| ← 2Kings (21/25) → | 
| 1. | Manase wakatanga kubata ushe ava namakore ane gumi namaviri; akabata ushe makore makumi mashanu namashanu paJerusaremu; zita ramai vake raiva Hefizibha. | 
| 2. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvinonyangadza zvavahedheni vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri. | 
| 3. | Nokuti wakavakazve matunhu akakwirira, akanga aparadzwa nababa vake Hezekia; akamutsira Bhaari aritari, akaisapo danda rokunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsiraeri; akanamata hondo dzose dzokudenga, akadzishumira. | 
| 4. | Akavaka aritari mumba maJehovha, kunyange Jehovha akanga ati, "PaJerusaremu ndipo pandichaisa zita rangu." | 
| 5. | Akavakira hondo dzose dzokudenga aritari muvazhe mbiri dzeimba yaJehovha. | 
| 6. | Akapinza mwanakomana wake mumoto, akatenda mashura, akaita mazango, akagadza masvikiro navauki; akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha, ndokumutsamwisa nazvo. | 
| 7. | Akaisa mufananidzo wedanda rokunamata naro raakaveza mumba makanzi naJehovha kuna Dhavhidhi nokuna Soromoni mwanakomana wake, "Ndichaisa zita rangu nokusingaperi paimba ino napaJerusaremu, randakazvitsaurira pakati pamarudzi ose aIsiraeri. | 
| 8. | Handichazofambisa-fambisa tsoka dzavaIsiraeri kunze kwenyika yandakapa madzibaba avo; kana vachichenjera bedzi kuita zvandakavaraira, nomurayiro wose wavakarairwa naMozisi muranda wangu." | 
| 9. | Asi havana kuteerera; Manase akavatsausa vakaita zvakaipa kupfuura zvakaitwa nendudzi dzakaparadzwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri. | 
| 10. | Jehovha akataura navo navaporofita varanda vake, akati, | 
| 11. | "Manase mambo waJudha zvaakaita zvinonyangadza izvi, akaita zvakaipa kupfuura zvose zvakaitwa navaAmori vakamutangira, akatadzisawo Judha nezvifananidzo zvake. | 
| 12. | Naizvozvo zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, `Tarirai, ndichauyisira Jerusaremu naJudha zvakaipa zvikadai, kuti vose vanozvinzwa nzeve dzavo dzichaunga. | 
| 13. | Ndichayera Jerusaremu norwozi rwandakayera Samaria narwo, uye norwozi rwandakaruramisa imba yaAhabhi narwo; ndichapisika Jerusaremu somunhu unopisika ndiro, unoipisika akaitsindikira. | 
| 14. | Ndicharasha vakasara venhaka yangu, ndivaise mumaoko avavengi vavo; vachapedzwa nokuparadzwa navaven.gi vavo vose; | 
| 15. | nokuti vakaita zvakaipa pamberi pangu, vakanditsamwisa, kubva pazuva rokubuda kwamadzibaba avo paIjipiti kusvikira zuva ranhasi.' " | 
| 16. | Manase akateurawo ropa rakawanda risine mhosva, kusvikira azadza Jerusaremu kubva kurutivi rumwe kusvikira kuno rumwe rutivi; zvivi zvake zvaakatadzisa Judha nazvo, achiita zvakaipa pamberi paJehovha, zvisingaverengwi. | 
| 17. | Zvino mamwe mabasa aManase, nezvose zvaakaita, nezvivi zvake zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? | 
| 18. | Manase akavata namadzibaba ake, akavigwa mumunda weimba yake, mumunda waUza; Amoni mwanakomana wake akamutevera paushe. | 
| 19. | Amoni wakatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri namaviri akabata ushe paJerusaremu makore maviri; zita ramai vake rakanga riri Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha. | 
| 20. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita Manase baba vake. | 
| 21. | Akafamba nenzira yose yakafambwa nababa vake, akashumira zvifananidzo zvakashumirwa nababa vake, akazvinamata; | 
| 22. | akasiya Jehovha Mwari wamadzibaba ake, akasafamba nenzira yaJehovha. | 
| 23. | Zvino varanda vaAmoni vakamurangana vakamumukira, vakauraya mambo mumba make. | 
| 24. | Asi vanhu venyika iyo vakazouraya vose vakarangana vakamukira mambo Amoni; vanhu venyika iyo vakaita mwanakomana wake Josia mambo panzvimbo yake. | 
| 25. | Zvino mamwe mabasa aAmoni aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? | 
| 26. | Akavigwa muhwiro hwake mumunda waUza; Josia mwanakomana wake akamutevera paushe. | 
| ← 2Kings (21/25) → |