2Samuel (15/24)  

1. Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu akazvigadzirira ngoro namabhiza navarume vana makumi mashanu kuti vamhanye pamberi pake.
2. Abhusaromu waimuka mangwanani, akandomira parutivi rwenzira pasuo; zvino kana kuchinge kuno munhu wakanga ouya kuna mambo kuzotambirwa mhosva yake, Abhusaromu ndokumudana, akati, "Uri weguta ripiko?" Kana akati, "Muranda wenyu unobva kuno rumwe rwamarudzi aIsiraeri,"
3. Abhusaromu waiti kwaari, "Tarira, mashoko ako akanaka, akarurama hawo, asi hakuna munhu wakatumwa namambo kuzokunzwa."
4. Uye Abhusaromu akatiwo, "Dai ini ndichiitwa mutongi panyika, kuti ani nani anenge ane mhaka kana shoko auye kwandiri, ini ndimururamisire."
5. Zvino kana ani nani akaswedera kuzopfugama pamberi pake, iye waitambanudza ruoko rwake, achimubata, achimutsvoda.
6. Zvino Abhusaromu waiita nomutowo uyu navaIsiraeri vose vaiuya kuna mambo kuzotambirwa mhosva dzavo; naizvozvo Abhusaromu akanyengera moyo yavanhu vaIsiraeri kuti imude.
7. Zvino makore mana akati apfuura, Abhusaromu akati kuna mambo, "Nditenderei henyu ndiende Hebhuroni, ndindoripira kupika kwangu kwandakapikira Jehovha.
8. Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko ndichigere Geshuri paSiria, ndikati, `Zvirokwazvo, kana Jehovha akandidzosera Jerusaremu, ndichanamata Jehovha.' "
9. Mambo akati, "Chienda hako norugare." Naizvozvo akasimuka, akaenda Hebhuroni.
10. Asi Abhusaromu wakatuma vashori pakati pamarudzi ose aIsiraeri, akati, "Kana mukanzwa kurira kwehwamanda, ipapo muti, `Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.' "
11. Zvino Abhusaromu akaperekedzwa navarume vana mazana maviri veJerusaremu, vakanga vakokwa; ivo vakaenda havo vakafara vasingazivi chinhu.
12. Abhusaromu akatuma munhu kundodana Ahitoferi muGironi, gurukota raDhavhidhi, paguta rake Giro, panguva yakanga achibayira zvibayiro. Kurangana uku kukava nesimba, nokuti vanhu vakaramba vachiwanda kuna Abhusaromu.
13. Zvino nhume yakasvika kuna Dhavhidhi, ikati, "moyo yavarume vaIsiraeri yotevera Abhusaromu."
14. Ipapo Dhavhidhi akati kuvaranda vake vose vakanga vanaye paJerusaremu, "Simukai, titize nokuti kana tikasadaro, hapana mumwe wedu ungapukunyuka kuna Abhusaromu; kurumidzai tiende, arege kutibata pakarepo, atiitire zvakaipa, nokuparadza guta nomunondo unopinza."
15. Varanda vamambo vakati kuna mambo, "Tarirai, varanda venyu vakamirira kuita zvose zvinodikanwa naishe wedu mambo."
16. Mambo akabuda, vose veimba yake vakamutevera. Mambo akasiya vakadzi vane gumi, vaiva varongo, kuti vachengete imba.
17. Mambo akabuda navanhu vose vakamutevera, vakandomira paBhetimaerihaki.
18. Varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, navaKereti vose, navaPereti vose, navaGiti vose, varume vana mazana matanhatu vakanga vamutevera vachibva Gati, vakatungamirira pamberi pamambo.
19. Mambo akati kuna Itai muGiti, "Iwe unoendireiko nesu? Dzoka hako, ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa wakadzingwa; dzokera kunyika yako.
20. Iwe uchangosvika zuro, zvino ini ndichakufambisa-fambisa seiko nesu, zvandisingazivi ini kwandinoenda? Dzoka hako, udzokewo nehama dzako; nenyasha nezvokwadi ngazvive newe."
21. Itai akapindura mambo akati, "NaJehovha mupenyu zvirokwazvo, panondogara ishe wangu mambo, kana kufirapo kana kuraramirapo, ndipo pachava nemuranda wenyuwo."
22. Dhavhidhi akati kuna Itai, "Chienda hako, uyambuke." Itai muGiti akayambuka, navanhu vake vose, navana vaduku vose vakanga vanaye.
23. Vanhu venyika yose vakachema nenzwi guru, vanhu vose vakayambuka; naiye mambo amene akayambukawo rukova Kidhoroni, navanhu vose vakayambukawo vakaenda nenzira yokurenje.
24. Zvino Zadhoki akasvikawo navaRevhi vose vanaye, vakatakura areka yesungano; vakagadzika areka yaMwari pasi, Abhiatari akakwirawo, kusvikira vanhu vose vapedza kubuda paguta.
25. Ipapo mambo akati kuna Zadhoki, "Dzoserai areka yaMwari muguta; kana Jehovha akandinzwira nyasha, uchandidzosazve, akandiwonesa iyo nenzvimbo yayozve.
26. Asi kana akati, `Handifari newe; tarirai, ndiri pano hangu, ngaandiitire sezvaanoda.' "
27. Mambo akati kuna Zadhoki mupirisiti, "Iwe hauzi Muvoni here? Dzokera muguta norugare, iwe navanakomana vako vaviri vaunawo, mwanakomana wako Ahimaazi, naJonatani mwanakomana waAbhiatari.
28. Tarira, ini ndichandomira pamazambuko erenje, kusvikira shoko rinobva kwauri rasvika, kundizivisa."
29. Naizvozvo Zadhoki naAbhitari vakadzosera areka yaMwarizve Jerusaremu; ivo vakagarapo.
30. Dhavhidhi akakwira nokumukwidza wegomo reMiorivhi, akafamba achingochema, akafukidza musoro wake, akafamba asine shangu, navanhu vose vakanga vanaye vakafukidza misoro yavo, vakakwira, vakangochema pakukwira kwavo.
31. Zvino mumwe akaudza Dhavhidhi, akati, "Ahitoferi unoranganawo navamwe naAbhusaromu." Dhavhidhi akati, "Haiwa Jehovha, shandurai henyu mashoko aAhitoferi, ave mashoko oupenzi."
32. Zvino Dhavhidhi wakati asvika kumusoro kwainamatwa Mwari, akaona Hushai muAriki osangana naye, nguvo dzake dzakabvarurwa nevhu pamusoro wake.
33. Dhavhidhi akati kwaari, "Kana iwe ukapfuura neni, uchandiremedza;
34. asi kana ukadzokera kuguta, ukandoti kuna Abhusaromu, `Ndichava muranda wenyu, mambo; sezvandaiva muranda wababa venyu kare, saizvozvo ndichava muranda wenyu zvino; ipapo ungandikundira mano aAhitoferi.'
35. Zadhoki naAbhiatari vapirisiti, havazipo newe here? Naizvozvo zvose zvaunonzwa mumba mamambo, uudze Zadhoki naAbhiatari vapirisiti izvozvo.
36. Tarira, vana vavanakomana vavo vaviripo, Ahimaazi mwanakomana waZadhoki, naJonatani mwanakomana waAbhiatari; zvino unditumire navo zvose zvauchanzwa."
37. Naizvozvo Hushai, shamwari yaDhavhidhi, akaenda kuguta; naAbhusaromu akapinda Jerusaremu.

  2Samuel (15/24)