2Samuel (17/24)  

1. Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu, "Nditenderei zvino nditsaure varume vane zviuru zvine gumi nezviviri, ndisimuke, nditeverere Dhavhidhi usiku hwuno;
2. ndimuvambe akaneta, asine simba, ndimutyise, vanhu vose vaanavo vatize; ini ndichauraya mambo oga.
3. Ipapo ndichadzosera vanhu vose kwamuri; kana mawana munhu mumwe wamunotsvaka, vanhu vose vachadzoka; naizvozvo vanhu vose vachava norugare."
4. Shoko iro rakafadza Abhusaromu navakuru vose vaIsiraeri.
5. Ipapo Abhusaromu akati, "Danai Hushai muArikiwo, tinzwe zvaanotaura."
6. Hushai wakati asvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu akataura naye akati, "Ahitoferi wataura zvokuti nezvokuti; zvino toita sezvaakataura here? Kana tisingafaniri kudaro, taura iwe."
7. Hushai akati kuna Abhusaromu, "Zano ramapiwa nguva ino naAhitoferi harina kunaka."
8. Hushai akawedzera, akati, "Munoziva baba venyu navanhu vavo, kuti vanhu voumhare, zvino vane shungu pamoyo pavo, sebere ratorerwa vana varo kusango; baba venyu munhu wokurwa, havangavati navanhu.
9. Tarirai, zvino vandovanda pabako, kana pamwe; zvino kana vamwe vakatanga kuurawa, aninani unonzwa uchati, `Vanhu, vanotevera Abhusaromu, vourawa.'
10. Ipapo kunyange munhu wemhare, ano moyo wakafanana noweshumba, uchawora moyo, nokuti vaIsiraeri vose vanoziva kuti baba venyu imhare, naivo vavanavo vanhu voumharewo.
11. Zvino zano rangu ndiro, kuti vaIsiraeri vose vaunganidzwe kwamuri, kubva paDhani kusvikira paBheerishebha, vawande sejecha riri pagungwa; nemiwo muende mumene kuhondo.
12. Naizvozvo tichamuvamba paanenge achiwanikwa, tigomhara pamusoro pake somumharire weveta pasi; hatingasiyi kunyange mumwe wavo, kunyange ivo kunyange vanhu vavanavo.
13. Uye, kana vakapinda muguta, vaIsiraeri vose vangauya namabote kuguta iro, tirikwevere murwizi, kusvikira pachishaikwa kunyange ibwe rimwe duku."
14. Ipapo Abhusaromu navarume vose vaIsiraeri vakati, "Zano raHushai muAriki rakanaka kukunda zano raAhitoferi." Nokuti Jehovha wakanga atema kuti zano rakanaka raAhitoferi rikoneswe, kuti Jehovha apinze Abhusaromu panjodzi.
15. Zvino Hushai akati kuna Zadhoki nokuna Abhiatari vapirisiti, "Ahitoferi wakapa Abhusaromu navakuru vaIsiraeri zano rokuti nerokuti, asi ini ndakavapa zano rokuti nerokuti.
16. Naizvozvo zvino, tumai munhu pakarepo, audze Dhavhidhi, ati, `Regai kuvata usiku hwuno kumazambuko erenje, asi munofanira kuyambuka, kuti mambo arege kumedzwa navanhu vose vaanavo.' "
17. Zvino Jonatani naAhimazi vakanga vari paEnirogeri; murandakadzi akaenda kundovaudza ivo vakandoudza mambo Dhavhidhi, nokuti havazaifanira kuonekwa vachipinda paguta.
18. Asi mumwe mukomana wakavaona, akandoudza Abhusaromu; ivo vaviri vakakurumidza kuenda, vakasvika paimba yomumwe munhu paBhahurimu; iye wakanga ane tsime paruvazhe rwake, ivo vakaburukiramo.
19. Mukadzi akatora chokufukidzira nacho, akachiwarira pamusoro pomuromo wetsime, akanika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; hakune chinhu chakazozikanwa.
20. Zvino varanda vaAbhusaromu vakasvika kumukadzi kumba, vakati, "Ahimaazi naJonatani varipiko?" Mukadzi akati kwavari, "Vayambuka rukova." Ivo vakavatsvaka, vakavashaiwa, vakadzokera Jerusaremu.
21. Zvino vakati vabva, ivo vakabuda mutsime, vakandoudza mambo Dhavhidhi; vakati kuna Dhavhidhi, "Simukai, mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapa zano rokuti nerokuti pamusoro penyu."
22. Dhavhidhi akasimuka, navanhu vose vaakanga anavo, vakayambuka Jorodhani; kwakati kwoedza mangwanani, kwakanga kusino mumwe wavo wakanga achigere kuyambuka Jorodhani.
23. Zvino Ahitoferi wakati achiona kuti vakanga vasine hanya nezano rake, akaisa chigaro pamusoro pembongoro yake, akasimuka, akaenda kumba kwake kuguta rake, akaraira vose veimba yake, akazvisungirira, akafa, akavigwa muhwiro hwababa vake.
24. Zvino Dhavhidhi akasvika Mahanaimu. Abhusaromu akayambuka Jorodhani, iye navarume vose valsiraeri, vaakanga anavo.
25. Abhusaromu akagadza Amasa ave mutungamiriri wehondo panzvimbo yaJoabhu. Amasa wakanga ari mwanakomana womunhu wainzi Jitira mulsiraeri, wakanga apinda kuna Abhigairi, mukunda waNahashi, munun’una waZeruya, amai vaJoabhu.
26. VaIsiraeri naAbhusaromu vakadzika matende avo panyika yeGiriyadhi.
27. Zvino Dhavhidhi wakati achisvika paMahanaimu, Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha, wavana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,
28. vakauya nenhovo, nehari, nemidziyo yevhu, nezviyo, nebhari, noupfu, nezviyo zvakakangwa, nenyimo, nenyemba, nezvakakangwa,
29. nouchi, namafuta, namakwai, namapundu omukaka, kuti Dhavhidhi navanhu vose vaakanga anavo vadye; nokuti vakati, "Vanhu vane nzara, vaneta, vane nyota murenje."

  2Samuel (17/24)