2Kings (24/25)  

1. Zvino pamazuva ake Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika, Jehoyakimu akaitwa muranda wake makore matatu; ipapo akamuramba akamumukira.
2. Jehovha akatuma kwaari hondo dzavaKaradhea, nehondo dzavaSiria, nehondo dzavaMoabhu, nehondo dzavana vaAmoni, kuzorwa naye; akadzituma kuzoparadza Judha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, raakataura nemiromo yavaranda vake vaporofita.
3. Zvirokwazvo izvi zvakaitirwa Judha nokuraira kwaJehovha, kuti avabvise pamberi pake, nokuda kwezvivi zvaManase zvose zvaakaita;
4. uye nokuda kweropa risine mhosva raakateura; nokuti wakazadza Jerusaremu neropa risine mhosva; Jehovha akaramba kuvakanganwira.
5. Zvino mamwe mabasa aJehoyakimu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
6. Jehoyakimu akavata namadzibaba ake, mwanakomana wake Jehoyakini akamutevera paushe.
7. Mambo weIjipiti haana kuzobudazve munyika yake, nokuti mambo weBhabhironi wakanga akunda zvose zvaiva zvamambo weIjipiti, kubva parukova rweIjipiti kusvikira parwizi Yufuratesi.
8. Jehoyakini wakatanga kubata ushe ava namakore gumi namasere, akabata ushe paJerusaremu mwedzi mitatu. Zita ramai vake rakanga riri Nehushuta mukunda waErinatani weJerusaremu.
9. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake pazvose.
10. Nenguva iyo varanda vaNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, vakasvika Jerusaremu, vakakomba guta.
11. Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika paguta, varanda vake vakarikomba.
12. Zvino Jehoyakini mambo waJudha akabudira kuna mambo weBhabhironi, iye namai vake, navaranda vake, namachinda ake, navatariri vake; mambo weBhabhironi akamubata negore rorusere rokubata kwake ushe.
13. Akaenda nefuma yose yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, akatema-tema nhumbi dzose dzendarama dzakanga dzaitwa naSoromoni mambo welsiraeri mutemberi yaJehovha, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
14. Akatapa vose veJerusaremu, namachinda ose, nemhare dzose, vatapwa vanezvuru zvine gumi, nemhizha dzose navapfuri vose; hakuna vakasara, asi vanhu varombo venyika.
15. Akatapawo Jehoyakini, akamuisa Bhabhironi; namai vamambo, navakadzi vamambo, navatariri vake, navakuru venyika, akavatapa paJerusaremu akavaisa Bhabhironi.
16. Varume vose vaiva nesimba vane zviuru zvinomwe, nemhizha, navapfuri vane gumi ramazana, ava vose vaiva nesimba vaigona kurwa, mambo weBhabhironi wakavatapa, akavaisa Bhabhironi.
17. Mambo weBhabhironi akaita Matania babamunini vaJehoyakimu, mambo panzvimbo yake, akashandura zita rake, akamutumidza Zedhekia. Zedhekia mambo wokupedzisira waJudha
18. Zedhekia wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri nerimwe; akabata ushe paJerusaremu makore gumi nerimwe. Zita ramai vake rakanga riri Hamitari mukunda waJeremiya weRibhina.
19. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha sezvakaita Jehoyakini pazvose.
20. Nokuti izvozvo zvakaitirwa Jerusaremu naJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avarashira kure kwaari; Zedhekia akamukira mambo weBhabhironi.

  2Kings (24/25)