2Samuel (13/24)  

1. Zvino shure kwaizvozvo Abhusaromu mwanakomana waDhavhidhi wakanga ane hanzvadzi yakanaka, yainzi Tamari; Amunoni mwanakomana waDhavhidhi akamuda.
2. Amunoni akatambudzika, akarwara pamusoro paTamari hanzvadzi yake; nokuti yakanga iri mhandara, Amunoni akaona kuti haangamuiti chinhu.
3. Asi Amunoni wakanga ane shamwari, yainzi Jonadhabhu mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi; zvino Jonadhabhu wakanga ari munhu waiva namano.
4. Iye akati kwaari, "Nhandi, mwanakomana wamambo, wakawondereiko kudai mazuva ose? Haungandiudzi here?" Amunoni akati kwaari, "Ndinoda Tamari, hanzvadzi yomunun’una wangu Abhusaromu."
5. Jonadhabhu akati kwaari, "Vata panhovo dzako, uzviite somunhu unorwara; zvino kana baba vako vakasvika kuzokuona, uti kwavari, `Ndinokumbira kuti hanzvadzi yangu Tamari auye, andipe zvokudya, ndidye, agadzire zvokudya pamberi pangu, ndizviwone, ndizvidye pamaoko ake.' "
6. Naizvozvo Amunoni akavata pasi, akazviita somunhu unorwara; zvino mambo wakati achisvika kuzomuona, Amunoni akati kuna mambo, "Ndinokumbira kuti Tamari, hanzvadzi yangu auye, andibikire zvingwa zviviri ndichizviona, kuti ndidye pamaoko ake."
7. Dhavhidhi akatuma shoko kumusha kuna Tamari, akati, "Enda zvino kumba kwaAmunoni hanzvadzi yako, umugadzirire zvokudya."
8. Naizvozvo Tamari akaenda kumba kwehanzvadzi yake Amunoni; iye akanga avete pasi. Akatora mukanyiwa, akaukanya, akaumba zvingwa achizviona, akabika zvingwa.
9. Akatora gango, akazvidurura pamberi pake; asi iye wakaramba kudya. Amunoni akati, "Vanhu vose ngavabude kwandiri." Vanhu vose vakabuda kwaari.
10. Amunoni akati kuna Tamari, "Uya nezvokudya muimba yokuvata, kuti ndidye pamaoko ako." Tamari akatora zvingwa zvaakanga abika, akauya nazvo mumba mokuvata maAmunoni hanzvadzi yake.
11. Zvino wakati aswedera pedo kwaari nazvo, iye akamubata, akati kwaari, "Uya uvate neni, hanzvadzi yangu."
12. Iye akamupindura akati, "Kwete, hanzvadzi yangu, usandichinya; nokuti chinhu chakadai hachifaniri kuitwa pakati pavaIsiraeri; usaita chinhu ichi chakaipa.
13. Neni ndichaendepiko nokunyara kwangu? Kana uriwe, uchava sebenzi pakati paIsiraeri. Naizvozvo zvino, dotaura hako namambo; nokuti ivo havangandinyimi iwe."
14. Asi wakaramba kuteerera inzwi rake, akaita simba naye, akamukurira, akavata naye.
15. Ipapo Amunoni akamuvenga nokuvenga kukuru kwazvo; nokuti kuvenga kwaakamuvenga nako, kwakapfuura rudo rwaaimuda narwo. Amunoni akati kwaari, "Muka, uende."
16. Iye akati kwaari, "Kwete, nokuti chinhu ichi chokundidzinga chikuru kunechecho chawandiitira." Asi wakaramba kumuteerera.
17. Zvino akadana muranda wake wakanga achimubatira, akati, "Dzinga mukadzi uyu abve kwandiri, ukiye mukova kana abva."
18. Zvino iye wakanga ane nguvo yakareba ina maoko, nokuti vakunda vamambo, vaiva mhandara, vaifuka nguvo dzakadai. Muranda wake akamubudisa, akakiya mukova abva.
19. Zvino Tamari akaisa madota pamusoro wake, akabvarura nguvo yake yakareba ina maoko, akabata ruoko rwake pamusoro wake, akaenda achichema.
