| ← 2Corinthians (13/13) |
| 1. | Iyi inguva yechitatu, yandinovuya kwamuri. Mumiromo yezvapupu zviviri kana zvitatu mashoko ose achasimbiswa. |
| 2. | Ndakambokuvudzai, zvino ndokuvudzai sendakanga ndiripo, kechipiri sendakanga ndiripo, zvino ndisipo, ndinovanyorera avo vakatadza navamwe vose kuti kana ndavuya ikozvino handingavaregererizve. |
| 3. | Zvamunotsvaka chiratidzo chaKristu, unotaura mandiri, iye usingashaiwi simba kwamuri, asi unesimba mamuri. |
| 4. | Nokuti wakaroverwa pamuchinjikwa nokushaiwa simba, asi unoraramanesimba raMwari nesuvo hatina simba maari asi tichararama pamwe chete naye nesimba raMwari kwamuri. |
| 5. | Zviidzei imi mumene, muvone kana muri pakutenda; muzvinzverei imi mumene, Hamuzivi here imi mumene kuti Jesu Kristu uri mukati menyu? Kana zvimwe mava vakarashwa henyu. |
| 6. | Asi ndinoti muchaziva henyu kuti isu hatina kuva vakarashwa. |
| 7. | Zvino tinonyengetera Mwari kuti murege kuita chinhu chimwe chakaipa; handidaro kuti isu tiwanikwe kuti takatendeka, asi kuti imi muite zvakarurama, kunyange isu takaita savakarashwa. |
| 8. | Nokuti hatigoni kuita chinhu chinopesana nezvokwadi, asi chinobatsira zvokwadi. |
| 9. | Nokuti tinofara kana isu tichishaiwa simba, imi muchiva nesimba; ndizvo zvatinokumbira vo, kuti mukwaniswe. |
| 10. | Saka ndinonyora izvi ndisipo, kuti kana ndavapo, ndirege kuita nehasha, sezvandakapiwa naShe simba rokusimbisa, risati riri rokuputsa. |
| 11. | Pakupedzisira, hama dzangu, farai, mukwaniswe, munyaradzwe, ivai nomoyo mumwe, garai norugare; Mwari worudo norugare uchava nemi. |
| 12. | Kwazisanai nokusveta kutsvene. |
| 13. | Vatsvene vose vanokukwazisai. |
| 14. | Nyasha dzaShe Jesu Kristu, norudo rwaMwari, nokuyanana kwoMweya Mutsvene, ngazvive nemi mose. Ameni. |
| ← 2Corinthians (13/13) |