2Corinthians (6/13)  

1. Zvino zvatinobatsirana naye, tinokumbira zvikuru kuti murege kugamuchira nyasha dzaMwari pasina.
2. (Nokuti iye unoti: Ndakakunzwa iwe nenguva yakafanira, Ndakakubatsira pazuva rokuponeswa; Tarirai, zvino inguva yakafanira; tarirai, zvino ndiro zuva rokuponeswa.)
3. Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa;
4. asi pazvinhu zvose tinozviratidza savashumiri vaMwari, pakutsungirira kukuru, panhamo, pakushaiwa, pamadambudziko,
5. pakurobwa, pakusungwa, pakunyonganiswa, pamabasa, pakusavata, pakuzvinyima zvokudya;
6. pakuchena kwomoyo pakuziva, pamoyo murefu, pavunyoro, paMweya Mutsvene, parudo rusinganyengeri;
7. pashoko razvokwadi, pasimba raMwari, nenhumbi dzokurwa dzokururama, kurudyi nokuruboswe,
8. nokukudzwa, nokusakudzwa, neguhu rakaipa, neguhu rakanaka; savanyengeri, asi tiri vezvokwadi hedu;
9. savasingazikanwi, asi tichizikanwa hedu zvikuru; savanofa, asi, tarirai, tiri, vapenyu hedu; savanorobwa, asi tisingavurawi hedu;
10. savanochema, asi tichigara tichifara hedu; savarombo, asi tichifumisa vazhinji hedu; savasine chinhu, asi tinazvo zvose hedu.
11. Imi, vaKorinte, muromo wedu wakashama kwamuri, moyo wedu wakuriswa.
12. Hamumanikidzwi kwatiri, asi munomanikidzwa mumoyo menyu.
13. Zvino, mundidzosere saizvozvo (ndinotaura sokunavana vangu), imi vo mukuriswe moyo.
14. Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava novukama bweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima?
15. Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi?
16. Tembere yaMwari ingatenderana seiko nezvifananidzo? Nokuti isu tiri tembere yaMwari mupenyu; Mwari sezvaakareva; achiti: Ndichagara mukati mavo, nokufamba mukati mavo; ndichava Mwari wavo, ivo vachava vanhu vangu.
17. Saka Budai pakati pavo, muzviravure, ndizvo zvinotaura Ishe, Musabata chinhu chine tsvina; Ini ndichakugamuchirai,
18. Ndichava Baba venyu, Nemi muchava vanakomana navanasikana vangu. Ndizvo zvinotaura Ishe unesimba rose.

  2Corinthians (6/13)