2Samuel (11/24)  

1. Zvino gore rakati rapera, panguva yokurwa kwamadzimambo, Dhavhidhi akatuma Joabhu pamwechete navaranda vake navaIsiraeri vose; vakaparadza vana vaAmoni, vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi wakasara Jerusaremu.
2. Zvino nenguva yamadekwana, Dhavhidhi akamuka panhovo dzake, akafamba pamusoro pedenga reimba yamambo; akaona, aripo padenga, mukadzi wakanga achishamba; zvino mukadzi uyo wakanga akanaka kwazvo pakuonekwa kwake.
3. Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza kuti mukadzi uyo ndianiko? Mumwe akati, "Ko haazi iye Bhatishebha mukunda waEriami, mukadzi waUriya muHiti here?"
4. Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora, akasvika kwaari, akavata naye (nokuti wakanga anatswa pakusanaka kwake;) iye akadzokera kumba kwake.
5. Mukadzi akatora mimba, akatuma shoko kuna Dhavhidhi akamuudza akati, "Ndava nemimba,"
6. Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu, akati, "Tuma Uriya muHiti, auye kwandiri." Joabhu akatuma Uriya kuna Dhavhidhi.
7. Zvino Uriya wakati achisvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti, "Joabhu wakadini, navanhu vakadini, nokurwa kwakadini."
8. Zvino Dhavhidhi akati kuna Uriya, "Burukira kumba kwako, undoshambidza tsoka dzako." Uriya akabva paimba yamambo, akatumirwa chipo chezvokudya namambo.
9. Asi Uriya wakavata pamukova weimba yamambo pamwechete navaranda vose vatenzi wake, haana kuburukira kumba kwake.
10. Zvino Dhavhidhi wakati achiudzwa kuti Uriya haana kuburukira kumba kwake, Dhavhidhi akati kuna Uriya, "Hauna kubva kurwendo here? Waregereiko kuburukira kumba kwako?"
11. Uriya akati kuna Dhavhidhi, "Areka, navaIsiraeri, navaJudha vagere mumatumba, nashe wangu Joabhu, navaranda vashe wangu vari mumatende avo kusango; zvino ini ndingapinda seiko mumba mangu ndidye, ndivate nomukadzi wangu? Noupenyu hwenyu, uye noupenyu hwomweya wenyu, handingatongoiti chinhu ichi."
12. Dhavhidhi akati kuna Uriya, "Gara pano nanhasi, mangwana ndichakutendera kuenda." Naizvozvo Uriya akagara Jerusaremu zuva iro neramangwana.
13. Ipapo Dhavhidhi akamudana, akadya nokunwa pamberi pake, akamubatisa nedoro; zvino madeko akabuda akandovata panhovo dzake navaranda vashe wake, asi haana kuburukira kumba kwake.
14. Zvino mangwana Dhavhidhi akanyorera Joabhu rugwaro, akarutuma noruoko rwaUriya.
15. Akanyora parugwaro, akati, "Isa Uriya pamberi panonyanyisa kurwiwa, mumusiye ari oga, aurawe afe."
16. Zvino Joabhu wakati acherekedza guta, akaisa Uriya paakanga achiziva kuti varume voumhare varipo.
17. Vanhu veguta vakabuda kuzorwa naJoabhu, vamwe varanda vaDhavhidhi vakaurawa, naiye Uriya muHiti akafawo.
18. Ipapo Joabhu akatuma munhu kundoudza Dhavhidhi mashoko ose okurwa.
19. Akaraira nhume, akati, "Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mashoko ose okurwa,
20. kana kutsamwa kwamambo kukamuka, iye akati kwauri, `Makaswederereiko pedo zvikuru neguta pakurwa kwenyu? Hamuna kuziva here kuti vachafura vari parusvingo?
21. Ndianiko wakauraya Abhimereki mwanakomana waJeribhesheti? Wakanga asiri mukadzi wakakanda huyo pamusoro pake ari parusvingo, akafira paTebhezi here? Makaswederereiko pedo zvikuru norusvingo?' Ipapo iwe uti, `Muranda wenyu Uriya muHiti, wafawo.' "
22. Naizvozvo nhume yakaenda, ikasvika, ikaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yatumirwa naJoabhu.
23. Nhume ikati kuna Dhavhidhi, "Varume avo vakatikurira, vakabudira kwatiri kusango, tikavadzingirira kusvikira pavanopinda napo pasuo.
24. Vafuri vakafura varanda venyu vari parusvingo, vamwe varanda vamambo vakafa, naiye muranda wenyu Uriya muHiti wafawo."
25. Ipapo Dhavhidhi akati kunhume, "Iti kuna Joabhu, `Izvi ngazvirege kukusuwisa, nokuti munondo unoparadza mumwe pano nomumwe kumwe; tsunga hako pakurwa neguta, uriputse; newe enda undomusimbisa."
26. Zvino mukadzi waUriya wakati anzwa kuti murume wake Uriya wafa, akachema murume wake.
27. Akati apedza kuchema, Dhavhidhi akatuma nhume kumutora, akamuisa mumba make, akava mukadzi wake, akamuberekera mwana komana. Asi chinhu ichi, chakanga chaitwa naDhavhidhi, hachina kufadza Mwari.

  2Samuel (11/24)