| ← 2Kings (15/25) → |
| 1. | Negore ramakumi maviri namanomwe raJerobhoamu mambo waIsiraeri, Azaria mwanakomana waAmazia mambo waJudha wakatanga kubata ushe. |
| 2. | Wakanga anamakore ane gumi namatanhatu pakutanga kwake kubata ushe, akabata ushe paJerusaremu makore ana makumi mashanu namaviri; zita ramai vake rakanga riri Jekoria weJerusaremu. |
| 3. | Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakaita baba vake Amazia pazvose. |
| 4. | Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. |
| 5. | Jehovha akarova mambo, akava namaperembudzi kusvikira zuva rokufa kwake, akagara ari oga muimba. Jotamu mwanakomana wamambo akava mutariri weimba, akatongawo mhosva dzavanhu venyika. |
| 6. | Zvino mamwe mabasa aAzaria, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? |
| 7. | Azaria akavata namadzibaba ake, vakamuviga kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi; Jotamu mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| 8. | Negore ramakumi matatu namasere raAzaria mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakava mambo waIsiraeri paSamaria mwedzi mitanhatu. |
| 9. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. |
| 10. | Sharumi mwanakomana waJabheshi akamumukira, akamubaya pamberi pavanhu, akamuuraya, iye akamutevera paushe. |
| 11. | Zvino mamwe mabasa aZekariya, tarirai akanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri. |
| 12. | Ndiro shoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti, "Vanakomana vako vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri kusvikira parudzi rwechina." Zvikaitwa saizvozvo. |
| 13. | Sharumi mwanakomana waJabheshi wakatanga kubata ushe negore ramakumi matatu namapfumbamwe raUziya mambo waJudha; akabata ushe paSamaria mwedzi mumwe. |
| 14. | Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi akabva Tiriza, akasvika Samaria, akabaya Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamaria, akamuuraya, akamutevera paushe. |
| 15. | Zvino mamwe mabasa aSharumi, nokumukira kwake, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzibaba aIsiraeri. |
| 16. | Zvino Menahemi akaparadza Tifisa, navose vakanga vari mukati maro, nenyika yaro, kubva paTiriza; akariparadza, nokuti vakaramba kumuzarurira; akatumbura vakadzi vose vakanga vane mimba, vaiva mukati maro. ' |
| 17. | Negore ramakumi matatu namapfumbamwe raAzaria mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi, wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri, akaubata makore ane gumi paSamaria. |
| 18. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; mazuva ake ose haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. |
| 19. | Zvino Puri mambo weAsiria akauya kuzorwa nenyika; Menahemi akapa Puri matarenda ane chiuru chimwe chesirivha, kuti amubatsire kusimbisa ushe hwake. |
| 20. | Menahemi akateresa Isiraeri, mumwe nomumwe wakanga ane simba, akafuma, akabudisa mashekeri ana makumi mashanu esirivha, kuti zvipiwe mambo weAsiria; naizvozvo mambo weAsiria akadzokera hake, akasagara panyika. |
| 21. | Zvino mamwe mabasa aMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri? |
| 22. | Menahemi akavata namadzibaba ake, Pekahia mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| 23. | Negore ramakumi mashanu raAzaria mambo weJudha, Pekahia mwanakomana waMenehemi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore maviri. |
| 24. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. |
| 25. | Zvino Peka mwanakomana waRemaria, mukuru wake wehondo akamumukira, akamuuraya paSamaria, munhare yeimba yamambo, iye naArigobhi naArie navanhu vana makumi mashanu vaGiriyadhi vaakanga anavo; akamuuraya, akamutevera paushe. |
| 26. | Zvino mamwe mabasa aPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri. |
| 27. | Negore ramakumi mashanu namaviri raAzaria mambo waJudha, Peka, mwanakomana waRemaria, akatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore makumi maviri. |
| 28. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. |
| 29. | Namazuva aPeka mambo waIsiraeri, Tigiratipireseri mambo weAsiria akasvika, akakunda Ijoni, neAbheribhetimaaka, neJanoa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGariri, iyo nyika yose yeNafutari; akavatapa, akaenda navo Asiria. |
| 30. | Zvino Hoshea mwanakomana waEra akaita ndanga pamusoro paPeka mwanakomana waRemaria, akamubaya, akamuuraya, ndokumutevera paushe, negore ramakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya. |
| 31. | Zvino mamwe mabasa aPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku yaMakoronike amadzimambo elsiraeri. |
| 32. | Negore rechipiri raPeka mwanakomana waRemaria mambo waIsiraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha, wakatanga kubata ushe. |
| 33. | Wakanga asvika makore ana makumi maviri namashanu pakutanga kwake kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore ane gumi namatanhatu; zita ramai vake rakanga riri Jerusha mukunda waZadhoki. |
| 34. | Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, akaita zvose zvakaitwa nababa vake Uziya. |
| 35. | Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. Ndiye wakavaka suo rokumusoro reimba yaJehovha. |
| 36. | Zvino mamwe mabasa aJotamu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? |
| 37. | Namazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weSiria naPeka mwanakomana waRemaria kuzorwa naJudha. |
| 38. | Jotamu akavata namadzibaba ake, akavigwa kuna madzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| ← 2Kings (15/25) → |