2Kings (6/25)  

1. Zvino vanakomana vavaporofita vakati kuna Erisha, "Tarirai zvino, apa patigere pamberi penyu pakamanikana, hapatiringani.
2. Titenderei henyu tiende kwaJorodhani, mumwe nomumwe atore dandapo, tizvivakirepo patingagara." Iye akapindura, akati, "Endai henyu."
3. Zvino mumwe akati, "Tinokumbira kuti imi mutende kuendawo navaranda venyu." Akapindura akati, "Ndichaenda."
4. Naizvozvo akaenda navo. Vakati vasvika kwaJorodhani, vakatema matanda.
5. Asi mumwe wakati achitema danda, demo ndokuwira mumvura; akadanidzira, achiti, "Haiwa! Tenzi wangu! Nokuti rakanga rakumbirwa."
6. Munhu waMwari akati, "rawirepiko?" Akamuratidza parakanga rawira. Erisha akatema rutanda, akarukandirako, akapapamadza demo.
7. Akati, "Chiritora hako." Iye akatambanudza ruoko rwake, akaritora.
8. Zvino mambo weSiria wakarwa navaIsiraeri; akarangana navaranda vake, akati, "Matende angu anofanira kudzikwa pokuti nopokuti."
9. Zvino munhu waMwari ndokutuma shoko kuna mambo waIsiraeri, akati, "Chenjerai, murege kupfuura nopokuti, nokuti vaSiria voburukira ipapo."
10. Ipapo mambo waIsiraeri akatuma vanhu ikoko kwaakaudzwa, nokunyeverwa nomunhu waMwari, akazvingwarirapo asingadaro kamwe nakaviri bedzi.
11. Naizvozvo moyo wamambo weSiria wakanyauswa kwazvo pamusoro pechinhu ichi; akadana varanda vake, akati kwavari, "Hamungandiratidzi here, kuti ndianiko pakati patiri unonzwana namambo waIsiraeri?"
12. Mumwe wavaranda vake akati, "Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita, ari pakati paIsiraeri, ndiye unoudza mambo waIsiraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yomukati."
13. Akati, "Endai mundotarira kwaari, nditume vanhu kuzomutora." Akaudzwa, zvichinzi, "Uri paDhotani."
14. Naizvozvo akatumirako mabhiza, nengoro, nehondo huru; vakafamba usiku, vakakomba guta.
15. Zvino muranda womunhu waMwari wakati amuka mangwanani, akabuda, ndokuona hondo namabhiza nengoro zvakakomba guta. Muranda wake akati kwaari, "Haiwa! Tenzi wangu, tichadiniko?"
16. Iye akapindura, akati, "Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda."
17. Zvino Erisha akanyengetera, akati, "Jehovha, svinudzai henyu meso ake, awone." Ipapo Jehovha akasvinudza meso ejaya, akaona gomo rizere namabhiza, nengoro dzomoto zvakanga zvakakomba Erisha.
18. Zvino vakati vachiburukira kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha, akati, "Dorovai vanhu ava noupofu." Jehovha akavarova noupofu, sezvakanga zvarehwa naErisha.
19. Erisha akati kwavari, "Haizi iyo nzira, uye guta iri harizi iro; nditeverei ini, ndikuisei kumunhu wamunotsvaka." Akaenda navo Samaria.
20. Vakati vasvika Samaria, Erisha akati, "Jehovha, svinudzai meso avanhu ava, vawone." Jehovha akasvinudza meso avo, vakaona kuti vava mukati meSamaria.
21. Zvino mambo waIsiraeri wakati achivaona, akati kuna Erisha, "Baba vangu, ndovauraya here? Ndovauraya here?"
22. Iye akapindura, akati, "Usavauraya; ko ungavauraya vawakatapa nomunondo wako nouta hwako here? Gadzika chingwa nemvura pamberi pavo, vadye, vanwe, vaende kuna tenzi wavo."
23. Iye akavagadzirira zvokudya zvizhinji; zvino vakati vadya nokunwa, akavaendisa, vakadzokera kuna tenzi wavo. Zvino hondo dzavaSiria hadzina kuzopindazve munyika yaIsiraeri.
24. Shure kwaizvozvo, Bhenihadhadhi mambo weSiria akaunganidza hondo yake yose, akandokomba Samaria.
25. Nzara huru ikavapo paSamaria; nokuti vakarikomba kusvikira musoro wembongoro uchitengeswa namashekeri esirivha ana makumi masere, nechitswanda chiduku chamatoto enjiva chichitengeswa namashekeri esirivha mashanu.
26. Zvino mambo waIsiraeri wakati achipfuura napamusoro porusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari, akati, "Ndibatsireiwo ishe wangu mambo!"
27. Iye akati, "Kana Jehovha asingakubatsiri, ini ndingakubatsira neiko? Nezvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini kanhi?"
28. Mambo akati kwaari, "Chiiko chinokunetsa?" Akapindura, akati, "Mukadzi uyu wakati kwandiri, `Uya nomwanakomana wako, timudye nhasi, mangwana tigodya mwanakomana wangu.'
29. Naizvozvo takabika mwanakomana wangu, tikamudya; fume mangwana ndikati kwaari, `Uya nomwanakomana wako, timudye, iye ndokuvanza mwanakomana wake.' "
30. Ipapo mambo wakati achinzwa mashoko omukadzi, akabvarura nguvo dzake; (zvino wakanga achifamba naparusvingo;) vanhu vakatarira, vakaona kuti wakafuka magumbu mukati pamuviri wake.
31. Ipapo akati, "Mwari ngaandirove, arambe achidaro, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamusoro pake nhasi."
32. Asi Erisha wakanga agere mumba make, vakuru vagerewo naye; mambo akatuma munhu kuzomutungamirira; asi nhume ichigere kusvika kwaari, akati kuvakuru, "Munoona here kuti mwana uyu womuurayi watuma munhu kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, kana nhume ichisvika, mupfige mukova, mutsigirire mukova; kutsika kwetsoka dzatenzi wake hakunzwiki shure kwake here?"
33. Zvino wakati achitaurirana navo, nhume ikaburukira kwaari; iye akati, "Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichamirireiko Jehovha?"

  2Kings (6/25)