← 2Corinthians (2/13) → |
1. | Asi ndakati mumoyo mangu, kuti handidi kuvuya zve kwamuri nokuchema. |
2. | Nokuti kana ndichikuchemedzai, ndianiko uchandifadza, kana asiri iye wakachemedzwa neni? |
3. | Zvino ndakanyora chinhu ichi kuti kana ndasvika, ndirege kuchemedzwa naivo vaifanira kundifadza; ndichikutendai mose, kuti kufara kwangu ndokwenyu mose. |
4. | Nokuti ndakunyorerai nemisodzi mizhinji pakutambudzika kukuru nenhamo yomoyo; ndisingati muchemedzwe, asi kuti muzive rudo rukuru rwandinokudai narwo. |
5. | Zvino kana mumwe akachemedza hake, haana kundichemedza ini, asi ndingati zvimwe ndirege kunyanyisaimi mose. |
6. | Kurova uku kwavanhu vazhinji kunoringana munhu wakadai. |
7. | Naizvozvo zvirinani kuti mumukanganwire nokumunyaradza, kuti arege kuvodzwa moyo kwazvo neshungu huru. |
8. | Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti musimbise rudo rwenyu kwaari. |
9. | Nokuti ndakanyora vo izvi, kuti ndikuidzei, ndizive kana muchiteerera pazvinhu zvose. |
10. | Zvino iye wamunokanganwira, neni ndinomukanganwira vo; nokuti izvo zvandakanganwira ini, kana ndinenge ndakakanganwira chinhu, ndakazviita nokuda kwenyu pamberi paKristu; |
11. | kuti tirege kunyengerwa naSatani; nokuti hatizi vasingazivi mano ake. |
12. | Zvino, ndakati ndichisvika paTroasi kuparidza Evhangeri yaKristu, ndichizarurirwa mukova munaKristu, |
13. | ndakanga ndisinezororo pamweya wangu, nokuti handina kuwanapo Tito, hama yangu; asi ndakawonekana navo, ndikaenda Makedhonia. |
14. | Asi Mwari ngaavongwe, unotikundisa nguva dzose munaKristu, unoratidza nesu kwose-kwose bwema bwokuziva kwake. |
15. | Nokuti isu tiri bwema bwakanaka bwaKristu kunaMwari, pakati paivo vanoponeswa navanoparara. |
16. | Kunavamwe tiri bwema bworufu bwunoisa kurufu; kuna vamwe bwema bwovupenyu bwunoisa kuvupenyu. Zvino ndianiko ungakwanisa zvinhu zvakadai? |
17. | Nokuti hatifanani navamwe vazhinji vanokanganisa shoko raMwari; asi tinotaura munaKristu nezvokwadi, sezvinobva kunaMwari, pamberi paMwari. |
← 2Corinthians (2/13) → |