2Samuel (10/24)  

1. Shure kwaizvozvo mambo wavana vaAmoni wakafa, Hanuni mwanakomana wake akabata ushe panzvimbo yake.
2. Zvino Dhavhidhi akati, "Ndichaitira Hanuni mwanakomana waNahashi zvakanaka, sezvandakaitirwa zvakanaka nababa vake." Naizvozvo Dhavhidhi akatuma varanda vake kumubata ruoko pamusoro pababa vake. Varanda vaDhavhidhi vakasvika kunyika yavana vaAmoni.
3. Asi machinda avana vaAmoni akati kuna Hanuni ishe wavo, "Munofunga kuti Dhavhidhi unoda kukudza baba venyu zvaatuma vabati voruoko kwamuri here? Dhavhidhi haana kutuma varanda vake kwamuri kuti anzvere guta nokurishora, nokuriputsa here?"
4. Naizvozvo Hanuni akabata varanda vaDhavhidhi, akavewura rumwe rutivi rwendebvu dzavo, akagura nguvo dzavo napakati kusvikira pamagaro avo, akavadzinga.
5. Zvino vakati vaudza Dhavhidhi izvozvo, akatuma vanhu kundosangana navo; nokuti varume vakanga vachinyara kwazvo. Mambo akati, "Garai henyu Jeriko kusvikira ndebvu dzenyu dzamerazve, mugodzoka henyu."
6. Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vovengwa naDhavhidhi, vana vaAmoni vakatuma nhume vakaripira vaSiria veBhetirehobhu, navaSiria veZobha, vaifamba namakumbo vane zviuru zvina makumi maviri, namambo weMaaka ana varume vane chiuru chimwe, navarume veTobhi vane zviuru zvine gumi nezviviri.
7. Dhavhidhi wakati azvinzwa, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vane simba.
8. Vana vaAmoni vakabuda, vakagadzira hondo pavanopinda napo pasuo; vaSiria veZobha, naveRehobhu, navarume veTobhi neMaaka vakanga vari pachavo voga pasango.
9. Zvino Joabhu wakati achiona kuti wovavarirwa mberi neshure, akatsaura vamwe kuna vakatsaurwa vose valsiraeri, akavagadzira kuti varwe navaSiria.
10. Vamwe vanhu, vakanga vasara, akavaisa kuna Abhishai, munun’una wake, akavagadzira kuti varwe navana. vaAmoni.
11. Akati, "Kana vaSiria vakandikurira, iwe unofanira kundibatsira; asi kana vana vaAmoni vakakukurira iwe, ini ndichauya kukubatsira.
12. Tsunga moyo, tirwire vanhu vedu namaguta aMwari wedu savarume; naJehovha ngaaite sezvaanoda."
13. Naizvozvo Joabhu navanhu vaakanga anavo vakaswedera kuzorwa navaSiria, ivo vakatiza pamberi pake.
14. Zvino vana vaAmoni vakati vachiona kuti vaSiria vatiza, naivo vakatizawo saizvozvo pamberi paAbhishai, vakapinda muguta. Ipapo Joabhu akadzoka kuvana vaAmoni, akasvika Jerusaremu.
15. Zvino vaSiria vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri vakaungana,
16. Hadhadhezeri akatuma vanhu kundotora vaSiria vakanga vari mhiri kwoRwizi, vakasvika paHeramu, vakatungamirirwa naShobhaki mukuru wehondo yaHadhadhezeri.
17. Dhavhidhi akaudzwa izvozvo; akaunganidza vaIsiraeri vose, vakayambuka Jorodhani, vakasvika paHeramu. VaSiria vakazvigadzira, vakarwa naDhavhidhi.
18. VaSiria vakatiza pamberi pavaIsiraeri; Dhavhidhi akauraya kuvaSiria varume vengoro dzina mazana manomwe, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvina makumi mana, akaurayawo Shobhaki mukuru wehondo yavo, akafirapo.
19. Zvino madzimambo ose akanga ari varanda vaHadhadhezeri, vakati vachiona kuti vakundwa navaIsiraeri, vakayanana navaIsiraeri, vakavashumira. Naizvozvo vaSiria vakatya kuzobatsira vana vaAmoni.

  2Samuel (10/24)