2Corinthians (8/13)  

1. Zvino tinokuzivisai, hama dzangu, nyasha dzaMwari dzakapiwa pakereke dzeMakedhonia;
2. kuti pakati pokuidzwa kukuru kwokutambudzika, mufaro wavo mukuru, pamwe chete novurombo bwavo bwukuru, zvakawanza zvikuru kusanyima kwavo.
3. Nokuti ndinopupura, kuti vakapa nokuda kwavo pavakagona napo, kunyange kupfuvura pavakagona napo;
4. vakakumbira nokunyengetera kukuru kwatiri kuti tivatendere kuita basa iri renyasha nokusongana pakushumira vatsvene;
5. havana kuita sezvatakafunga bedzi, asi ivo vakatanga kuzvipa kunaShe, nokwatiri, nokuda kwaMwari.
6. Naizvozvo takakumbira zvikuru kunaTito, kuti sezvaakanga atanga, apedzise basa iri renyasha pakati penyu vo.
7. Zvino se zvamakapfuvurira mberi pazvinhu zvose, pakutenda, napakutaura, napakuziva, napakushingaira kwose, naparudo rwenyu kwatiri, tarirai kuti mupfuvurire mberi pabasa iri renyasha vo.
8. Handirevi ndichiraira, asi kuti ndiidze ndizive nokushingaira kwavamwe kana rudo rwenyu ndorwa zvokwadi vo.
9. Nokuti munoziva nyasha dzaShe wedu, Jesu Kristu, kuti kunyange akanga akafuma, wakava murombo nokuda kwenyu, kuti imi novurombo bwake muve vafumi.
10. Pachinhu ichi ndinokuvudzai kufunga kwangu; nokuti zvichakubatsirai, nokuti ndimi makatangira vamwe makei, musingaiti bedzi, asi muchida vo.
11. Asi zvino pedzisai kuita vo; sezvamakanga munomoyo unoda, saizvozvo pedzisai vo pamunogona napo.
12. Nokuti kana moyo wokupa uripo, chipo chinofadza zvichiinda nokuwana kwomunhu, zvisingaindi nokushaiwa kwomunhu.
13. Nokuti handirevi kudaro ndichiti vamwe varerukirwe, imi muremerwe; asi kuti muenzane;
14. kuti panguva ino kuwana kwenyu kubatsire kushaiwa kwavo, kuti kuwana kwavo kubatsire kushaiwa kwenyu vo; kuti kuve nokuenzana;
15. sezvazvakanyorwa, zvichinzi: Wakavunganidza zvizhinji, haana kusarirwa nechinhu; naiye wakavunganidza zvishoma, haana kushaiwa.
16. Zvino Mwari ngaavongwe, wakaisa mumoyo maTito kushingaira kwakadaro kwamuri.
17. Nokuti wakanzwa hake kuraira kwedu, asi zvaakanga achishingaira zvikuru, wakaenda kwamuri, nokuda kwake hake.
18. Zvino takatuma pamwe chete naye hama iya, inorumbidzwa paEvhangeri pakereke dzose;
19. zvisati zviri izvozvo bedzi, asi iye wakasanangurwa vo nekereke kuti atiperekedze pabasa iri renyasha, rinoitwa nesu, kuti iye Mwari akudzwe; vuye kuda kwomoyo wedu kuratidzwe;
20. tichizvichenjerera, kuti kurege kuva nomunhu ungatipa mhosva pamusoro pezvakawanda izvi, zvatinobata nazvo.
21. Nokuti hatitsvaki zvinhu zvakanaka pamberi paShe bedzi, asi pamberi pavanhu vo.
22. Takatuma vo navo hama yedu, yatakaidza kazhinji tikavona kuti unoshingaira pazvinhu zvizhinji; asi zvino unonyanya kushingaira nokuda kwokutenda kukuru kwaanako kwamuri.
23. Kana ari Tito, ndiye shamwari yangu, nomubatsiri wangu kwamuri, kana dziri hama dzedu, ndivo vaapostora vekereke vuye kukudzwa kwaKristu.
24. Naizvozvo muvaratidze napamberi pekereke chiratidzo chorudo rwenyu nechokurumbidza kwedu pamusoro penyu.

  2Corinthians (8/13)