| ← 2Kings (14/25) → |
| 1. | Negore rechipiri raJoashi mwanakomana waJoahazi mambo waIsiraeri, Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, akatanga kubata ushe. |
| 2. | Akatanga kubata ushe ana makore makumi maviri namashanu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi maviri namapfumbamwe; zita ramai vake rakanga riri Jehoadhini weJerusaremu. |
| 3. | Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, asi haana kufanana nababa vake Dhavhidhi; akaita zvose zvakaita baba vake Joashi. |
| 4. | Asi matunhu akakwirira haana kubviswa, asi vanhu vakaramba vachibayira nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira. |
| 5. | Zvino ushe hwakati huchangosimbiswa naye, akauraya varanda vake vakanga vauraya mambo baba vake. |
| 6. | Asi haana kuuraya vana vavaurayi, sezvazvakanyorwa mubhuku yomurayiro waMozisi, sezvakaraira Jehovha, achiti, "Madzibaba ngaarege kuurawa nokuda kwavana, kana vana ngavarege kuurawa nokuda kwamadzibaba; asi munhu mumwe nomumwe ngaafire zvivi zvake." |
| 7. | Akauraya vane zviuru zvine gumi zvavaEdhomu pamupata womunyu, akakundawo Sera pakurwa, akaritumidza zita rinonzi Joketeeri, kusvikira zuva ranhasi. |
| 8. | Zvino Amazia akatuma nhume kuna Jehoashi mwanakomana waJehoahazi mwanakomana waJehu, mambo waIsiraeri, akati, "Uya tionane." |
| 9. | Jehoashi mambo waIsiraeri akatuma shoko kuna Amazia mambo waJudha, akati, "Rukato rwakanga ruri paRebhanoni rwakatuma shoko kumusidhari wakanga uri paRebhanoni, rukati, `Ipa mwanakomana wangu mukunda wako, ave mukadzi wake;' zvino imwe mhuka yakanga iri paRebhanoni ikapfuurapo, ikatsikatsika rukato. |
| 10. | Iwe wakunda vaEdhomu, zvino moyo wako wozvikudza; chizvikudza hako, ugare kumusha; nokuti unotsvakireiko njodzi, uwiremo, iwe naJudha pamwechete newe?" |
| 11. | Asi Amazia wakaramba kunzwa. Naizvozvo Jehoashi mambo waIsiraeri akaenda; iye naAmazia mambo waJudha vakaonana paBhetishemeshi raiva raJudha. |
| 12. | VaJudha vakakundwa navaIsiraeri, mumwe nomumwe akatizira kutende rake. |
| 13. | Jehoashi mambo waIsiraeri akasunga Amazia mambo waJudha, mwanakomana waJehoashi, mwanakomana waAhazia, paBhetishemeshi, akasvika Jerusaremu, akaputsa rusvingo rweJerusaremu, kubva pasuo raEfuremu kusvikira pasuo rapakona, makubhiti ana mazana mana. |
| 14. | Akatora ndarama yose nesirivha, nemidziyo yose yakawanikwa mumba maJehovha, napafuma yomumba mamambo, navanhu kuzova rubatso, akadzokera Samaria. |
| 15. | Zvino mamwe mabasa aJehoashi aakaita, nesimba rake, nokurwa kwake naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri? |
| 16. | Jehoashi akavata namadzibaba ake, akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri, Jerobhoamu akamutevera paushe. |
| 17. | Amazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha wakaramba ari mupenyu makore ane gumi namashanu, shure kwokufa kwaJehoashi mwanakomana waJehoahazi mambo welsiraeri. |
| 18. | Zvino mamwe mabasa aAmazia haana kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha? |
| 19. | Zvino vakarangana kumuuraya paJerusaremu, akatizira Rakishi; asi vakatuma vanhu Rakishi vachimutevera, vakamuurayirapo. |
| 20. | Vakauya naye pamabhiza, akavigwa kuna madzibaba ake muguta raDhavhidhi. |
| 21. | Zvino vanhu vose vaJudha vakatora Azaria, wakanga anamakore ane gumi namatanhatu, vakamuita mambo panzvimbo yababa vake Amazia. |
| 22. | Akavaka Erati, akaridzosera kuna Judha, mambo avata namadzibaba ake. |
| 23. | Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe. |
| 24. | Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. |
| 25. | Akakundazve nyika yaIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi. |
| 26. | Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusina mubetseri waIsiraeri. |
| 27. | Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita relsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi. |
| 28. | Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri? |
| 29. | Jerobhoamu akavata namadzibaba ake, madzimambo aIsiraeri; Zekariya mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| ← 2Kings (14/25) → |