2Kings (15/25)  

1. Negore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo waJudha wakatanga kubata ushe.
2. Wakanga anamakore ane gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ana makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekoria weJerusaremu.
3. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose.
4. Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
5. Jehovha akarova mambo, akava namaperembudzi kusvikira zuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotamu mwanakomana wamambo akava mutariri weimba, akatongawo mhosva dzavanhu venyika.
6. Zvino mamwe mabasa aAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
7. Azaria akavata namadzibaba ake, vakamuviga kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe.
8. Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakava mambo waIsiraeri paSamaria mwedzi mitanhatu.
9. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
10. Sharumi mwanakomana waJabheshi akamumukira, akamubaya pamberi pavanhu, akamuuraya, iye akamutevera paushe.
11. Zvino mamwe mabasa aZekariya, tarirai akanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
12. Ndiro shoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti, "Vanakomana vako vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri kusvikira parudzi rwechina." Zvikaitwa saizvozvo.
13. Sharumi mwanakomana waJabheshi wakatanga kubata ushe negore ramakumi matatu namapfumbamwe raUziya mambo waJudha; akabata ushe paSamaria mwedzi mumwe.
14. Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi akabva Tiriza, akasvika Samaria, akabaya Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamaria, akamuuraya, akamutevera paushe.
15. Zvino mamwe mabasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzibaba aIsiraeri.
16. Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro. '
17. Negore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akaubata makore ane gumi paSamaria.
18. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; mazuva ake ose haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
19. Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake.
20. Menahemi akateresa Isiraeri, mumwe nomumwe wakanga ane simba, akafuma, akabudisa mashekeri ana makumi mashanu esirivha, kuti zvipiwe mambo weAsiria; naizvozvo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika.
21. Zvino mamwe mabasa aMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
22. Menahemi akavata namadzibaba ake, Pekahia mwanakomana wake akamutevera paushe.
23. Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenehemi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore maviri.
24. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
25. Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGiriyadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe.
26. Zvino mamwe mabasa aPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri.
27. Negore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo waJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore makumi maviri.
28. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
29. Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria.
30. Zvino Hoshea mwanakomana waEra akaita ndanga pamusoro paPeka mwanakomana waRemaria, akamubaya, akamuuraya, ndokumutevera paushe, negore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya.
31. Zvino mamwe mabasa aPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo elsiraeri.
32. Negore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo waIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha, wakatanga kubata ushe.
33. Wakanga asvika makore ana makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki.
34. Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya.
35. Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha.
36. Zvino mamwe mabasa aJotamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
37. Namazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria kuzorwa naJudha.
38. Jotamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Kings (15/25)