2Samuel (14/24)  

1. Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya, wakaona kuti moyo wamambo wakanga uchida Abhusaromu.
2. Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, "Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa;
3. zvino upinde kuna mambo, utaure naye zvokuti nezvokuti." Naizvozvo Joabhu akaisa mashoko mumuromo make.
4. Zvino mukadzi weTekoa wakati achitaura namambo, akawira pasi nechiso chake, akakotama, akati, "Ndibatsirei, mambo wangu!"
5. Mambo akati kwaari, "Unonzweiko?" Akapindura, akati, "Zvirokwazvo, ndiri chirikadzi, murume wangu wakafa.
6. Murandakadzi wenyu wakanga ana vanakomana vaviri, ivo vaviri vakarwa kusango; kwakanga kusino munhu wakavanunura, mumwe akarova mumwe, akamuuraya.
7. Zvino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, vakati, `Tipei uyo wakauraya munun’una wake, timuuraye pamusoro poupenyu hwomunun’una wake waakauraya, tiuraye nomudyi wenhakawo;' naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, vakasasiyira murume wangu zita kana mumwe wakasara panyika."
8. Mambo akati kumukadzi, "Enda hako kumba kwako, ndicharaira shoko pamusoro pako."
9. Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, "Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva."
10. Mambo akati, "Ani nani anotaura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangazokugunzvizve."
11. Ipapo iye akati, "Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu." Iye akati, "NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi."
12. Zvino mukadzi akati, "Murandakadzi wenyu ngaatenderwe hake kutaura shoko rimwe kunashe wangu mambo." Iye akati, "Taura hako."
13. Mukadzi akati, "Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga.
14. "Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye.
15. "Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, `Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.'
16. "Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari.
17. Zvino murandakadzi wenyu akati, `Ndinokumbira kuti shoko rashe wangu mambo rive rokunyaradza; nokuti ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.' "
18. Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi, "Usavanzira hako shoko randinokubvunza." Mukadzi akati, "Ishe wangu ngaataure hake zvino."
19. Mambo akati, "Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here?" Mukadzi akapindura, akati, "Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu.
20. Muranda wenyu Joabhu wakandiraira kushandura shoko iri kudai; asi ishe wangu wakangwara, nokungwara kwakafanana nokwomutumwa waMwari, nokuti munoziva zvose zviri panyika."
21. Ipapo mambo akati kuna Joabhu, "Tarira zvino, ndatenda hangu chinhu ichi, naizvozvo chienda undotora jaya Abhusaromu."
22. Joabhu akawira pasi nechiso chake, akakotama, akavonga mambo. Joabhu akati, "Nhasi muranda wenyu unoziva kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe wangu mambo; nokuti mambo wakaita zvakumbirwa nomuranda wake."
23. Naizvozvo Joabhu akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Abhusaromu Jerusaremu.
24. Mambo akati, "Ngaatsaukire kumba kwake, asi ngaarege kuona chiso changu." Naizvozvo Abhusaromu akatsaukira kumba kwake, akasaona chiso chamambo.
25. Zvino pakati pavaIsiraeri vose kwakanga kusino munhu wairumbidzwa kwazvo saAbhusaromu pamusoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kusvikira kumusoro wake kwakanga kusine chinhu chakaremara kwaari.
26. Nguva yaaigurira vhudzi rake, (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nokuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo.
27. Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mu mwe, wainzi Tamari; iye waiva mukadzi wakanga ane chiso chakanaka.
28. Zvino Abhusaromu akagara makore maviri paJerusaremu asingaoni chiso chamambo.
29. Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu, kuti amutumire kuna mambo; asi wakaramba kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri, asi wakarambazve kuuya.
30. Zvino akati kuvaranda vake, "Tarirai munda waJoabhu uri pedo nowangu, uye ane bhari; endai mundoupisa." Varanda vaAbhusaromu vakandopisa munda.
31. Joabhu akasimuka, akaenda kuna Abhusaromu kumba kwake, akati kwaari, "Varanda vako vapisireiko munda wangu?"
32. Abhusaromu akapindura Joabhu akati, "Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, `Uya pano, ndikutume kuna mambo,' undoti `Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.' "
33. Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo, akamuudza; ivo vakadana Abhusaromu, akasvika kuna mambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, mambo akatsvoda Abhusaromu.

  2Samuel (14/24)