2Kings (5/25)  

1. Zvino Naamani, mukuru wehondo dzamambo weSiria, waiva munhu mukuru kuna tenzi wake, nomunhu waikudzwa; nokuti Jehovha wakanga akundisa vaSiria naye; uye waiva munhu wesimba noumhare, asi wakanga ana maperembudzi.
2. Zvino vaSiria vakanga vandorwa vakaita mapoka-poka, vakadzoka nomusikana muduku wavakanga vatapa panyika yaIsiraeri; iye wakanga achibatira mukadzi waNaamani basa.
3. Akati kuna tenzikadzi wake, "Dai ishe wangu aiva kumuporofita ari paSamaria,ungadai akavaporesa maperembudzi ake."
4. Zvino mumwe akapinda, akandoudza ishe wake, akati, "Musikana wenyika yaIsiraeri wakataura chokuti nechokuti."
5. Mambo weSiria akati, "Enda, ndinoda kutuma mwadhi kuna mambo waIsiraeri." Akabva akaenda namatarenda ane gumi esirivha, namashekeri ane zvuru zvitanhatu zvendarama, nenguvo dzakanaka dzine gumi.
6. Akaenda nemwadhi kuna mambo waIsiraeri, yakanga ichiti, "Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, muzive kuti ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese maperembudzi ake."
7. Zvino mambo waIsiraeri wakati arava mwadhi iyo, akabvarura nguvo dzake, akati, "Asi ndini Mwari kanhi? Ndinoziva kuuraya nokuraramisa kanhi, munhu uyu zvaatuma shoko kwandiri, kuti ndiporese munhu maperembudzi ake? Asi fungai, muwone, kuti unotsvaka kurwa neni."
8. Zvino Erisha munhu waMwari, wakati achinzwa kuti mambo waIsiraeri wabvarura nguvo dzake, akatuma shoko kuna mambo, akati, "Mabvarurireiko nguvo dzenyu? Ngaauye hake zvino kwandiri, azive kuti muporofita aripo pakati paIsiraeri."
9. Naizvozvo Naamani akaenda namabhiza ake nengoro dzake, akandomira pamukova weimba yaErisha.
10. Erisha akatuma nhume kwaari, akati, "Enda, undoshamba kanomwe muna Jorodhani, nyama yako idzokerezve kwauri, uve wakanaka."
11. Asi Naamani wakatsamwa, akabva, akati, "Tarirai, ndanga ndichiti, zvirokwazvo uchabuda kwandiri, akamira, akadana zita raJehovha Mwari wake, nokupuruzirapo noruoko rwake, agoporesa maperembudzi.
12. Ko Abana neFaripari, idzo nzizi dzeDhamasiko, hadzina kunaka kukunda mvura yose iri pakati paIsiraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakanaka here?" Naizvozvo akaenda, akabva atsamwa kwazvo.
13. Zvino varanda vake vakaswedera, vakataura naye, vakati, "Nhai, baba vedu, dai muporofita akakurairai kuita chinhu chikuru, hamuchizviita here? Ndoda zvaakati kwamuri, `Shamba, uve wakanaka?' "
14. Ipapo akaburuka, akandonyura muna Jorodhani kanomwe, sezvakanga zvataura munhu waMwari; nyama yake ikadzoka, ikafanana nenyama yomwana muduku, akava wakanaka.
15. Zvino akadzokera pakati paIsiraeri; naizvozvo zvino, gamuchirai henyu chipo kumuranda wenyu."
16. Asi iye akati, "NaJehovha mupenyu, iye wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu." Akamugombedzera, kuti agamuchire, asi wakaramba.
17. Zvino Naamani akati, "Kana musingadi henyu, muranda wenyu ngaapiwe hake mitoro yevhu ingatakurwa namahesera maviri; nokuti kubva zvino muranda wenyu haangabayiri vamwe vamwari chipiriso chinopiswa kana chimwe chibayiro asi Jehovha oga.
18. Asi Jehovha ngaakanganwire hake muranda wake pachinhu ichi, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kuzonamatapo, akasendamira paruoko rwangu, ini ndikapfugama mumba maRimoni; kana ndikapfugama mumba maRimoni Jehovha ngaakaganwire muranda wake pachinhu ichi."
19. Akati kwaari, "Enda hako nomufaro." Naizvozvo akabva kwaari, akafamba chinhambo chiduku.
20. Asi Gehazi muranda waErisha, munhu waMwari, akati, "Tarirai, tenzi wangu wakarega Naamani uyu muSiria, zvaasina kugamuchira kwaari chaakanga auya nacho; asi naJehovha mupenyu, ndichamhanya, ndikamutevera, nditore chinhu kwaari."
21. Naizvozvo Gehazi akatevera Naamani. Zvino Naamani wakati achiona munhu achimhanya achimutevera, akaburuka pangoro kuti asangane naye, akati, "Makafara henyu mose here?"
22. Iye akati, "Takafara hedu tose. Tenzi wangu wakandituma, achiti, `Tarirai, zvino-zvino majaya maviri, vanakomana vavaporofita, vakasvika kwandiri, vachibva kunyika yamakomo yaEfuremu; dondipaiwo tarenda rimwe resirivha, nenguvo mbiri dzakanaka.' "
23. Naamani akati, "Ndinokumbira kuti utore hako matarenda maviri." Akamugombedzera, akasungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwechete nenguvo mbiri dzakanaka, akazvitakudza varanda vake vaviri, vakazvitakurira pamberi pake
24. Zvino wakati asvika pachikomo, akazvitora pamaoko avo, akazviviga mumba, akadzosa vanhu, vakaenda havo.
25. Ipapo akapinda, akamira pamberi patenzi wake. Erisha akati kwaari, "Wabvepiko, Gehazi?" Iye akati, "Muranda wenyu wakanga achingova pano hake."
26. Iye akati kwaari, "moyo wangu hauna kuenda newe here nguva iya murume achidzoka pangoro kuzosangana newe? Ko ndiyo nguva yokugamuchira mari, nokugamuchira nguvo, neminda yemiorivhi, neminda yemizambiringa, namakwai nenzombe, navaranda navarandakadzi here.
27. Naizvozvo maperembudzi aNaamani achakunamatira. iwe navana vako nokusingaperi." Ipapo akabuda pamberi pake ava namaperembudzi, akati mbembe sechando.

  2Kings (5/25)