2Samuel (1/24)  

1. Zvino Sauro wakati afa, Dhavhidhi akadzoka pakuuraya vaAmareki, Dhavhidhi akagara mazuva maviri paZikiragi;
2. Zvino nezuva retatu mumwe munhu wakasvika achibva kumisasa kuna Sauro, nguvo dzake dzakabvaruka, uye ane ivhu pamusoro wake; akati achisvika kuna Dhavhidhi, akazviwisira pasi, akanamata kwaari.
3. Dhavhidhi akati kwaari, "Wabvepiko?" Akati kwaari, "Ndapukunyuka ndichibva kumisasa yaIsiraeri. "
4. Dhavhidhi akati kwaari, "Kwakaitweiko? Ndiudze hako." Akapindura, akati, "Vanhu vatiza pakurwa, vanhu vazhinji vawira pasi vafa, uye Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafawo."
5. Ipapo Dhavhidhi akati kujaya rakamuudza izvozvo, "Unoziva sei kuti Sauro naJonatani mwanakomana wake vafawo."
6. Jaya rikamuudza rikati, "Ndakanga ndichifamba hangu pagomo reGiribhoa, ndikaona Sauro achisendamira papfumo rake, ndikaonawo ngoro navatasvi vachimutevera kwazvo.
7. Zvino iye wakati achicheuka, akandiona, akandidana. Ndikapindura ndikati, `Ndiri pano hangu.'
8. Akati kwandiri, `Ndiwe aniko?' Ndikamupindura ndikati, `Ndiri muAmareki.'
9. Akati kwandiri, `Mira kuno kwandiri, undiuraye, nokuti ndabatwa nedzungu kwazvo, nokuti upenyu hwangu huchiri mandiri chose.'
10. "Naizvozvo ndikamira kwaari, ndikamuuraya, nokuti ndakanga ndichiziva kwazvo kuti haangararami, kana achinge awira pasi; ndikatora korona yakanga iri pamusoro wake, norundarira rwaiva paruoko rwake, ndikauya nazvo pano kunashe wangu."
11. lpapo Dhavhidhi akabata nguvo dzake, akadzibvarura, navarume vose vaiva naye vakaitawo saizvozvo.
12. Vakachema, nokuungudza, nokuzvinyima zvokudya kusvikira madeko pamusoro paSauro naJonatani mwanakomana wake, napamusoro pavanhu vaJehovha, napamusoro peimba yaIsiraeri, nokuti vakanga vaurawa nomunondo.
13. Dhavhidhi akati kujaya rakanga ramuudza izvozvo, "Uri wepiko?" Iye akapindura akati, "Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki."
14. Dhavhidhi akati kwaari, "Hauna kutya neiko kutambanudza ruoko rwako kuti uparadze muzodzwa waJehovha?"
15. Ipapo Dhavhidhi akadana rimwe jaya akati, "Swedera, umuuraye." Iye akamubaya, akafa.
16. Dhavhidhi akati kwaari, "Ropa rako ngarive pamusoro pako, nokuti muromo wako wakupupurira, zvawakati, `Ndakauraya muzodzwa waJehovha.' "
17. Dhavhidhi akachema Sauro naJonatani mwanakomana wake nokuchema uku.
18. Akavaraira kuti vadzidzise vana vaJudha rwiyo urwu rwokuchema; tarirai, rwakanyorwa mubhuku raJashari.
19. "Haiwa Isiraeri! Kubwinya kwako kwaurawa pamatunhu ako akakwirira! Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei!
20. Musazvireva paGati, Musazviparidza panzira dzeAshikeroni; Kuti vakunda vavaFirisitia varege kufara, Kuti vakunda' vavasina kudzingiswa varege kupembera.
21. "Imi makomo eGiribhoa, Ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda yezvipo; Nokuti ndipo pakangorashwa nhovo dzemhare, nhovo yaSauro, seisina kuzodzwa mafuta.
22. Uta hwaJonatani hahuna kudzoka. Husina ropa ravakaurawa. Nomunondo waSauro hauna kudzoka usina mafuta avane simba.
23. "Sauro naJonatani vakanga vakadikanwa, vakanaka, paupenyu hwavo; Napakufa kwavo havana kuparadzaniswa; Vaikurumidza kupfuura makondo, Vaiva nesimba kupfuura shumba.
24. "Imi vakunda vaIsiraeri, chemai Sauro, Iye waikufukidzai nomucheka mutsvuku wakanaka, Waiisa zvishongo zvendarama pazvisimiro zvenyu.
25. "Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei pakurwa! Jonatani wakaurawa pamatunhu akakwirira.
26. "Ndinotambudzika kwazvo pamusoro pako, munun’una wangu Jonatani; Wakanga uchindifadza kwazvo; Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, Rwaipfuura rudo rwavakadzi.
27. "Haiwa! Vane simba vakawira pasi sei! Nhumbi dzokurwa nadzo dzakaparadzwa sei!"

      2Samuel (1/24)