2John (1/1) |
1. | Mukuru kunamai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nezvokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navose vo vanoziva zvokwadi; |
2. | nokuda kwezvokwadi, inogara matiri, ichagara vo nesu nokusingaperi. |
3. | Nyasha,nengoni,nerugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba nokunaShe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muzvokwadi norudo. |
4. | Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muzvokwadi, se zvatakarairwa naBaba. |
5. | Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane. |
6. | Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri. |
7. | Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu. |
8. | Zvichenjererei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana. |
9. | Mumwe nomumwe, unotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa ndiye unaBaba noMwanakomana. |
10. | Kana mumwe achivuya kwamuri, asingavuyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa! |
11. | Nokuti unoti kwaari kwaziwai unofambidzana naye pamabasa ake akaipa. |
12. | Kunyange ndinezvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora pamwadhi neingi; asi ndinotarira kuti ndichavuya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe. |
13. | Vana vomunun’una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai. |
2John (1/1) |