| ← 2Samuel (14/24) → |
| 1. | Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya, wakaona kuti moyo wamambo wakanga uchida Abhusaromu. |
| 2. | Joabhu akatumira Tekoa, akatorako mukadzi wakanga akangwara, akati kwaari, "Uzviite hako somuchemi, ufuke nguvo dzokuchema, usazvizora mafuta, asi uzviite somukadzi wakanguva achema wakafa; |
| 3. | zvino upinde kuna mambo, utaure naye zvokuti nezvokuti." Naizvozvo Joabhu akaisa mashoko mumuromo make. |
| 4. | Zvino mukadzi weTekoa wakati achitaura namambo, akawira pasi nechiso chake, akakotama, akati, "Ndibatsirei, mambo wangu!" |
| 5. | Mambo akati kwaari, "Unonzweiko?" Akapindura, akati, "Zvirokwazvo, ndiri chirikadzi, murume wangu wakafa. |
| 6. | Murandakadzi wenyu wakanga ana vanakomana vaviri, ivo vaviri vakarwa kusango; kwakanga kusino munhu wakavanunura, mumwe akarova mumwe, akamuuraya. |
| 7. | Zvino tarirai, imba yose yamukira murandakadzi wenyu, vakati, `Tipei uyo wakauraya munun’una wake, timuuraye pamusoro poupenyu hwomunun’una wake waakauraya, tiuraye nomudyi wenhakawo;' naizvozvo vachadzima zimbe rangu rakasara, vakasasiyira murume wangu zita kana mumwe wakasara panyika." |
| 8. | Mambo akati kumukadzi, "Enda hako kumba kwako, ndicharaira shoko pamusoro pako." |
| 9. | Mukadzi weTekoa akati kuna mambo, "Ishe wangu mambo, mhosva ngaive kwandiri nokuimba yababa vangu, asi mambo nechigaro chake choushe ngazvirege kuva nemhosva." |
| 10. | Mambo akati, "Ani nani anotaura chinhu kwauri, uya naye kwandiri, haangazokugunzvizve." |
| 11. | Ipapo iye akati, "Mambo ngaarangarire Jehovha Mwari wenyu, kuti mutsivi weropa arege kuramba achiparadza, varege kuzoparadza mwanakomana wangu." Iye akati, "NaJehovha mupenyu, ruvhudzi rumwe rwomwanakomana wako harungawiri pasi." |
| 12. | Zvino mukadzi akati, "Murandakadzi wenyu ngaatenderwe hake kutaura shoko rimwe kunashe wangu mambo." Iye akati, "Taura hako." |
| 13. | Mukadzi akati, "Zvino makarangarireiko kuitira vanhu vaIsiraeri chinhu chakadai? Nokuti pakutaura kwenyu shoko rakadai, mambo wafanana nomunhu ane mhosva, nokuti mambo haadzoserizve kumusha kwake mwanakomana wake waakadzinga. |
| 14. | "Nokuti tinofanira kufa, takafanana nemvura yakateurirwa pasi, isingagoni kuworerwazve; Mwari haatoreri munhu upenyu, asi unofunga mano kuti wakadzingwa arege kurashwa chose naye. |
| 15. | "Naizvozvo zvino, ndauya ini kuzotaura shoko iri kunashe wangu mambo, nokuti vanhu vakandityisa; murandakadzi wenyu akati, `Ndichataura zvino namambo; zvimwe mambo uchatenda zvinokumbirwa nomura-ndakadzi wake.' |
| 16. | "Nokuti mambo uchateerera hake, akarwira murandakadzi wake paruoko rwomunhu unoda kundiparadza ini pamwechete nomwanakomana wangu, tirege kudya nhaka yaMwari. |
| 17. | Zvino murandakadzi wenyu akati, `Ndinokumbira kuti shoko rashe wangu mambo rive rokunyaradza; nokuti ishe wangu mambo wakafanana nomutumwa waMwari pakuziva zvakanaka nezvakaipa; Jehovha Mwari wenyu ngaave nemi.' " |
