2Kings (10/25)  

1. Zvino Ahabhi wakanga ana vanakomana vana makumi manomwe paSamaria. Jehu akanyora mwadhi, akadzitumira Samaria kuvabati veJezereeri, ivo vakuru, nokuvareri vavana vaAhabhi, akati,
2. "Zvino kana mwadhi iyi ichisvika kwamuri, vanakomana vatenzi wangu zvavariko kwamuri, nengoro namabhiza zviriko kwamuri, neguta rakakombwa norusvingo, nenhumbi dzokurwa nadzo;
3. chizvitsaurirai mwanakomana watenzi wenyu wakaisvonaka wakakwana kukunda vamwe, mumugadze pachigaro choushe chababa vake, murwire imba yatenzi wenyu."
4. Asi ivo vakanga vachitya kwazvo, vakati, "Madzimambo maviri akanga asingagoni kumukunda, zvino isu tichamukunda seiko?"
5. Zvino mutariri weimba nomutariri weguta, navakuru, navareri vavana vakatuma shoko kuna Jehu, vachiti, "Tiri varanda venyu, tichaita zvose zvamunotiraira; hatingagadzi mumwe mambo; itai henyu sezvamunoda."
6. Ipapo wakanyora mwadhi rwechipiri kwavari, akati, "Kana mukanzwana neni, kana mukateerera inzwi rangu, uyai kwandiri Jezereeri mangwana nenguva ino nemisoro yavarume, ivo vanakomana vatenzi wenyu." Zvino vanakomana vamambo, ivo vanhu vana makumi manomwe, vaiva kuvakuru veguta, vaivarera.
7. Zvino mwadhi iyo yakati ichisvika kwavari, vakabata vanakomana vamambo, vakavauraya, ivo vanhu vana makumi manomwe, vakaisa misoro yavo mumatengu, ndokuitumira kwaari Jezereeri.
8. Nhume ikasvika, ikamuudza, ikati, "Vauya nemisoro yavanakomana vamambo." Iye akati, "Itai mirwi miviri nayo, muiise pavanopinda napo pasuo, kusvikira mangwana."
9. Fume mangwana akabuda, akandomirapo, akati kuvanhu vose, "Imi hamune mhosva henyu; tarirai, ndini ndamukira tenzi wangu, ndikamuuraya; asi ndianiko auraya ava vose?
10. Zvino muzive kuti hakuna shoko rimwe raJehovha richawira pasi, rakataurwa naJehovha pamusoro peimba yaAhabhi; nokuti Jehovha wakaita zvaakataura nomuranda wake Eria."
11. Naizvozvo Jehu akauraya vose vakanga vasara veimba yaAhabhi paJezereeri, navanhu vake vakuru vose, neshamwari dzake, navapirisiti vake, kusvikira asina kumusiyira nomumwe.
12. Zvino akasimuka, akabva, akaenda Samaria. Wakati asvika paimba yavafudzi panzira, pavaiveura makwai,
13. Jehu akasangana navanun’una vaAhazi mambo waJudha, akati, "Ndimi aniko?" Ivo vakapindura, vakati, "Tiri vanun’una vaAhazia, toburuka kundokwazisa vana vamambo navana vavahosi."
14. Iye akati, "Vabatei vari vapenyu." Vakavabata vari vapenyu, vakavauraya padziva reimba pavaiveura makwai, varume vaiva vana makumi mana navaviri; haana kusiya mumwe wavo.
15. Zvino wakati abvapo, akasangana naJehonadhabhi mwanakomana waRekabhu, wanga achiuya kuzosangana naye; akamukwazisa, akati kwaari, "moyo wako wakarurama here, sokururama kwomoyo wangu kwauri?" Jehonadhabhi akapindura, akati, "Wakarurama hawo. Kana zvakadaro, ndibate ruoko rwangu." Iye akabata ruoko rwake, ndokumukwidza mungoro maakanga ari.
16. Akati, "Hendei, undoona kushingaira kwandinoshingairira Jehovha nako." Naizvozvo vakamufambisa mungoro yake.
17. Wakati asvika Samaria, akauraya vose vakanga vasara vaAhabhi muSamaria, kusvikira amuparadza, neshoko raJehovha rakanga rarehwa naEria.
