2Kings (12/25)  

1. Zvino negore rechinomwe raJehu, Jehoashi wakatanga kubata ushe; akabata ushe paJerusaremu makore makumi mana; zita ramai vake rakanga riri Zibhia weBheerishebha.
2. Jehoashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha mazuva ake ose, aakadzidziswa nawo nomupirisiti Jehoyadha.
3. Kunyange zvakadaro matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira pamatunhu akakwirira.
4. Zvino Jehoashi akati kuvapirisiti, "Mari yose yezvinhu zvakatsaurwa, inoiswa mumba maJehovha, mari yavanhu vakaverengwa, nemari yavose sezvavakatarirwa mumwe nomumwe, nemari yose, inoiswa mumba maJehovha nomumwe nomumwe nomoyo wake,
5. vapirisiti ngavatore mari iyo, mumwe nomumwe kumuzikanwi wake, vagadzire zvakaputsika patemberi pose pose pavanowana pakaputsika."
6. Asi negore ramakumi maviri namatatu ramambo Jehoashi vapirisiti vakanga vachigere kugadzira zvakaputsika paimba.
7. Zvino mambo Jehoashi akadana mupirisiti Jehoyadha navamwe vapirisiti, akati kwavari, "Munoregereiko kugadzira zvakaputsika paimba? Naizvozvo zvino chiregai kutora mari kuvazikanwi venyu, asi muibudisire zvakaputsika patemberi."
8. Vapirisiti vakatenda kusatora mari kuvanhu, kunyange kugadzira zvakaputsika patemberi.
9. Asi mupirisiti Jehoyadha wakatora bhokisi, akabvovora buri pachifunhiro charo, akarigadzika kurutivi rwearitari, kurudyi rwomunhu, kana achipinda paimba yaJehovha.
10. Zvino vakati kana vaona kuti mari zhinji yavamo mubhokisi, munyori wamambo nomupirisiti mukuru ndokuuya, ndokuisa muhomwe, vachiverenga mari yakawanikwa mumba maJehovha.
11. Vakaisa mari yakayerwa mumaoko avaibata basa iro, vaitarira temberi yaJehovha; zvino vairipira nayo vavezi navavaki vaibata patemberi yaJehovha,
12. navaironga navaiveza mabwe, vakatenga matanda namabwe akavezwa okugadzirisa nawo zvakaputsika patemberi yaJehovha, nokuripira zvose zvaidikanwa kuzogadzirisa nazvo temberi.
13. Asi havana kuitira temberi yaJehovha mikombe yesirivha, nembato dzemwenje, nembiya, nehwamanda, nemidziyo yendarama, nemidziyo yesirivha, nemari yakaiswa temberi yaJehovha,
14. nokuti vakaiisa kuna vaibata basa, kuti vagadzirise temberi yaJehovha nayo.
15. Uye havana kuzobvunza vanhu avo, vavaipa mari mumaoko avo, kuzoripira vaibata basa; nokuti ivo vaibata vakatendeka.
16. Asi mari yezvipiriso zvemhosva, nemari yezvipiriso zvezvivi, hazvina kuiswa mumba maJehovha; yakapiwa vapirisiti.
17. Zvino Hazaeri mambo weSiria wakaenda kundorwa neGati, akarikunda, Hazaeri akaringira chiso chake kuenda Jerusaremu.
18. Asi Jehoashi mambo waJudha, wakatora zvinhu zvose zvakatsaurwa, zvakanga zvatsaurwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu, naAhazia, madzimambo aJudha, nezvinhu zvake zvose zvakatsaurwa, nendarama yose yakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, akazvituma kuna Hazaeri mambo weSiria; iye akabva Jerusaremu.
19. Mamwe mabasa aJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aJudha?
20. Zvino varanda vake vakasimuka, vakarangana, vakauraya Joashi paimba yaMiro, panzira inoburukira Sira.
21. Nokuti Jozakari mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamubaya, akafa; vakamuviga kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi; Amazia mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Kings (12/25)