2Kings (25/25)    

1. Zvino negore repfumbamwe rokubata kwake ushe, nomwedzi wegumi, nezuva regumi romwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, iye nehondo yake yose, kuzorwa neJerusaremu, vakadzika matende avopo, vakarikomba nenhare.
2. Naizvozvo guta rakakombwa kusvikira pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.
3. Zvino negore repfumbamwe romwedzi wechina nzara ikanyanya kwazvo paguta, vanhu venyika iyo vakashaiwa zvokudya.
4. Vakaputsa rusvingo rweguta, vanhu vose vehondo vakatiza usiku nenzira yesuo, pakati pamadziro maviri aiva pamunda wamambo; (zvino vaKaradhea vakanga vakakomba guta;) mambo akaenda nenzira yerenje.
5. Asi hondo yavaKaradhea yakatevera mambo, vakamubata pamapani eJeriko, hondo yake yose ikapararira ikabva kwaari.
6. Zvino vakabata mambo, vakaenda naye kuna mambo weBhabhironi paRibhira, vakamutongerapo.
7. Vakauraya vana vaZedhekia achizviona, vakatumbura meso aZedhekia, vakamusunga namatare, vakamuisa Bhabhironi.
8. Zvino nomwedzi wechishanu, nezuva rechinomwe romwedzi, negore regumi namapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhiron, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, muranda wamambo weBhabhironi akasvika Jerusaremu;
9. akapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; akapisawo dzimba dzose dzeJerusaremu, dzimba dzose huru, nomoto.
10. Hondo yose yavaKaradhea, yakanga inomukuru wavarindi, ikaputsa masvingo eJerusaremu kunhivi dzose.
11. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi, akatapa vanhu vakanga vasara muguta, navakanga vatiza, vakaenda kuna mambo weBhabhironi, navakanga vasara kuvazhinji.
12. Asi mukuru wavarindi wakasiya varombo venyika, kuti vave varimi veminda yemizambiringa nemimwe minda.
13. VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzaiva mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvaiva mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo Bhabhironi.
14. vakatorawo hari nefoshoro nembato dzemwenje, nezvirongo, nenhumbi dzose dzendarira dzavaibata nadzo.
15. Nezvaenga zvomoto, nembiya, nezvose zvaiva zvendarama nezvose zvaiva zvesirivha, mukuru wavarindi akazvitora.
16. Nembiru mbiri, nedziva rimwe, nezvindori, zvakanga zvaitirwa imba yaJehovha naSoromoni; kurema kwendarira yenhumbi idzi dzose kwakanga kusingagoni kuyerwa.
17. Kureba kwembiru imwe kwakasvika makubhiti ane gumi namasere, yaiva nomusoro wendarira pamusoro payo; kureba kwomusoro kwakasvika makubhiti matatu; uye kwakanga kune zvakarukwa, namatamba, zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; mbiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi nezvakarukwawo.
18. Mukuru wavarindi akatora Saraya mupirisiti mukuru, naZefaniya mupirisiti wechipiri, navarindi vatatu vomukova;
19. uye paguta akatora mukuru waitarira varume vehondo, navarume vashanu vaisionana namambo, vaakawana muguta; nomunyori, nomukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, navarume vanamakumi matanhatu vavanhu venyika, vaakawana muguta.
20. Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akavatora, akavaisa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.
21. Mambo weBhabhironi akavabaya, akavauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo vaJudha vakatapwa panyika yavo.
22. Kana vari vanhu vakasiyiwa panyika yaJudha, vakasiyiwa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, wakaita Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, mubati wavo.
23. Zvino vakuru vose vehondo, ivo navanhu vavo, vakati vanzwa kuti mambo weBhabhironi wakanga aita Gedharia mubati wavo, vakaenda kuna Gedharia paMizipa, vaiti, Ishimaeri mwanakomana waNetania, naJohanani mwanakomana waKarea, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana womuMaakati, ivo navanhu vavo.
24. Gedharia akapika kwavari, ivo navanhu vavo, akati kwavari, "Regai kutya nokuda kwavaranda vavaKaradhea; garai panyika, mushumire mambo weBhabhironi, mugofara henyu."
25. Asi nomwedzi wechinomwe Ishimaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, worudzi rwamambo, wakasvika anavarume vane gumi, akabaya Gedharia, akafa iye pamwechete navaJudha navaKaradhea vaiva naye paMizipa.
26. Ipapo vanhu vose, vaduku navakuru, navakuru vehondo vakasimuka vakaenda Ijipiti, nokuti vakanga vachitya vaKaradhea.
27. Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namanomwe romwedzi, Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, negore raakatanga kubata ushe naro, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubvisa mutorongo;
28. akataura naye nomoyo munyoro, akakudza chigaro chake choushe kupfuura zvigaro zvoushe zvamadzimambo aiva naye paBhabhironi.
29. Akashandura nguvo dzake dzokusungwa, akaramba achidya zvokudya pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake.
30. Kana zviri zvokurarama nazvo, waisipiwa zvokurarama nazvo namambo nguva dzose, zuva rimwe nerimwe mugove waro, mazuva ose oupenyu hwake.

  2Kings (25/25)