2Kings (18/25)  

1. Zvino negore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
2. Akatanga kubata ushe ava namakore ana makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Abhi mukunda waZekariya.
3. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Dhavhidhi.
4. Akabvisa matunhu akakwirira, akaputsa shongwe, akaparadza matanda okunamata nawo; akaputsaputsa nyoka yendarira yakanga yakaitwa naMozisi; nokuti kusvikira pamazuva iwayo vana vaIsiraeri vaiipisira zvinonhuwira; akaitumidza Nehushitani.
5. Akatenda kuna Jehovha Mwari waIsiraeri; naizvozvo hakuna wakanga akafanana naye pakati pamadzimambo ose aJudha, kuna vakamutevera kana akamutangira.
6. Nokuti wakanamatira Jehovha, haana kutsauka pakumutevera; asi wakachengeta mirairo yake, yakarairwa Mozisi naJehovha.
7. Jehovha akava naye; kwose kwaakaenda wakafambiswa zvakanaka; akamukira mambo weAsiria, akasamushumira.
8. Akakunda vaFirisitia kusvikira paGaza nenyika yaro, kubva pachirindo chomurindi kusvikira pamaguta akakombwa norusvingo.
9. Zvino negore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsiraeri, Sharimaneseri mambo weAsiria akandorwa neSamaria, akarikomba.
10. Pakupera kwamakore matatu vakarikunda; Samaria rikakundwa negore retanhatu raHezekia, riri gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsiraeri.
11. Mambo weAsiria akatapa vaIsiraeri, akaenda navo Asiria, akavaisa paHara, napaHabhori, parwizi Gozani, nomumaguta avaMedhi;
12. nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, izvo zvose zvavakanga varairwa naMozisi muranda waJehovha, vakaramba kunzwa, kana kuzviita.
13. Zvino negore regumi namana ramambo Hezekia, Sanheribhi mambo weAsiria akandorwa namaguta ose aJudha akakombwa namasvingo, akaakunda.
14. Zvino Hezekia mambo weJudha akatuma shoko kuna mambo weAsiria paRakishi, akati, "Ndatadza, dzokai henyu mubve kwandiri; zvose zvamunoreva kwandiri ndichazviripa." Ipapo mambo weAsiria akaripisa Hezekia mambo weJudha matarenda ana mazana matatu esirivha namatarenda ana makumi matatu endarama.
15. Hezekia akamupa sirivha yose yakanga iri mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo.
16. Nenguva iyo Hezekia wakabvisa ndarama pamikova yeimba yaJehovha, napambiru dzakanga dzafukidzwa nayo naHezekia mambo waJudha, akaipa mambo weAsiria.
17. Zvino mambo weAsiria akatuma mukuru wehondo, nomukuru wamachinda, nomukuru wavatariri vabve Rakishi nehondo huru vaende kuna Hezekia paJerusaremu. Ivo vakaenda, vakasvika Jerusaremu. Zvino vakati vasvika, vakamira pamugero wedziva rokumusoro, riri panzira huru inoenda kumunda womusuki.
18. Zvino vakati vadana mambo, Eriakimu mwanakomana waHirikia, waichengeta imba, naShebhana munyori, naJoa mwanakomana waAsafi sahwira, va kabudira kwavari.
19. Zvino mukuru wavatariri akati kwavari, "Zvino imi muti kuna Hezekia, `Zvanzi namambo mukuru, mambo weAsiria, chaunovimba nacho chinyi?'
20. Iwe unoti (asi mashoko omuromo hawo), mano nesimba zvokurwa nazvo zviripo hazvo. Zvino unovimba naniko, zvawandimukira ini?
21. Tarira zvino, unovimba nomudonzvo worutsanga urwu rwakapwanyika, Ijipiti, runoti kana munhu akasendama kwaruri, ruchapinda muruoko rwake, rukamubaya; ndizvo zvakaita Farao mambo weIjipiti kuna vose vanovimba naye.
22. Asi kana ukati kwandiri, `Tinovimba naJehovha Mwari wedu,' ko haazi iye wakabvisirwa matunhu akakwirira nearitari dzake naHezekia, akati kuna Judha naJerusaremu, `Munofanira kunamata pamberi pearitari iri paJerusaremu, here?'
23. "Naizvozvo zvino, chipikiranai henyu natenzi wangu mambo weAsiria, ndikupe mabhiza ane zviuru zviviri, kana iwe ukagona kuisa vatasvi pamusoro pawo.
24. "Ungagona seiko kukunda mukuru mumwe kuna vaduku vavaranda vatenzi vangu, kana ukavimba naIjipiti kuti upiwe ngoro namabhiza navo?
25. Ini ndauya kuzorwa nenzvimbo iyi kuti ndiiparadze ndisina Jehovha here? Ndiye Jehovha wakati kwandiri, `Enda undorwa nenyika iyo, uiparadze.' "
26. Ipapo Eriakimu mwanakomana waHirikia, naShebhana, naJoa vakati kumukuru wavatariri, "Tinokumbira kuti mutaure henyu navaranda venyu norurimi rwechiAramaia, nokuti tinochinzwisisa; murege henyu kutaura nesu norurimi rwavaJudha, vanhu vose vari parusvingo vazvinzwe."
27. Asi mukuru wavatariri wakati kwaari, "Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nokwauri here, kuti nditaure mashoko awa? Haana kundituma here kuvanhu vagere pamusoro porusvingo, kuti vadye ndove yavo nemvura yavo pamwechete nemi?"
28. Ipapo mukuru wavatariri akamira, akadanidzira nenzwi guru norurimi rwavaJudha, akataura achiti, "inzwai shoko ramambo mukuru, iye mambo weAsiria.
29. Zvanzi namambo, `Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukurwirai pamaoko ake;'
30. Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti `Jehovha uchatirwira zvirokwazvo, uye kuti guta iri haringaiswi mumaoko amambo weAsiria.
31. Musateerera Hezekia, nokuti zvanzi namambo weAsiria, Yananai neni, mubudirei kwandiri, mudye mumwe nomumwe muzambiringa wake, mumwe nomumwe muwonde wake, mumwe nomumwe mvura yetsime rake;
32. kusvikira ini ndauya ndikutorei, ndikuisei kunyika yakafanana neyenyu, nyika ine zviyo newaini, nyika ine chingwa neminda yemizambiringa, nyika inamafuta emiorivhi nouchi, murarame, murege kufa, regai kuteerera Hezekia, kana achikugombedzerai' achiti, Jehovha uchatirwira.'
33. "Ko mumwe wavamwari vendudzi wakatomborwira nyika yake paruoko rwamambo weAsiria here?
34. Vamwari veHamati neAripadhi varipi? Vamwari veSefarivhaimi, neHena, neIvha varipi vakarwira Samaria paruoko rwangu here?
35. Ndavapiko pakati pavamwari vose venyika vakarwira nyika yavo paruoko rwangu, zvamunoti Jehovha ucharwira Jerusaremu paruoko rwangu?"
36. Asi vanhu vakaramba vanyerere, havana kumupindura shoko rimwe, nokuti murayiro wamambo wakanga uchiti, "Regai kumupindura."
37. Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikia, waitarira imba, naShebha munyori, naJoa, mwanakomana waAsafi sahwira, vakaenda kuna Hezekia, nguvo dzavo dzabvarurwa, vakamuudza mashoko omukuru wavatariri.

  2Kings (18/25)