| ← 2Peter (2/3) → | 
| 1. | Asi kwakanga kunavaporofita venhema pakati pavanhu, sezvavachavapo pakati penyu vo vadzidzisi venhema, vachapinza pakavanda dzidziso dzakatsauka dzinoparadza, vachiramba naiye Tenzi wakavatenga, vachizviwisira kuparadzwa kunokurumidza. | 
| 2. | Vazhinji vachatevera vutere bwavo; nokuda kwavo nzira yezvokwadi ichazvidzwa. | 
| 3. | pakukarira kwavo mari vachakunyengerai namashoko amano-mano; kutongwa kwavo, kwakatarwa kare, hakunonoki, nokuparadzwa kwavo hakukotsiri. | 
| 4. | Nokuti kana Mwari asina kurega vatumwa vakatadza, asi wakavakandira muTartaro nokuvaisa kumakomba erima, kuti vachengeterwe kutongwa; | 
| 5. | akasarega vo nyika yekare, asi wakaponesa Noa muparidzi wokururama pamwe chete navamwe vanomwe, nguva yaakavuyisa mvura zhinji panyika yavanhu vakanga vasingadi Mwari; | 
| 6. | akashandura maguta eSodhoma neGomora akaaita madota, akaatongera kuti aparadzwe, akaaita chive chiratidzo kunaivo vachagara vasingadi Mwari; | 
| 7. | akasunungura Roti, wakanga akarurama, wakazvidya moyo nokuda kwomufambiro wakasviba wavakashata. | 
| 8. | (nokuti munhu uyu wakarurama, agere pakati pavo achivona nokunzwa, wakarwadzisa mweya wake wakarurama zuva rimwe nerimwe namabasa avo akanga asina kururama). | 
| 9. | Ishe unoziva kusunungura pamiidzo vanonamata Mwari, nokuchengeta vasakarurama vave pakurobwa kusvikira pazuva rokutongwa; | 
| 10. | zvikuru ivo vanofamba nomutovo wenyama pakuchiva kunosvibisa nokuzvidza vakuru; vanotsunga, vachiita nokuda kwavo, asingatyi kutuka avo vanokubwinya; | 
| 11. | vatumwa, kunyange vanovapfuvura nesimba novukuru, havavuyi pamberi paShe nemhosva yokuvapomera nayo. | 
| 12. | Asi ava zvavanotuka zvavasingazivi, vakaita semhuka dzisinomurangariro, dzakaberekwa kuti dzibatwe, dziparadzwe, naivo vachaparadzwa pakuvora kwavo, | 
| 13. | vachiitirwa zvisakarurama, uri mubairo wokusarurama kwavo; savaya vanoti, mafaro kuita zvakaipa masikati, ivo makwapa namavara, vanofara nokunyengera kwavo kana vachidya nemi; | 
| 14. | vanameso azere novupombwe, asingaregi kutadza; vanonyengera vanhu vasinesimba; vanomoyo wakadzidziswa kuchiva; ivo vana vokutukwa; | 
| 15. | vakasiya nzira yakarurama, vakatsauka, vakatevera nzira yaBharami, mwanakomana waBheori, wakada mubairo wokusarurama; | 
| 16. | asi wakarairwa pamusoro pokudarika kwake, nokuti mbongoro, isingagoni kutaura, yakataura nenzwi romunhu, ikadzivisa kupenga kwomuporofita. | 
| 17. | Ivava matsime asinemvura, mhute inodzingwa nemhepo; ivo vakachengeterwa kusviba kwerima nokusingaperi peri. | 
| 18. | Nokuti nokutaura kwavo mashoko mazhinji okuzvikudza asinamaturo, vanonyengera pakuchiva kwenyama novutere, avo vachangotiza vachibva kunavanogara pakutsauka; | 
| 19. | vachivapikira kusunungurwa, nyamba ivo vamene varanda vokuvora; nokuti waakundwa naye, munhu unoitwa muranda wake. | 
| 20. | Nokuti ivo, kana nenzira yokuziva Ishe, Muponesi Jesu Kristu, vambotiza havo zvinosvibisa zvenyika, kana vakabatwa nokukundwa zve nazvo, kuguma kwavo kwaipa kupfuvura kutanga kwavo. | 
| 21. | Nokuti zvaiva nani kwavari kana vasaiziva nzira yokururama, pakuti vadzoke pamurairo mutsvene wavakapiwa, wavakanga vambouziva havo. | 
| 22. | Zvinorebwa neshumo yazvokwadi ndizvo zvakaitwa kwavari, zvinoti: Imbwa yakadzokera kumarutsi ayo, nenguruve yakanga yashambidzwa, kukuvumburuka mumatope. | 
| ← 2Peter (2/3) → |