2Kings (20/25)  

1. Zvino namazuva iwayo Hezekia akarwara, kusvikira pakufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi akasvika kwaari, akati kwaari, "Zvanzi naJehovha, `Chiraira nhaka yako, nokuti uchafa, haungararami.' "
2. Ipapo akatendeukira kumadziro, akanyengetera kuna Jehovha, akati,
3. "Dorangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba pamberi penyu nezvokwadi nomoyo wose, ndikaita zvakanaka pamberi penyu." Hezekia akachema kwazvo.
4. Zvino Isaya wakanga achigere kubuda paruvazhe rwapakati, shoko raJehovha rikauya kwaari, richiti,
5. "Dzokazve, undoti kuna Hezekia, mutungamiriri wavanhu vangu, `Zvanzi naJehovha Mwari waDhavhidhi baba vako, ndanzwa kunyengetera kwako, ndaona misodzi yako; zvino tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.'
6. "Ndichawedzera pamazuva ako makore ane gumi namashanu; ndichakurwira iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiria, ndichadzivira guta rino nokuda kwangu, uye nokuda kwaDhavhidhi muranda wangu."
7. Ipapo Isaya akati, "Uyai nebundu ramawonde." Ivo vakauya naro, vakariisa pamamota, akapora.
8. Zvino Hezekia akati kuna Isaya, "Chiratidzo chichava cheiko kuti Jehovha uchandiporesa, ndikwire kumba kwaJehovha nezuva rechitatu here?"
9. Isaya akati, "Ichi chichava chiratidzo chaJehovha kwauri, kuti Jehovha uchaita sezvaakataura. Unoda kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi, kana udzoke mitaro inegumi here?"
10. Hezekia akapindura, akati, "Zvakareruka kuti mumvuri upfuurire mberi mitaro inegumi; kwete, mumvuri ngaudzoke mitaro inegumi."
11. Ipapo muporofita akadana kuna Jehovha, akadzosera mumvuri shure mitaro inegumi pachiratidzo chenguva chaAhazi.
12. Zvino nenguva iyo Bherodhaki- bharadhani mwanakomana waBharadhani, mambo weBhabhironi, akatuma mwadhi nechipo kuna Hezekia; nokuti wakanga anzwa kuti Hezekia wairwara.
13. Hezekia akavanzwa, akavaratidza imba yose yakanga ine zvinokosha zvake, sirivha, nendarama, nezvinonhuwira, namafuta anokosha, neimba yaiva nenhumbi dzake dzokurwa nadzo, nezvose zvakanga zviri pafuma yake; kwakanga kusisina chinhu mumba make, kana muushe hwake hwose, chavasina kuratidzwa naHezekia.
14. Zvino muporofita Isaya akasvika kuna mambo Hezekia, akati kwaari, "Ko varume ava vakati kudini? Vasvika kwauri vachibvepiko?" Hezekia akati, "Vabva kunyika iri kure, Bhabhironi."
15. Akati, "Vakawonei mumba mako?" Hezekia akapindura, akati, "Vakaona zvose zviri mumba mangu, hakune chinhu pakati pefuma yangu chandisina kuvaratidza."
16. Ipapo Isaya akati kuna Hezekia, "Inzwa shoko raJehovha.
17. â€˜Tarira, mazuva achasvika, nenguva iyo zvose zviri mumba mako nezvose zvakaunganidzwa namadzibaba ako kusvikira zuva ranhasi zvichaiswa Bhabhironi; hakuna chinhu chichasiyiwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
18. Vamwe vavanakomana vako, vachabva kwauri, vauchabereka, vachatapwa. vachava varanda mumba mamambo weBhabhironi.'
19. Ipapo Hezekia akati kuna Isaya, "Shoko raJehovha, ramataura, rakanaka haro." Akatiwo, "Ko handizvo here, kana rugare nezvokwadi zviripo hazvo pamazuva angu?"
20. Zvino mamwe mabasa aHezekia, nesimba rake, nokuita kwake dziva nomugero, nokusvitsa kwake mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
21. Hezekia akavata namadzibaba ake, Manase mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Kings (20/25)