2Kings (4/25)  

1. Zvino mumwe mukadzi wavakadzi vavanakomana vavaporofita wakachema kuna Erisha, akati, "Muranda wenyu, murume wangu, wafa; munoziva kuti muranda wenyu wakanga achitya Jehovha; zvino uyo, waakanga atora chikwerete kwaari, wauya kuzotora vana vangu vaviri kuzova varanda vake."
2. Erisha akati kwaari, "Ndingakubatsira seiko? Ndiudze. Uneiko mumba mako?" Iye akati, "Murandakadzi wenyu haane chinhu mumba, asi hari ina mafuta."
3. Ipapo akati, "Enda undokwereta kuna vose vaugere navo midziyo isina chiro; usakwereta mishoma.
4. "Zvino upinde, iwe navana vako, upfige mukova, udire mumidziyo iyo yose, uchigadzika yose yazara kurutivi."
5. Naizvozvo akabva kwaari, akapfiga mukova, iye navana vake vari mukati; ivo vakamusvitsa midziyo, akadira.
6. Midziyo yakati yazara, akati kumwanakomana wake, "Ndipezve mumwe mudziyo." Iye akati kwaari, "Hapachina mumwe mudziyo; mafuta akagumawo."
7. Ipapo akandoudza munhu waMwari, iye akati, "Chienda undotengesa mafuta, uripe chikwerete chako, urarame nezvakasara, iwe navanakomana vako."
8. Zvino mumwe musi Erisha akapfuura napaShunemi, pakanga pagere mukadzi wakakurumbira, iye akamugombedzera kudya zvokudya. Zvino nguva dzose kana achipfuura napo, waitsaukirako kuzodya zvokudya.
9. Akati kumurume wake, "Tarirai zvino, ndinoona kuti uyu murume, unosipfuura nokwatiri, munhu mutsvene waMwari.
10. Ngativake kamuri duku pamusoro porusvingo, timuisiremo mubhedha, netafura, nechigaro, nechigadziko chomwenje; zvino kana achinge achiuya kwatiri, agotsaukiramo."
11. Zvino mumwe musi akasvikapo, akatsaukira kukamuri iyo duku, akandovatamo.
12. Akati kuna Gehazi muranda wake, "Dana mukadzi uyu muShunemi." Wakati amudana, iye akamira pamberi pake.
13. Akati kwaari, "Chitaura kwaari zvino, uti `Tarirai, makatichengeta zvikuru kwazvo, zvino tingakuitireiwo? Munoda kuti tikureverei kuna mambo, kana kumukuru wehondo here?' " Iye akapindura, akati, "Ndigere hangu zvakanaka pakati pavanhu vangu."
14. Akati, "Zvino tingamuitireiko?" Gehazi akapindura, akati, "Zvirokwazvo haana mwanakomana, nomurume wake wakwegura."
15. Iye akati, "Mudane." Wakati amudana, iye akamira pamukova.
16. Akati, "Nenguva ino kana gore rapera, uchafungatira mwana." Iye akati, "Kwete, ishe wangu, munhu waMwari, regai kureva nhema kumurandakadzi wenyu."
17. Mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana nenguva iyo pakupera kwegore, sezvakanga zvataura Erisha kwaari.
18. Zvino mwana wakati akura, akaenda mumwe musi kuna baba vake kuvakohwi.
19. Akati kuna baba vake, "Musoro wangu, musoro wangu!" Ivo vakati kumuranda, "Mubereke uende naye kuna mai vake."
20. Iye akamutora, akamuisa kuna mai vake, akagara pamabvi avo kusvikira masikati makuru, akafa.
21. Ivo vakakwira, vakandomuradzika pamubhedha womunhu waMwari, vakamupfigiramo, vakabuda.
22. Akadana murume wake, akati, "Nditumirewo mumwe muranda nembongoro imwe, ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzokazve."
23. Iye akati, "Unoda kuendereiko kwaari nhasi? Hakuzi kugara kwomwedzi, kana Sabata." Iye akati, "Hazvine mhosva."
24. Zvino akaisa chigaro pambongoro, akati kumuranda wake, "Uifambise, ipfuurire mberi; rega kundinonotsa pakufamba, asi kana ndikakuudza."
