2Kings (16/25)  

1. Negore regumi namanomwe raPeka mwanakomana waRemaria, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
2. Ahazi akatanga kubata ushe ava namakore makumi maviri; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu. Asi haana kuita zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake, sababa vake Dhavhidhi.
3. Nokuti wakafamba nenzira yamadzibaba aIsiraeri, akapinzawo mwanakomana wake mumoto netsika dzezvinonyangadza zvavahedheni, vakanga vadzingwa naJehovha pamberi pavana vaIsiraeri.
4. Akabayira nokupisa zvinonhuwira napasi pemiti yose mitema.
5. Ipapo Rezini mambo weSiria, naPeka mwanakomana waRemaria mambo wIsiraeri, vakasvika Jerusaremu kuzorwa naye; vakakomba Ahazi, asi vakanga vasingagoni kumukunda.
6. Nenguva iyo Rezini mambo weSiria akadzoserazve Siria Erati, akadzinga vaJudha paErati; vakaenda Erati, vakagarapo kusvikira nhasi.
7. Zvino Ahazi akatuma nhume kuna Tigiratipireseri mambo weAsiria, akati, "Ndiri muranda wenyu nomwanakomana wenyu; uyai mundirwire muruoko rwamambo weSiria, nomuruoko rwamambo waIsiraeri, vanondimukira."
8. Ipapo Ahazi akatora sirivha nendarama zvakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yeimba yamambo, akazvituma kuna mambo weAsiria, chive chipo.
9. Mambo weAsiria akamunzwa, mambo weAsiria akandorwa neDhamasiko, akarikunda, akatapa vanhu, akavaisa Kiri, akauraya Rezini.
10. Zvino mambo Ahazi akaenda Dhamasiko kundosangana naTigiratipireseri mambo weAsiria, akaona aritari yakanga iri paDhamasiko; mambo Ahazi akatuma mufananidzo wearitari kuna Uriya mupirisiti, nomuvakirwo wayo, nomuitirwe wayo wose.
11. mupirisiti Uriya akavaka aritari yakafanana nezvose zvakanga zvatumwa namambo Ahazi achiri Dhamasiko, mupirisiti Uriya akaiita saizvozvo mambo Ahazi achigere kudzoka Dhamasiko.
12. Zvino mambo wakati adzoka Dhamasiko, mambo akaona aritari, mambo akaswedera paaritari, kuzobayira pamusoro payo.
13. Akapisira pamusoro pearitari chipiriso chake chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, akadururapo chipiriso chake chinodururwa, akasasirapo ropa rezvipiriso zvake zvokuyananisa.
14. Uye aritari yendarira, yaiva pamberi paJehovha, wakaibvisa pamukova weimba, pakati pearitari yake neimba yaJehovha, akaiisa kurutivi rwokumusoro rwearitari yake.
15. Zvino mambo Ahazi akaraira mupirisiti Uriya, akati, "Chipisira chipiriso choupfu chamangwanani paaritari huru, nechipiriso chamadekwana, nechipiriso chamambo chinopiswa, nechipiriso chake choupfu, nechipiriso chavanhu vose venyika, nechipiriso chavo choupfu, nezvipiriso zvavo zvinodururwa; uye usasire pamusoro payo, neropa rose rechipiriso chinopiswa, neropa rose rezvibayiro; asi aritari yendarira ndiyo yandichabvunza
16. " Naizvozvo mupirisiti Uriya akaita zvose zvaakanga arairwa namambo Ahazi.
17. Mambo Ahazi akagura ukomba hwezvingoro, akabvisa mudziyo wokushamba pamusoro pazvo, akabvisawo dziva pamusoro penzombe dzendarira dzakanga dziri pasi paro, akariisa pachigadziko chamabwe.
18. Nenzira, yaiva nedenga, yakaitirwa imba yezororo, yavakanga vavaka temberi, nomukova wamambo nechokunze, wakazvishandura mukati metemberi yaJehovha, nokuda kwamambo weAsiria.
19. Zvino mamwe mabasa aAhazi aakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzibaba aJudha?
20. Ahazi akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi, Hezekia mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Kings (16/25)