2Peter (2/3)  

1. Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza.
2. Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa.
3. pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri.
4. Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTartaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa;
5. akasarega vo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakavuyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari;
6. akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kunaivo vachagara vasingadi Mwari;
7. akasunungura Roti, wakanga akarurama, wakazvidya moyo nokuda kwomufambiro wakasviba wavakashata.
8. (nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achivona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama).
9. Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurobwa kusvikira pazuva rokutongwa;
10. zvikuru ivo vanofamba nomutovo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza vakuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, asingatyi kutuka avo vanokubwinya;
11. vatumwa, kunyange vanovapfuvura nesimba novukuru, havavuyi pamberi paShe nemhosva yokuvapomera nayo.
12. Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisinomurangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuvora kwavo,
13. vachiitirwa zvisakarurama, uri mubairo wokusarurama kwavo; savaya vanoti, mafaro kuita zvakaipa masikati, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi;
14. vanameso azere novupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasinesimba; vanomoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa;
15. vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, wakada mubairo wokusarurama;
16. asi wakarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita.
17. Ivava matsime asinemvura, mhute inodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi peri.
18. Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asinamaturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama novutere, avo vachangotiza vachibva kunavanogara pakutsauka;
19. vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene varanda vokuvora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake.
20. Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwa zve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuvura kutanga kwavo.
21. Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo.
22. Zvinorebwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuvumburuka mumatope.

  2Peter (2/3)