2Corinthians (2/13)  

1. Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema.
2. Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni?
3. Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose.
4. Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo.
5. Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose.
6. Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai.
7. Naizvozvo zvirinani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru.
8. Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari.
9. Nokuti ndakanyora vo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose.
10. Zvino iye wamunokanganwira, neni ndinomukanganwira vo; nokuti izvo zvandakanganwira ini, kana ndinenge ndakakanganwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu;
11. kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake.
12. Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza Evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu,
13. ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia.
14. Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kwose-kwose bwema bwokuziva kwake.
15. Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara.
16. Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai?
17. Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nezvokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari.

  2Corinthians (2/13)