2Kings (7/25)  

1. Erisha akati, "Inzwai shoko raJehovha, Zvanzi naJehovha, `Mangwana nenguva ino, chiyero chimwe choupfu hwakatsetseka chichatengeswa neshekeri rimwe, nezviyero zviviri zvebhari neshekeri rimwe pasuo reSamaria.' "
2. Zvino mukuru uyo, mambo waakanga akasendama paruoko rwake, akapindura munhu waMwari, akati, "Tarirai, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chingaitika here?" Erisha akati, "Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi."
3. Zvino kwakanga kuna varume vana vaiva namaperembudzi kunze kwesuo; ivo vakataurirana, vakati, "Tinogarireiko pano kusvikira tafa?
4. Kana tikati, `Tichapinda muguta, nzara huru iri muguta, tichandofiramo; kana tikagara pano, tichafawo. Naizvozvo zvino hendei tiende hedu kuhondo dzavaSiria; kana vakatirega tiri vapenyu, tararama hedu; kana vakatiuraya, tafa hedu.' "
5. Ipapo vakasimuka mambakwedza, vakaenda kumisasa yavaSiria; vakati vasvika kumisasa yokumudzivo yavaSamaria, vakawana kusina munhu.
6. Nokuti Jehovha wakanga anzwisa hondo yavaSiria kutinhira kwengoro, nokutinhira kwamabhiza, kuri kutinhira kwehondo huru; vakataurirana, vakati, "Tarirai, mambo waIsiraeri wakakoka madzimambo avaHiti namadzimambo avaIjipiti kuzorwa nesu."
7. Naizvozvo vakamuka mambakwedza, vakasiya matende avo, namabhiza avo, namahesera avo, musasa wose wakangodaro, vakatiza kuti vararame.
8. Zvino vaya vaiva namaperembudzi vakati vachisvika kumisasa yokumidzivo, vakapinda patende rimwe, vakadya nokunwa, vakatoramo sirivha nendarama nenguvo, vakandozviviga; vakadzokazve, vakapinda mune rimwe tende, vakatora zvakanga zvirimowo, vakandozviviga.
9. Ipapo vakataurirana, vakati, "Hatiiti zvakanaka; nhasi izuva reshoko rakanaka, asi isu tinongonyarara hedu; kana tikanonoka kusvikira kwaedza, tichavingwa nokurohwa; naizvozvo hendei zvino, tindoudza imba yamambo."
10. Naizvozvo vakaenda vakadanidzira kuvatariri vesuo reguta, vakavaudza, vakati kwaari, "Takasvika kumisasa yavaSiria, tikawana kusisina munhupo, kunyange inzwi romunhu, asi mabhiza akasungirwa, namahesera akasungirwa, namatende akangodaro."
11. Ipapo vatariri vesuo vakadanidzira, vakaudza vomumba mamambo mukati.
12. Mambo akamuka pakati pousiku, akati kuvaranda vake, "Ndichakuudzai zvataitirwa navaSiria. Vanoziva kuti tine nzara; naizvozvo vakabuda pamisasa vakandovanda kusango, vachiti, Kana vakabuda muguta, tichavabata vari vapenyu, isu tigopinda muguta.'
13. Ipapo mumwe muranda wake akapindura, akati, "Vamwe ngavatore mabhiza mashanu kuna akasara, akasiyiwa muguta, (tarirai, vakafanana navamwe vaIsiraeri vazhinji vakasara imomo; tarirai vakafananawo navamwe vaIsiraeri vazhinji vatoparadzwa havo;) tivatume, tione."
14. Naizvozvo vakatora ngoro mbiri namabhiza adzo, mambo akatuma vanhu kuzotevera hondo yavaSiria, akati, "Endai, mundoona."
15. Ivo vakaenda, vakavatevera kusvikira kwaJorodhani, vakawana nzira yose izere nenguvo, nenhumbi, dzakanga dzarashwa navaSiria nokumhanya kwavo. Nhume dzikadzoka, dzikaudza mambo.
16. Ipapo vanhu vakabuda, vakapamba misasa yavaSiria. Naizvozvo chiyero choupfu hwakatsetseka chakatengeswa neshekeri rimwe, nezvi yero zviviri zvebhari neshekeri rimwe, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
17. Mambo akagadza mukuru uya, waakanga akasendama paruoko rwake, kuti arindire suo; vanhu vakamutsikirira musuo, akafa sezvakanga zvarehwa nomunhu waMwari, wakataura shoko iro musi wakaburukira mambo kwaari.
18. Zvikaitika sezvakanga zvataurwa nomunhu waMwari kuna mambo, zvaakati, "Mangwana nenguva ino zviyero zviviri zvebhari zvichatengeswa neshekeri, nechiyero chimwe choupfu hwakatsetseka neshekeri pasuo reSamaria;
19. mukuru uyo akapindura munhu waMwari, akati, `Zvino tarira, kunyange Jehovha akaita mahwindo kudenga, chinhu ichi chakadai chingaitwa here? Iye akati Tarira, uchazviona nameso ako, asi haungazvidyi.'
20. Ndizvo zvaakazoitirwa; nokuti vanhu vakamutsikirira musuo, akafa."

  2Kings (7/25)