18. Ipapo Jehu akaunganidza vanhu vose, akati kwavari, "Ahabhi wakashumira Bhaari zvishoma, asi Jehu uchamushumira kwazvo.
19. Naizvozvo zvino chidanai vaporofita vose vaBhaari, navose vanonamata kwaari, navapirisiti vake vose, vauye kwandiri; ngakurege kushaikwa kunyange nomumwe; nokuti ndinoda kubayira Bhaari chibayiro chikuru; Ani naani unoshaikwa haangararami." Asi Jehu wakaita izvozvo namano, achida kuuraya vanamati vaBhaari.
20. Zvino Jehu akati, "Tsaurirai Bhaari zuva romutambo mukuru." Vakaparidza izvozvo.
21. Zvino Jehu akatuma nhume pakati paIsiraeri pose, vose vanamati vaBhaari vakauya; hakuna munhu wakasara, akasauya. Vakapinda mumba maBhaari, imba yaBhaari ikazara, kusvika kumadziro nokumadziro.
22. Akati kumutariri wenguvo, "Vigira vanamati vaBhaari vose nguvo." Iye akavavigira nguvo.
23. Ipapo Jehu akapinda mumba maBhaari, anaJehonadhabhi mwanakomana waRekabhi, akati kuvanamati vaBhaari, "Tsvakai, mutarire kwazvo kuti pano pakati penyu parege kuva nomuranda mumwe waJehovha, asi vanamati vaBhaari bedzi."
24. vakapinda kundobayira zvibayiro nezvipiriso zvinopiswa. Zvino Jehu wakanga araira varume vana makumi masere panze, achiti, "Kana mumwe wavarume vandinoisa pamaoko enyu akapukunyuka, munhu unomurega akapukunyuka, uchamufira."
25. Zvino wakati apedza kubayira chipiriso chinopiswa Jehu akati kuvarindi nokuvakuru, "Pindai, muvauraye; musatendera mumwe kubuda." Ivo vakavauraya neminondo inopinza; varindi navakuru vakavarashira kunze, vakaenda kuguta reimba yaBhaari.
26. Ipapo vakabudisa mbiru dzaiva mumba maBhaari, vakadzipisa.
27. Vakaputsawo mbiru yaBhaari, vakaputsawo imba yaBhaari, vakaiita imba yembudzi kusvikira nhasi.
28. Naizvozvo Jehu wakaparadza Bhaari pakati paIsiraeri.
29. Asi Jehu haana kurega kutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo, zvemhuru dzendarama dzaiva paBhetieri, nedzaiva paDhani.
30. Zvino Jehovha akati kuna Jehu, "Zvawakaita zvakanaka ukaita zvakarurama pamberi pangu, ukaitira imba yaAhabhi zvose zvakanga zviri mumoyo mangu, zvino vana vako vorudzi rwechina vachagara pachigaro choushe hwaIsiraeri."
31. Asi Jehu haana kurangarira kufamba nomoyo wose nomurayiro waJehovha Mwari waIsiraeri; haana kurega zvivi zvaJerobhoamu zvaakatadzisa Isiraeri nazvo.
32. Pamazuva iwayo Jehovha wakatanga kutapudza Isiraeri; Hazaeri akavakunda panyika yose yaIsiraeri,
33. kubva kuna Jorodhani zvichienda mabvazuva, nenyika yose yaGiriyadhi, neyavaGadhi, neyavaRubheni, neyavaManase, kubva paAroeri pamupata weArinoni, ndiro Giriyadhi neBhashani.
34. Zvino mamwe mabasa aJehu, nezvose zvaakaita, nesimba rake rose, hazvina kunyorwa here mubhuku yaMakoronike amadzimambo aIsiraeri?
35. Jehu akavata namadzibaba ake, vakamuviga paSamaria, Jehoahazi mwanakomana wake akamutevera paushe.
36. Nguva yakabata Jehu ushe hwaIsiraeri paSamaria aiva makore ana makumi maviri namasere.

  2Kings (10/25)