| ← 2Kings (2/25) → |
| 1. | Zvino nguva yakati yasvika Jehovha yaakada kukwidza Eria nayo kudenga nechinyamupupuri, Eria akaenda naErisha vachibva Girigari. |
| 2. | Eria akati kuna Erisha, "Iwe chigara pano,nokuti Jehovha wakandituma Bhetieri." Erisha akati, "NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyi." Naizvozvo vakaburukira Bhetieri. |
| 3. | Zvino vanakomana vavaporofita vaiva paBhetieri, vakasvika kuna Erisha, vakati kwaari, "Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?" Iye akati, "Hongu, ndinoziva; nyararai henyu." |
| 4. | Eria akati kwaari, "Erisha, iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma Jeriko." lye akati, "NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi." Naizvozvo vakasvika Jeriko. |
| 5. | Zvino vanakomana vavaporofita, vaiva paJeriko, vakaswedera kuna Erisha, vakati kwaari, "Munoziva here kuti Jehovha uchakubvisirai tenzi wenyu nhasi?" Iye akapindura, akati, "Hongu, ndinoziva, nyararai henyu." |
| 6. | Eria akati kwaari, "Iwe chigara pano, nokuti Jehovha wakandituma kwaJorodhani." Iye akati, "NaJehovha mupenyu, uye nomweya wenyu mupenyu, handingakusiyiyi." Ivo vari vaviri vakapfuura havo. |
| 7. | Zvino varume vana makumi mashanu vavanakomana vavaporofita vakaenda vakandomira pakatarisana navo vari kure; ivo vari vaviri vakamira paJorodhani. |
| 8. | Ipapo Eria akatora nguvo yake, akaipeta, akarova mvura, ikaparadzaniswa napakati, naizvozvo ivo vaviri vakayambuka pakawoma. |
| 9. | Zvino vakati vayambuka, Eria akati kuna Erisha, "Kumbira chandingakuitira, ndichigere kubviswa kwauri." Erisha akati, "Ndipei migove miviri yomweya wenyu." |
| 10. | Akati, "Wakumbira chinhu chinogozha; asi kana ukandiona ndichibviswa kwauri, uchaitirwa izvozvo; asi kana usingandiwoni, haungaitirwi izvozvo." |
| 11. | Zvino vakati vachifamba, vachingotaurirana havo, ngoro yomoto namabhiza omoto zvikasvika, zvikavaparadzanisa ivo vaviri; Eria akakwira kudenga nechinyamupupuri. |
| 12. | Erisha akazviona, akadanidzira, achiti, "Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vayo vamabhiza " Akasazomuonazve; akabata nguvo dzake akadzibvarura napakati. |
| 13. | Akanonga jasi raEria rakanga rawa kwaari, akadzoka akamira pamhenderekedzo yaJorodhani; |
| 14. | akatora jasi raEria rakanga rawa kwaari, akarova mvura, akati, "Jehovha Mwari waEria uripiko?" Zvino wakati arova mvura, ikaparadzaniswawo napakati, Erisha akayambuka. |
| 15. | Zvino vanakomana vavaporofita vakanga vari paJeriko pakatarisana naye, vakati vachimuona, vakati, "Mweya waEria wogara pamusoro paErisha." Vakandosangana naye, vakakotamira pasi pamberi pake. |
| 16. | Vakati kwaari, "Tarirai, isu varanda venyu, tina varume vana makumi mashanu vane simba; ivo ngavaende havo kundotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza, ukamukandira pane rimwe gomo, kana muno mumwe mupata." Iye akati, "Regai henyu kuvatuma." |
| 17. | Asi ivo vakati vamugombedzera, kusvikira anyara, akati, "Tumai henyu." Naizvozvo vakatuma varume vana makumi mashanu, vakatsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana. |
| 18. | Vakadzokerazve kwaari achiri paJeriko, iye akati kwavari, "Handina kukuudzai here, ndikati `Regai kuenda.' " |
| 19. | Zvino varume veguta vakati kuna Erisha, "Tarirai, henyu, nzvimbo yeguta yakanaka hayo, sezvamunoona, ishe wedu, asi mvura yakaipa, nenyika haibereki zvakanaka." |
| 20. | Iye akati, "Ndivigire ndiro itsva, mugoisa munyumo." Vakamuvigira iyo. |
| 21. | Akaenda kuchitubu chemvura, akadira munyu imomo, akati, "Zvanzi naJehovha, `Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu, kana kusabereka.' " |
| 22. | Naizvozvo mvura ikarapwa kusvikira, nhasi sezvakataura, iye Erisha. |
| 23. | Zvino wakabvapo, akaenda Bhetieri; akati achikwira nenzira, zvikomana zvikabuda muguta, zvikamuseka, zvikati kwaari, "Iwe nyamanza, kwira, iwe nyamanza, kwira!" |
| 24. | Iye akacheuka, akavaona, akavatuka nezita raJehovha. Ipapo maperekadzi maviri akabuda mudondo, akaparadza vana vana makumi mana navaviri vavo. |
| 25. | Akabvapo akaenda kugomo reKarimeri, akabvapo akadzokera Samaria. |
| ← 2Kings (2/25) → |