20. Abhusaromu hanzvadzi yake, akati kwaari, "Amunoni hanzvadzi yako wakanga ari kwauri here? Chinyarara hako, hanzvadzi yangu; iye ihanzvadzi yako, usazvidya moyo nemhaka yechinhu ichi." Naizvozvo Tamari akagara ari oga mumba maAbhusaromu hanzvadzi yake.
21. Asi, mambo Dhavhidhi wakati achinzwa izvi zvose, akatsamwa kwazvo.
22. Asi Abhusaromu haana kutaura chinhu chakanaka kana chakaipa kuna Amunoni; nokuti Abhusaromu wakavenga Amunoni, nokuti wakanga achiva hanzvadzi yake Tamari.
23. Zvino makore maviri akati apfuura, Abhusaromu wakanga ana vaveuri vamakwai paBhaarihazori pedo naEfuremu; Abhusaromu akakoka vana vose vamambo.
24. Abhusaromu akaenda kuna mambo, akati, "Tarirai zvino, muranda wenyu anavaveuri vamakwai; ndinokumbira kuti mambo navaranda vake vaende nomuranda wenyu."
25. Mambo akati kuna Abhusaromu, "Kwete, mwana wangu, ngatirege kuenda isu tose, tirege kuzokutambudza." Akamukurudzira, asi wakaramba kuenda, akamuropafadza hake.
26. Zvino Abhusaromu akati, "Kana musingadi henyu, ndinokumbira kuti mukoma wangu Amunoni aende nesu." Mambo akati kwaari, "Iye unofanira kuendireiko newe?"
27. Asi Abhusaromu akamukurudzira, akatendera Amunoni navamwe vana vose vamambo kuenda naye.
28. Zvino Abhusaromu akaraira varanda vake akati, "Tarirai zvakanaka zvino, kana moyo waAmunoni wofara newaini, ini ndikati kwamuri, `Urayai Amunoni!' Imi munofanira kumuuraya, musatya henyu; handizini ndakakurairai here? Tsungai, muve noumhare."
29. Zvino varanda vaAbhusaromu vakaitira Amunoni sezvavakanga varairwa naAbhusaromu. Ipapo vanakomana vose vamambo vakasimuka, mumwe nomumwe akakwira mbongoro yake vakatiza.
30. Zvino vakati vachiri munzira, shoko rikasvika kuna Dhavhidhi "Abhusaromu wauraya vanakomana vose vamambo, hakuna wakasara kwavari kunyangwe nomumwe."
31. Ipapo mambo akasimuka, akabvarura nguvo dzake, akavata pasi; navaranda vake vose vakamirapo nenguvo dzakabvarurwa.
32. Asi Jonadhabhu, mwanakomana waShimei, mukoma waDhavhidhi, akapindura, akati, "Ishe wangu ngaarege kuti vauraya majaya ose, ivo vana vamambo; nokuti Amunoni woga ndiye wafa, nokuti Abhusaromu wakavaraira izvozvo kubva pazuva raakachiva hanzvadzi yake Tamari.
33. Zvino ishe wangu mambo ngaarege kuzvidya moyo pamusoro pechinhu ichi, achiti vanakomana vose vamambo vafa, nokuti Amunoni woga ndiye wafa."
34. Asi Abhusaromu wakatiza. Zvino jaya rakanga rakarindira rakatarira, rikaona vanhu vazhinji vachiuya nenzira yegomo mushure make.
35. Jonadhabhu akati kuna mambo, "Tarirai, vana vamambo vasvika; zvaitika sezvakataura muranda wenyu."
36. Wakati apedza kutaura, vana vamambo vakasvika, vakachema kwazvo; namambowo navaranda vake vose vakachemawo kwazvo.
37. Asi Abhusaromu wakatiza, akaenda kuna Tarimai mwanakomana waAmihuri mambo weGeshuri. Dhavhidhi akachema mwanakomana wake mazuva ose.
38. Naizvozvo Abhusaromu akatiza akaenda Geshuri, akagarapo makore matatu.
39. moyo wamambo Dhavhidhi ukada kwazvo kuenda kuna Abhusaromu, nokuti wakanga anyaradzwa pamusoro paAmunoni, achiti wafa hake.

  2Samuel (13/24)