2Kings (9/25)  

1. Zvino muporofita Erisha wakadana mumwe wavanakomana vavaporofita, akati kwaari, "Chizvisunga chiwuno chako, utore chinu ichi chamafuta muruoko rwako uende RamotiGiriyadhi.
2. Zvino kana wasvikapo, utsvakepo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde mumba, ugomuraira asimuke pakati pehama dzake, apinde muimba yomukati.
3. Ipapo utore chinu chamafuta, ugoadira pamusoro wake, uchiti, `Zvanzi naJehovha, ndakuzodza, kuti uve mambo welsiraeri. Ipapo uzarure mukova, utize, usanonoka.' "
4. Naizvozvo jaya, iro jaya romuporofita, rakaenda RamotiGiriyadhi.
5. Wakati asvikapo, akawana vakuru vehondo vagere pasi; akati, "Ndine shoko nemi, imi mukuru." Jehu akati, "Kunani, kwatiri tose?" Iye akati, "Kunemi, imi mukuru."
6. Ipapo akasimuka, akapinda mumba; akadira mafuta pamusoro wake, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Ndakakuzodza uve, mambo wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri.'
7. "Uchaparadza imba yatenzi wako Ahabhi, kuti nditsive ropa ravaranda vose vaJehovha kuna Izebheri.
8. Nokuti vose veimba yaAhabhi vachaparadzwa,ndichaparadza kuna Ahabhi vana vavakomana vose, vakuru navaduku pakati palsiraeri.
9. "Ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.
10. Imbwa dzichadya Izebheri panyika yeJezereeri, hakuna uchamuviga." Ipapo akazarura mukova, ndokutiza.
11. Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake, mumwe akati kwaari, "Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingeiko kwauri?" Iye akati kwavari, "Munoziva henyu munhu uyu, nokutaura kwake."
12. Ivo vakati, "Inhema! Tiudze." Iye akati, "Wandiudza zvokuti nezvokuti," akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndakakuzodza uve mambo waIsiraeri.' "
13. Ipapo vakakurumidza, mumwe nomumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati, "Jehu ndimambo!"
14. Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi, akamukira Joramu. (Zvino Joramu wakanga achidzivirira RamotiGiriyadhi, iye navaIsiraeri vose, nokuda kwaHazaeri mambo weSiria.
15. Asi mambo Joramu wakanga adzokera Jezereeri kuzorapwa mavanga ake, aakanga atemwa navaSiria, nguva yaakarwa naHazaeri mambo weSiria). Ipapo Jehu akati, "Kana muchitenda nazvo, ngakurege kuva nomunhu unotiza muguta, kundoudza izvozvo paJezereeri."
16. Naizvozvo Jehu akafamba nengoro, akaenda Jezereeri, nokuti Joramu wakanga avetepo. Zvino Ahazia mambo waJudha wakanga aendako kuzoona Joramu.
17. Zvino nharirire yakanga imire pamusoro peshongwe yeJezereeri, ikaona boka raJehu richiuya, ikati, "Ndinoona boka ravanhu." Joramu akati, "Danai mutasvi webhiza, mumutume andosangana navo, ati, `Kunorugare here?' "
18. Naizvozvo mumwe akakwira bhiza, akandosangana naye, akati, "Zvanzi namambo, `Kuno rugare here?' " Jehu akati, "Uneiko norugare? Enda shure kwangu." Ipapo nharirire yakataura, ikati, "Nhume yakasvika kwavari, asi haidzokizve."
19. Zvino akatuma wechipiri, wakanga akatasva bhiza, iye akasvika kwaari, akati, "Zvanzi namambo, `Kuno rugare here?' " Jehu akapindura, akati, "Uneiko norugare? Enda shure kwangu."
20. Zvino nharirire yakataura, ikati, "Wakasvika hake kwavari, asi haadzokizve; uye kufambisa kwakafanana nokufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti unofambisa zvinotyisa."
21. Ipapo Joramu akati, "Sungai ngoro!" Vakasunga ngoro yake. Ipapo Joramu mambo welsiraeri, naAhazia mambo waJudha vakabuda kundosangana naJehu, mumwe nomumwe nengoro yake, vakamuwana pabindu raNabhoti muJezereeri.
22. Zvino Joramu wakati achiona Jehu, akati, "Kuno rugare here, nhai Jehu?" Iye akapindura, akati, "Rugare rwei! Kana ufeve hwamai vako Izebheri nouruoyi hwavo huchiripo huzhinji hwakadai! "
23. Ipapo Joramu akadzosa ngoro yake, akatiza, akati kuna Ahazia, "Tanyengerwa Ahazia! "
24. Ipapo Jehu akahwembura uta hwake nesimba rose, akapfura Joramu pakati pamafudzi ake, museve ndokubuda napamoyo wake, akawira mungoro yake.
25. Zvino Jehu akati kuna Bhidhikari, mukuru wake wehondo, "Musimudze, umurashire pabindu romunda waNabhoti muJezereeri; nokuti urangarire kuti Jehovha wakataura izvi pamusoro pake, musi watakatasva mabhiza isu vaviri tichitevera Ahabhi baba vake.
26. "Zvanzi naJehovha, `Zvirokwazvo, ndakaona zuro ropa raNabhoti, neropa ravanakomana vake; ini ndichakutsiva pabindu iri romunda,' ndizvo zvinotaura Jehovha. Naizvozvo zvino, mutore umukandire pabindu romunda, sezvakataurwa naJehovha."
27. Asi Ahazia mambo waJudha, wakati achizviona, akatiza nenzira yakapfuura napaimba yomunda, Jehu akamutevera, akati, "Muuraye naiyewo mungoro." Vakamubaya pajinga pegomo reGuri riri paIbhureami. Akatizira Megidho, akafirapo.
28. Varanda vake vakamutakurira Jerusaremu nengoro, vakamuviga pahwiro hwake kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi. :.
29. Ahazia akatanga kubata ushe hwaJudha pagore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi.
30. Zvino Jehu wakati achisvika paJezereeri, Izebheri akazvinzwa; akazodza kumeso kwake, nokushongedza musoro wake, akatarira napahwindo.
31. Zvino Jehu akati achipinda napasuo, akati, "Kunorugare here, nhai iwe Zimiri, muurayi watenzi wako?"
32. Iye akatarira kumusoro kuhwindo, akati, "Ndianiko unonzwana neni? Ndianiko?" Ipapo varanda vaviri kana vatatu vakatarira kwaari napahwindo.
33. Akati, "Musundire pasi." Naizvozvo vakamusundira pasi, rimwe ropa rake rikachambwadzira pamadziro napamabhiza, akamutsika namakumbo ake.
34. Zvino wakati apinda, akadya nokunwa, akati, "Zvino chiendai mundotarira mukadzi uyo akatukwa, mumuvige, nokuti mukunda wamambo."
35. Vakaenda kundomuviga, asi havana kuwana chinhu, asi dehenya rake, netsoka, nezvanza zvamaoko ake.
36. Naizvozvo vakadzoka vakamuudza. Iye akati, "Ndiro shoko raJehovha, raakataura nomuranda wake Eria muTishibhi, zvaakati, 'Imbwa dzichadya nyama yaIzebheri panyika yeJezereeri;
37. uye chitunha chaIzebheri chichava somupfudze pamusoro pomunda panyika yeJezereeri; naizvozvo havangati, uyu ndiye Izebheri.' "

  2Kings (9/25)