| ← 2Samuel (18/24) → |
| 1. | Zvino Dhavhidhi akaverenga vanhu vaakanga anavo, akagadza vakuru vezviuru navakuru vamazana pamusoro pavo. |
| 2. | Dhavhidhi akatuma vanhu, chetatu chavo vachirairwa naJoabhu, nechetatu chavo vachirairwa naAbhishai mwanakomana waZeruya, munun’una waJoabhu, nechatatu chavozve vachirairwa naItai muGiti. Mambo akati kuvanhu, "Zvirokwazvo, neniwo ndimene ndichaenda nemi." |
| 3. | Asi vanhu vakati, "Hamungaendi, nokuti kana tikatiza isu, havangavi nehanya nesu; kunyange hafu yavanhu vedu vakaurawa havangavi nehanya nesu; asi imi makafanana navanhu vedu vane zviuru zvine gumi; naizvozvo zviri nani kuti mugare makazvigadzira kuzotibatsira muri muguta." |
| 4. | Mambo akati kwavari, "Ndichaita sezvamunofunga." Mambo akandomira kurutivi rwesuo vanhu vose vakabuda vachiita mazana-mazana nezviuru-zviuru. |
| 5. | Zvino mambo akaraira Joabhu naAbhishai naItai, akati, "nzwirai henyu jaya nyasha, iye Abhusaromu, nokuda kwangu." Vanhu vose vakanzwa mambo achiraira vakuru vose pamusoro paAbhusaromu. |
| 6. | Zvino vanhu vakabudira kusango kundorwa naIsiraeri, vakarwa mudondo raEfuremu. |
| 7. | Vanhu vaIsiraeri vakakundwapo pamberi pavaranda vaDhavhidhi, vakauraya vanhu vazhinji-zhinji zuva iro vakasvika zviuru zvina mazana maviri. |
| 8. | Nokuti kurwa kwakapararira panyika yose, dondo rikaparadza vanhu vazhinji kukunda vakaparadzwa nomunondo. |
| 9. | Zvino Abhusaromu akasangana navaranda vaDhavhidhi. Abhusaromu wakanga akatasva hesera rake, hesera rikapinda napasi pamatavi makobvu omuoki mukuru, musoro wake ukabatwa pamuoki, iye ndokurembera pakati pedenga napasi; hesera raakanga akatasva rikaramba richifamba. |
| 10. | Zvino mumwe murume akazviona, akandoudza Joabhu, akati, "Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki. |
| 11. | Joabhu akati kumunhu wakamuudza, "Wakazviona, ukaregereiko kumubaya ipapo? Ndingadai ndakakupa masirivha ane gumi nebhanhire." |
| 12. | Murume akati kuna Joabhu, "Kunyange ndikapiwa masirivha ane chiuru muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo, nokuti mambo wakaraira imi naAbhishai naItai, isu tichizvinzwa, akati, `Chenjerai kuti kusava nomunhu unogunzva jaya, iye Abhusaromu.' |
| 13. | "Dai ndakanga ndamuuraya pakavanda (hakune shoko rinovanzirwa mambo), imi mungadai mandiregera." |
| 14. | Ipapo Joabhu akati, "Handigoni kunonoka kudai newe pano." Zvino akatora mapfumo matatu muruoko rwake, akabaya Abhusaromu nawo pamoyo, achiri mupenyu mukati momuoki. |
| 15. | Ipapo majaya ane gumi, aibata nhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu, akakomba Abhusaromu, akamubaya, akamuuraya. |
| 16. | Zvino Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vakadzoka pakuteverera vaIsiraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu. |
| 17. | Vakatora Abhusaromu, vakamukanda mugomba mudondo, vakatutira pamusoro pake murwi mukuru wamabwe; vaIsiraeri vose vakatizira murenje mumwe nomumwe kutende rake. |
| 18. | Zvino Abhusaromu achiri mupenyu wakanga atora shongwe akazvimutsira iyo pamupata wamambo, nokuti wakati, "Handina mwanakomana ungayeudza vanhu zita rangu;" akatumidza shongwe iyo zita rake, rikanzi shongwe yokuyeudzira Abhusaromu kusvikira nhasi. |
| 19. | Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, akati, "Regai ndimhanye zvino ndindoudza mambo shoko iri, kuti Jehovha wakamutsiva kuvavengi vake." |
| 20. | Joabhu akati kwaari, "Iwe haungaendi neshoko nhasi, asi ungaenda neshoko rimwe zuva; asi nhasi haungaendi neshoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa." |
| 21. | Zvino Joabhu akati kumuKushi, "Enda iwe undoudza mambo zvawaona." MuKushi akakotamira pasi pamberi paJoabhu, akamhanya. |
| 22. | Ahimaazi mwanakomana waZadhoki akatizve kuna Joabhu, "Kunyange zvakadaro hazvo, nditendere ndimhanye neniwo, nditevere muKushi." Joabhu akati, "Unoda kumhanyireiko, mwana wangu, nokuti haungapiwi mubayiro pamusoro peshoko?" |
| 23. | Iye akati, "Kunyange zvakadaro hazvo, ndichamhanya hangu." Akati kwaari, "Mhanya hako." Ipapo Ahimaazi akamhanya nenzira yomubani, akapfuura muKushi. |
| 24. | Zvino Dhavhidhi wakanga agere pakati pamasuo maviri, nharirire ikakwira padenga resuo parusvingo rweguta, akatarira, akaona murume achimhanya ari oga. |
| 25. | Nharirire ikadanidzira, ikaudza mambo. Mambo akati, "Kana ari oga, ane shoko mumuromo make" Akaramba achifamba, akaswedera. |
| 26. | Nharirire ikaona mumwe munhuzve achimhanya; nharirire ikadanidzira kumutariri wesuo, ikati, "Tarira, kuno mumwe munhuzve unomhanya ari oga." Mambo akati, "Naiye unouya neshoko." |
| 27. | Nharirire ikati, "Ndinofunga kuti kumhanya kwowokutanga kwakafanana nokumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki." Mambo akati, "Iye munhu wakanaka, unouya neshoko rakanaka." |
| 28. | Ahimaazi akadanidzira akati kuna mambo, "Rugare!" Akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, akati, "Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, wakaisa kwamuri vanhu vakanga vatambanudzira maoko avo kunashe wangu mambo." |
| 29. | Mambo akati, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" Ahimaazi akapindura, akati, "Pakutumwa kwomuranda wenyu, iyeni muranda wenyu, naJoabhu, ndakaona nyongano huru, asi ndakanga ndisingazivi kuti chinyiko." |
| 30. | Mambo akati, "Tsauka, umire pano." Akatsauka, akaramba amirepo. |
| 31. | Zvino muKushi akasvika. MuKushi akati, "Ndine shoko kunashe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivai nhasi kuna vose vakanga vakumukirai." |
| 32. | Mambo akati kumuKushi, "Ko jaya, iye Abhusaromu, wakafara here?" MuKushi akapindura akati, "Vavengi vashe wangu mambo, navose vanokumukirai, ngavave sejaya iro." |
| 33. | Mambo akavhunduka kwazvo, akakwira kukamuri yakanga iri pamusoro pesuo, akachema; akaramba achifamba, achiti, "Haiwa, mwana wangu Abhusaromu! Ndingadai ndakafa hangu panzvimbo yako, haiwa Abhusaromu, mwana wangu, mwana wangu! " |
| ← 2Samuel (18/24) → |