2Kings (13/25)  

1. Zvino negore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia, mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akaubata makore ane gumi namanomwe.
2. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha, akatevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; haana kutsauka kwazviri.
3. Zvino Jehovha akatsamwira Isiraeri, akavaisa murowoko rwaHazaeri mambo weSiria, nomuruoko rwaBhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri mazuva ose.
4. Ipapo Jehoahazi akanyengetera kuna Jehovha, Jehovha akamunzwa; nokuti wakaona kutambudzwa kwaIsiraeri kwavakatambudzwa nako namambo weSiria.
5. Asi Jehovha wakapa Isiraeri muponesi, vakasununguka pamaoko avaSiria; vana vaIsiraeri vakagara mumatende avo sakare.
6. Kunyange zvakadaro havana kutsauka pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, asi vakaramba vachifamba mazviri; uye matanda okunamata nawo akaramba aripo paSamaria.
7. Nokuti haana kusiyira Jehoahazi vanhu, asi vatasvi vamabhiza vana makumi mashanu, nengoro dzine gumi, navanhu vaifamba namakumbo vane zviuru zvine gumi; nokuti mambo weSiria wakavaparadza, akavaita seguruva rinotsikwa pasi.
8. Mamwe mabasa aJehoahazi, nezvose zvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
9. Jehoahazi akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria; Joashi mwanakomana wake akamutevera paushe.
10. Negore ramakumi matatu namanomwe raJoashi mambo waJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi wakatanga kubata ushe hwaIsiraeri paSamaria, akahubata makore ane gumi namatanhatu.
11. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo; asi wakaramba achifamba mazviri.
12. Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmazia mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
13. Joashi akavata namadzibaba ake, Jerobhoamu akagara pachigaro chake choushe; Joashi akavigwa paSamaria kuna madzimambo aIsiraeri.
14. Zvino Erisha wakarwara nokurwara kwaakazofa nako, Joashi mambo welsiraeri akaenda kwaari, akachema pamusoro pake, akati, "Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsiraeri navatasvi vamabhiza ayo!"
15. Erisha akati kwaari, "Tora uta nemiseve;" akatora uta nemiseve.
16. Akati kuna mambo waIsiraeri, "Isa ruoko rwako pauta;" iye akaisa ruoko rwake pauta. Erisha akaisa maoko ake pamusoro pamaoko ake.
17. Akati, "Zarura hwindo rinotarira mabvazuva;" iye akarizarura. Zvino Erisha akati, "Fura!" Iye akafura. Akati, "Ndiwo museve waJehovha unokunda, ndiwo museve unokunda vaSiria; nokuti imi muchakunda vaSiria paAfeki, kusvikira mavaparadza."
18. Akati, "Tora miseve;" iye akatora. Akati kuna mambo waIsiraeri, "Rova pasi!" Iye akarova pasi katatu, akarega.
19. Ipapo munhu waMwari akamutsamwira, akati, "Waifanira kurova kashanu kana katanhatu, ipapo waikunda vaSiria kusvikira wavaparadza chose; asi zvino uchakunda vaSiria katatu bedzi."
20. Erisha akafa, vakamuviga. Zvino hondo dzavaMoabhu dzikapinda munyika pakutanga kwegore.
21. Zvino mumwe musi vakati vachiviga munhu, vakaona hondo yavaMoabhu, vakakandira munhu muhwiro hwaErisha, zvino munhu uyo wakati achigunzva mapfupa aErisha, akararamazve, akamira namakumbo ake.
22. Zvino Hazaeri mambo weSiria akatambudza vaIsiraeri mazuva ose aJehoahazi.
23. Asi Jehovha wakavanzwira tsitsi, akava nenyasha navo, akavawo nehanya navo, nokuda kwesungano yake naAbhurahamu, nalsaka, naJakobho, akasada kuvaparadza, kana kuvarashira kure naye panguva iyo.
24. Zvino Hazaeri mambo weSiria akafa, Bhenihadhadhi mwanakomana wake akamutevera paushe.
25. Ipapo Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve Bhenihadhadhi mwanakomana waHazaeri, maguta aakanga atorera baba vake Jehoahazi pakurwa. Joashi akamukunda katatu, akatorazve maguta aIsiraeri.

  2Kings (13/25)