25. Naizvozvo akaenda, akasvika kumunhu waMwari pagomo reKarimeri. Munhu waMwari wakati achimuona achiri kure, akati kuna Gehazi muranda wake, "Tarira hoyo mukadzi muShunemi.
26. Mhanya hako zvino undosangana naye, uti kwaari, `Makafara here? Murume wenyu wakafara here? Nomwana wakafara here?' " Iye akapindura, akati, "Haiwa, takafara hedu!"
27. Zvino wakati asvika kumunhu waMwari pagomo, akabata tsoka dzake. Gehazi akaswedera achida kumusundira kure; asi munhu waMwari akati, "Murege hake, nokuti mweya wake une shungu mukati make. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza. "
28. Ipapo iye akati, "Ko ndakakumbira mwanakomana kuna ishe wangu here? Ko handina kuti, regai kundinyengedzera here?"
29. Ipapo akati kuna Gehazi, "Chizvisunga chiuno, uende; kana ukasangana nomunhu, rega kumukwazisa; kana mumwe akakukwazisa, usamudavira; ugondoisa tsvimbo yangu pamusoro pechiso chomwana."
30. Zvino mai vomwana vakati, "NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi." Akasimuka, akamutevera.
31. Gehazi akavatungamirira, akandoisa tsvimbo pachiso chomwana, asi kwakanga kusino kutaura kana kunzwa. Naizvozvo akadzoka kuzosangana naye, akati kwaari, "Mwana haana kupepuka."
32. Erisha wakati apinda mumba akawana mwana akafa, akaradzikwa pamubhedha wake.
33. Naizvozvo akapinda, akapfiga mukova, iye ari mukati nomwana, ivo vaviri, akanyengetera kuna Jehovha.
34. Akakwira, akatsivama pamusoro pomwana, akaisa muromo wake pamuromo wake, nameso ake pameso ake, namaoko ake pamaoko ake; akatsivama pamusoro pake, nyama yomwana ikadziya.
35. Zvino akadzoka, akafamba-famba mumba kamwe, akakwirazve, akatsivama pamusoro pake; mwana akahotsira kanomwe, mwana ndokusvinudza meso ake.
36. Ipapo akadana Gehazi, akati, "Dana mukadzi muShunemi." Akamudana. Iye wakati apinda kwaari, Erisha akati, "Simudza mwanakomana wako."
37. Zvino iye akapinda, akazviwisira patsoka dzake, akakotamira pasi; akasimudza mwanakomana wake, akabuda.
38. Zvino Erisha akaendazve Girigari, nzara yakanga iripo panyika; vanakomana vavaporofita vakanga vagere pamberi pake, akati kumuranda wake, "Gadza hari huru, ubikire vanakomana vavaporofita zvokudya."
39. Zvino mumwe akaenda kusango kundotanha miriwo, akawana muti unotanda, akatanhapo magaka, akazadza nguvo yake nawo, akasvika akaachekerera muhari yezvokudya, nokuti vakanga vasingaazivi.
40. Zvino vakapakurira vanhu kuti vadye. Ivo. vakati vodya zvokudya, vakadanidzira, vakati, "Munhu waMwari, rufu ruri muhari." Vakasagona kuzvidya.
41. Asi iye akati, "Uyai noupfu." Akahudira muhari, akati, "Chipakurai henyu, vanhu vadye." Zvino kwakanga kusine chinhu chakaipa muhari.
42. Zvino mumwe murume wakasvika, achibva Bhaarisharisha, akavigira munhu waMwari zvokudya zvezvitsva, zvingwa zvebhari zvina makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhomwe yake. Akati, "Ipai vanhu, vadye."
43. Muranda wake akati, "Ndingaisa izvi pamberi pavanhu vane zana seiko?" Asi iye akati, "Ipai vanhu, vadye, nokuti zvanzi naJehovha, `Vachadya, vakasiya zvimwe.' "
44. Naizvozvo akazviisa pamberi pavo, vakadya, vakasiya zvimwe, sezvakataura shoko raJehovha.

  2Kings (4/25)