2Samuel (18/24)  

1. Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo.
2. Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun’una waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, "Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi."
3. Asi vanhu vakati, "Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta."
4. Mambo akati kwavari, "Ndichaita sezvamunofunga." Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru.
5. Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, "nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu." Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu.
6. Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu.
7. Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri.
8. Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo.
9. Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba.
10. Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, "Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.
11. Joabhu akati kumunhu wakamuudza, "Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire."
12. Murume akati kuna Joabhu, "Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, `Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.'
13. "Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imi mungadai mandiregera."
14. Ipapo Joabhu akati, "Handigoni kunonoka kudai newe pano." Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki.
15. Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya.
16. Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.
17. Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake.
18. Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakanga atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati, "Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu;" akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi.
19. Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, "Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake."
20. Joabhu akati kwaari, "Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa."
21. Zvino Joabhu akati kumuKushi, "Enda iwe undoudza mambo zvawaona." MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya.
22. Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, "Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi." Joabhu akati, "Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?"
23. Iye akati, "Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu." Akati kwaari, "Mhanya hako." Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi.
24. Zvino Dhavhidhi wakanga agere pakati pamasuo maviri, nharirire ikakwira padenga resuo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga.
25. Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, "Kana ari oga, ane shoko mumuromo make" Akaramba achifamba, akaswedera.
26. Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuo, ikati, "Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga." Mambo akati, "Naiye unouya neshoko."
27. Nharirire ikati, "Ndinofunga kuti kumhanya kwowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki." Mambo akati, "Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka."
28. Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, "Rugare!" Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, "Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo."
29. Mambo akati, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" Ahimaazi akapindura, akati, "Pakutumwa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko."
30. Mambo akati, "Tsauka, umire pano." Akatsauka, akaramba amirepo.
31. Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, "Ndine shoko kunashe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai."
32. Mambo akati kumuKushi, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" MuKushi akapindura akati, "Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro."
33. Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, "Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu! "

  2Samuel (18/24)