2John (1/1)    

1. Mukuru kunamai vakasanangurwa navana vavo vandinoda nezvokwadi; ndisati ndiri ini ndoga, asi navose vo vanoziva zvokwadi;
2. nokuda kwezvokwadi, inogara matiri, ichagara vo nesu nokusingaperi.
3. Nyasha,nengoni,nerugare zvichava nesu, zvinobva kuna Mwari Baba nokunaShe Jesu Kristu, Mwanakomana waBaba, muzvokwadi norudo.
4. Ndinofara zvikuru, nokuti ndakawana vamwe vana venyu vachifamba muzvokwadi, se zvatakarairwa naBaba.
5. Zvino ndinokumbira kwamuri, mai, ndisingaiti sendinokunyorerai murairo mutsva, asi uyo watakanga tinawo kubva pakutanga, wokuti tidane.
6. Ndirwo rudo, kuti tifambe nemirairo yake. Ndiwoyu murairo, sezvamakanzwa kubva pakutanga, kuti mufambe mauri.
7. Nokuti vanyengeri vazhinji vakabudira munyika, vasingapupuri kuti Jesu Kristu wakavuya panyama. Ndiye munyengeri naantikristu.
8. Zvichenjererei imi, kuti murege kurashikirwa nezvatakabatira, asi kuti mupiwe mubairo wakakwana.
9. Mumwe nomumwe, unotungamirira vamwe, asingarambiri mukudzidzisa kwaKristu, haanaMwari; asi uyo, unorambira mukudzidzisa ndiye unaBaba noMwanakomana.
10. Kana mumwe achivuya kwamuri, asingavuyi nokudzidzisa uku, musamugamuchira mumba, kana kuti kwaari, Kwaziwa!
11. Nokuti unoti kwaari kwaziwai unofambidzana naye pamabasa ake akaipa.
12. Kunyange ndinezvizhinji zvandaida kukunyorerai, handidi kunyora pamwadhi neingi; asi ndinotarira kuti ndichavuya kwamuri, tigotaurirana nomuromo, kuti mufaro wenyu uzadziswe.
13. Vana vomunun’una wenyu vakasanangurwa vanokukwazisai.

      2John (1/1)