguva yose pamberi pangu panzvimbo yaJoabhu.' "
14. Akarereudza moyo yavanhu vose vaJudha somoyo womunhu mumwe; naizvozvo vakatuma shoko kuna mambo, vakati, "Dzokai, imi navaranda venyu vose."
15. Naizvozvo mambo akadzoka akasvika paJorodhani 'VaJudha vakasvika paGirigari, vakasangana namambo, vakayambusa mambo Jorodhani.
16. Zvino Shimei mwanakomana waGera, muBhenjamini, wakanga agere Bhahurimu, wakakurumidza akaburuka navarume vaJudha kundosangana namambo Dhavhidhi.
17. Iye waiva navarume veBhenjamini vane chiuru chimwe, naZibha, muranda weimba yaSauro, navanakomana vake vane gumi navashanu, navaranda vake vane makumi maviri; ivo vakayambuka Jorodhani pamberi pamambo.
18. Igwa rikaenda kundoyambusa veimba yamambo, nokuita sezvavaida. Ipapo Shimei mwanakomana waGera wakazviwisira pasi pamberi pamambo, iye akayambuka Jorodhani.
19. Akati kuna mambo, "Ishe wangu ngaarege kundipa mhaka; regai henyu kurangarira kutadza kwomuranda wenyu zuva riya rokubuda kwashe wangu paJerusaremu; mambo ngaarege hake kurangarira izvozvo pamoyo pake.
20. Nokuti muranda wenyu unoziva kuti ndakatadza; naizvozvo tarirai, nhasi ndauya ndichitangira vose veimba yaJosefa, ndakaburuka kuzosangana nashe wangu mambo."
21. Asi Abhishai mwanakomana waZeruya, akapindura akati, "Shimei haafaniri here kuurawa pamusoro pechinhu ichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?"
22. Dhavhidhi akati, "Ndine mhosva yeiko nemi, imi vanakomana vaZeruya, zvamunoda kuva vavengi vangu nhasi? Kungaurawa munhu mumwe waIsiraeri nhasi here? Munoti handizivi here kuti ndiri mambo waIsiraeri nhasi?"
23. Mambo akati kuna Shimei, "Haungafi." Mambo akapika kwaari.
24. Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuzosangana namambo; asi iye wakanga asina kushambidza tsoka dzake, kana kupetura ndebvu dzake, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva rakaenda mambo kusvikira zuva raakadzoka naro norugare.
25. Zvino wakati asvika Jerusaremu kuzosangana namambo, mambo akati kwaari, "Wakaregereiko kuenda neni, Mefibhosheti?"
26. Iye akapindura akati, "Ishe wangu mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati, "ndichazviisira chigaro pambongoro, ndiitasve, ndiende namambo,' nokuti muranda wenyu chirema.
27. "Iye akandochera muranda wenyu kunashe wangu mambo; asi ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari, naizvozvo itai henyu sezvamunoda.
28. "Nokuti vose veimba yababa vangu vaifanira kuurawa nashe wangu mambo; kunyange zvakadaro makagadza muranda wenyu pakati pavaidya patafura yenyu. Ini ndichine simba reiko rokuchema naro kuna mambo?"
29. Mambo akati kwaari, "Ucharamba uchitaureiko?" Ndinoti, "Iwe naZibha govanai nyika."
30. Mefibhosheti akati kuna mambo, "Iye ngaatore hake zvose, ishe wangu mambo zvaakadzokera kumba kwake norugare."
31. NaBharizirai muGiriyadhi wakaburukawo achibva Rogerimi, akayambuka Jorodhani namambo, kuzomuperekedzera mhiri kwaJorodhani.
32. Zvino Bharizirai wakanga ari mutana kwazvo, wakanga asvika makore makumi masere; wakanga avigira mambo zvokudya panguva yokugara kwake paMahanaimi, nokuti wakanga akafuma kwazvo.
33. Mambo akati kuna Bharizirai, "Hendei, tiyambuke tose, ini ndichakuraramisa kwandiri paJerusaremu."
34. Bharizirai akati kuna mambo, "Makore oupenyu hwangu achava manganiko, kuti ndikwire Jerusaremu namambo?
35. Nhasi ndava namakore makumi masere; ini ndichagona kutsaura zvakanaka kune zvakaipa here? Muranda wenyu uchagona kuravira zvakanaka zvaanodya kana zvaanonwa here? Ndichagona kunzwa manzwi avarume navakadzi kana vachiimba here? Muranda wenyu ucharemedzereiko ishe wangu mambo?
36. Muranda wenyu wakanga achingoda hake kuyambuka Jorodhani namambo; zvino mambo ungandiripira izvozvo nomubayiro wakadai seiko?
37. Regai, muranda wenyu adzoke hake, ndinofira hangu muguta rangu, pamarinda ababa vangu namai vangu; asi hoyo muranda wenyu Chimhamu, iye ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira iye sezvamunoda."
38. Mambo akapindura akati, "Chimhamu uchayambuka neni, ini ndichamuitira iye sezvaunoda iwe; zvose zvaunoreva kwandiri ndichakuitira izvo."
39. Vanhu vose vakayambuka Jorodhani, naiye mambo akayambukawo; mambo akatsvoda Bharizirai akamuropafadza, iye akadzokera kumusha kwake.
40. Naizvozvo mambo akayambukira Girigari, Chimhamu akayambuka naye, navanhu vose vaJudha vakayambusa mambo, uyewo hafu yavanhu vaIsiraeri.
41. Zvino varume vose vaIsiraeri vakauya kuna mambo, vakati kuna mambo, "Hama dzedu, varume vaJudha, vakakubireiko, vakayambusa mambo naveimba yake Jorodhani, pamwechete navarume vose vaDhavhidhi?"
42. Varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsiraeri, vakati, "Nokuti mambo ihama yedu yomumba; matsamwireiko nemhaka iyi? Ko isu takatongodya zvamambo here? Iye wakatongotipa chipo here?"
43. Varume vaIsiraeri vakapindura varume vaJudha, vakati, "Isu tine migove ine gumi kuna mambo, naDhavhidhi ndowedu kukunda imi; zvino imi makatizvidzireiko, zvamusina kutanga kurangana nesu pamusoro pokudzosa mambo wedu?" Asi mashoko avarume vaJudha akanga achityisa kukunda mashoko avarume vaIsiraeri.

  2Samuel (19/24)