| 18. | Ipapo mambo akapindura, akati kumukadzi, "Usavanzira hako shoko randinokubvunza." Mukadzi akati, "Ishe wangu ngaataure hake zvino." |
| 19. | Mambo akati, "Joabhu wakabatsirana newe pazvinhu izvi zvose here?" Mukadzi akapindura, akati, "Noupenyu hwomweya wangu, ishe wangu mambo, hakuna munhu ungatsauka kurudyi kana kuruboshwe pashoko rimwe rakataurwa nashe wangu mambo; nokuti muranda wenyu Joabhu ndiye wakandiraira, ndiye wakaisa mashoko awa ose mumuromo womurandakadzi wenyu. |
| 20. | Muranda wenyu Joabhu wakandiraira kushandura shoko iri kudai; asi ishe wangu wakangwara, nokungwara kwakafanana nokwomutumwa waMwari, nokuti munoziva zvose zviri panyika." |
| 21. | Ipapo mambo akati kuna Joabhu, "Tarira zvino, ndatenda hangu chinhu ichi, naizvozvo chienda undotora jaya Abhusaromu." |
| 22. | Joabhu akawira pasi nechiso chake, akakotama, akavonga mambo. Joabhu akati, "Nhasi muranda wenyu unoziva kuti ndanzwirwa nyasha nemi, ishe wangu mambo; nokuti mambo wakaita zvakumbirwa nomuranda wake." |
| 23. | Naizvozvo Joabhu akasimuka, akaenda Geshuri, akadzosera Abhusaromu Jerusaremu. |
| 24. | Mambo akati, "Ngaatsaukire kumba kwake, asi ngaarege kuona chiso changu." Naizvozvo Abhusaromu akatsaukira kumba kwake, akasaona chiso chamambo. |
| 25. | Zvino pakati pavaIsiraeri vose kwakanga kusino munhu wairumbidzwa kwazvo saAbhusaromu pamusoro pokunaka kwake; kubva patsoka dzake kusvikira kumusoro wake kwakanga kusine chinhu chakaremara kwaari. |
| 26. | Nguva yaaigurira vhudzi rake, (zvino wairigurira pakupera kwegore rimwe nerimwe, nokuti vhudzi rake raimuremera, naizvozvo wairigurira), waiyera vhudzi romusoro wake, rikasvika mashekeri ana mazana maviri, achienzanisa nechiyero chamambo. |
| 27. | Abhusaromu akaberekerwa vanakomana vatatu nomwanasikana mu mwe, wainzi Tamari; iye waiva mukadzi wakanga ane chiso chakanaka. |
| 28. | Zvino Abhusaromu akagara makore maviri paJerusaremu asingaoni chiso chamambo. |
| 29. | Ipapo Abhusaromu akadana Joabhu, kuti amutumire kuna mambo; asi wakaramba kuuya kwaari; akatumazve rwechipiri, asi wakarambazve kuuya. |
| 30. | Zvino akati kuvaranda vake, "Tarirai munda waJoabhu uri pedo nowangu, uye ane bhari; endai mundoupisa." Varanda vaAbhusaromu vakandopisa munda. |
| 31. | Joabhu akasimuka, akaenda kuna Abhusaromu kumba kwake, akati kwaari, "Varanda vako vapisireiko munda wangu?" |
| 32. | Abhusaromu akapindura Joabhu akati, "Tarira, ndakatuma shoko kwauri, ndichiti, `Uya pano, ndikutume kuna mambo,' undoti `Ndakabvireiko Geshuri? Zvaiva zviri nani kuti ndivepo nazvino; naizvozvo zvino nditendere ndiwone chiso chamambo; kana ndine mhosva, ngaandiuraya hake.' " |
| 33. | Naizvozvo Joabhu akaenda kuna mambo, akamuudza; ivo vakadana Abhusaromu, akasvika kuna mambo, akakotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo, mambo akatsvoda Abhusaromu. |
| ← 2Samuel (14/24) → |