| ← 2Corinthians (3/13) → |
| 1. | Tinotanga zve kuzvirumbidza kwamuri here? Tinotsvaka here savamwe mwadhi dzinoenda kwamuri, kana dzinobva kwamuri, dzingatirumbidza? |
| 2. | Imi muri mwadhi yedu yakanyorwa mumoyo medu, inozikanwa nokuverengwa navanhu vose; |
| 3. | makavonekwa kuti muri mwadhi yaKristu, yakagadzirwa nesu, isina kunyorwa neinki, asi noMweya waMwari mupenyu; isina kunyorwa pamahwendefa amabwe, asi pamahwandefa enyama omoyo. |
| 4. | Kutenda kwakadai tinako naKristu, kunaMwari; |
| 5. | hatiti takakwana isu timene, kuti titeme chinhu timene; asi kukwana kwedu kunobva kunaMwari; |
| 6. | iye wakati kwanisa kuti tive vashumiri vesungano itsva, isati iri yezvakanyorwa asi yoMweya; nokuti zvakanyorwa zvinovuraya, asi Mweya unopa vupenyu. |
| 7. | Zvino kana kushumira, kwakavuyisa rufu, kwanga kwakatemwa namaretere pamabwe, kwakavuya nokubwinya, kwakanga kwakadaro kuti vana vaIsraeri vakakoniwa kutarisisa chiso chaMosesi nokuda kwokubwinya kwechiso chake kwakanga kuchipfuvura hako |
| 8. | ko kushumira kwoMweya hakungavi nokubwinya kukuru here? |
| 9. | Nokuti kana kushumira,kokutongeswa kwakavuyisa kubwinya zvikuru sei kushumira kokururama kuchakunda pakubwinya. |
| 10. | Nokuti naicho chakabwinyiswa, hachina kubwinyiswa, kana pachinhu ichi tichichifananidza nokubwinya kuno kunda. |
| 11. | Nokuti kana icho chinopfuvura chaiva nokubwinya, zvikuru sei icho chinogara ndicho chiri pakubwinya. |
| 12. | Naizvozvo, zvatinetariro yakadai, tinotaura tisingatyi napaduku, |
| 13. | tisingaiti saMosesi, waiisa chifukidziro pachiso chake, kuti vana vaIsraeri varege kutarisisa kuguma kwezvinopfuvura. |
| 14. | Asi ndangariro dzavo dzakapofumadzwa nokuti kusvikira nhasi chidzitiro ichi chichiripo pakuverengwa kwe tesitamende yekare changa chichifanira kubviswa muna Kristu. |
| 15. | Asi kusvikira nhasi, kana Mosesi achirahwa, chifukidziro chiripo pamoyo yavo. |
| 16. | Zvino kana munhu achitendevukira kunaShe, chifukidziro chinobviswa. |
| 17. | Ishe ndiMweya; zvino panoMweya waShe, pane sununguko. |
| 18. | Zvino isu tose tinoti tichitarira nechiso chisina kufukidzirwa kubwinya kwaShe sapachivoni-voni, tinoshandurwa tichifanana nomufananidzo iwoyo, tichibva pakubwinya kumwe tichienda kuno kumwe kubwinya, sezvinobva kuMweya waShe |
| ← 2Corinthians (3/13) → |