2Kings (3/25)  

1. Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria negore regumi namasere raJehoshafati mambo waJudha, akabata ushe makore ane gumi namaviri.
2. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, asi haana kuita sababa vake kana samai vake; nokuti wakabvisa shongwe yaBhaari yakanga yaitwa nababa vake.
3. Kunyange zvakadaro, wakanamatira zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, haana kutsauka kwazviri.
4. Zvino Mesha mambo waMoabhu wakanga ari mwene wamakwai, waipa mambo waIsiraeri makushe amakwayana ane zviuru zvine zana, naamakondohwe ane zviuru zvine zana.
5. Asi Ahabhi wakati afa, mambo waMoabhu akamukira mambo waIsiraeri.
6. Mambo Jehoramu akabuda paSamaria nenguva iyo, akaunganidza vaIsiraeri vose.
7. Akatuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha, achiti, "Mambo waMoabhu wandimukira, uchaenda neni kundorwa naMoabhu here?" Iye akati, "Ndichaenda; ini ndakaita sewe, navanhu vangu savanhu vako, namabhiza angu samabhiza ako."
8. Iye akati, "Tichaenda nenzira ipiko?" Akati, "Nenzira yokurenje raEdhomu."
9. Naizvozvo mambo waIsiraeri akaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu, vakapota vakafamba mazuva manomwe, vakashaiwa mvura yokunwisa hondo nezvipfuwo zvavakanga vanazvo.
10. Ipapo mambo waIsiraeri akati, "Haiwa! Jehovha wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu."
11. Zvino Jehoshafati akati, "Hapana muporofita waJehovha pano, tibvunze Jehovha naye here?" Mumwe wavaranda vamambo waIsiraeri akapindura, akati, "Erisha mwanakomana waShafati ari pano, iye wakadeya kusururidza mvura pamaoko aEria."
12. Jehoshafati akati, "Shoko raJehovha riri kwaari." Zvino mambo waIsiraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu vakaenda kwaari.
13. Erisha akati kuna mambo waIsiraeri, "Ndineiko nemi? Endai kuvaporofita vababa venyu nokuvaporofita vamai venyu." Mambo waIsiraeri akati kwaari, "Kwete, nokuti Jehovha ndiye wakadana madzimambo awa matatu, kuti avaise mumaoko avaMoabhu."
14. Erisha akati, "NaJehovha wehondo mupenyu, iye wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaiva nehanya naJehoshafati mambo waJudha ari pano, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai imi.
15. Asi zvino uyai kwandiri nomuridzi wembira." Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rukauya pamusoro pake.
16. Akati, "Zvanzi naJehovha, `Cherai makoronga mazhinji pamupata uyu.'
17. Nokuti zvanzi naJehovha, `Hamungawoni mhepo, hamungawoni mvura; kunyange zvakadaro mupata uyu uchazadzwa nemvura; imi muchanwa, imi nezvipfuwo zvenyu, nezvinotakura nhumbi dzenyu.'
18. Chinhu ichi chiduku hacho pamberi paJehovha; asi iye uchaisawo vaMoabhu mumaoko enyu.
19. Muchaparadza guta rimwe nerimwe rakasimbiswa, neguta rimwe nerimwe rakatsaurwa, muchatema muti mumwe nomumwe wakanaka, nokudzivira matsime ose emvura, nokushatisa namabwe munda mumwe nomumwe wakanaka."
20. Zvino fume mangwana, nenguva yokubayira chipo, mvura ikaonekwa ichibva nenzira yaEdhomu, nyika ikazadzwa nemvura.
21. Zvino vaMoabhu vose vakati vachinzwa kuti madzimambo akanga asvika kuzorwa navo, vakaungana, vose vakanga vachigona kupfeka nhumbi dzokurwa nadzo, navakavapfuura pamakore, vakandomira pamuganhu.
22. Vakamuka mangwanani, vakaona zuva richipenya pamvura, vaMoabhu vakaona mvura vari kure yakatsvuka seropa.
23. Vakati, "Iropa; zvirokwazvo madzimambo aparadzwa, vaurayana; naizvozvo zvino, vaMoabhu, endai mundopamba."
24. Zvino vakati vachisvika pamisasa yavaIsiraeri, vaIsiraeri vakasimuka, vakaparadza vaMoabhu, vakatiza pamberi pavo; vakapinda munyika yavo vachiparadza vaMoabhu.
25. Vakaputsa maguta, mumwe nomumwe akakanda ibwe rake pamunda mumwe nomumwe wakanaka, ikazara; vakadzivira matsime ose emvura, vakatema miti yose yakanaka, kusvikira vasiya mabwe oga paKirihareseti, vaposheri vamabwe vakarikomba, vakariparadza.
26. Zvino mambo waMoabhu wakati achiona kuti wakundwa pakurwa, akatora varume vana mazana manomwe vaigona kurwa nomunondo, akaidza kupasanura kuna mambo waEdhomu; asi vakanga vasingagoni.
27. Ipapo akatora mwanakomana wake wedangwe, waifanira kumutevera paushe, akamubayira chive chipiriso chinopiswa pamusoro porusvingo. Ipapo vaIsiraeri vakatsamwa kwazvo, vakabva kwaari, vakadzokera kunyika yavo.

  2Kings (3/25)