2Corinthians (11/13)  

1. Dai muchindiitira moyo murefu zvishoma pavupenzi bwangu; asi munondiitira henyu moyo murefu.
2. Nokuti ndinegodo pamusoro penyu negodo raMwari; nokuti ndakakuwanisai nomurume mumwe, kuti ndikuisei kunaKristu semhandara yakachena.
3. Asi ndinotya kuti, senyoka yakanyengera Eva namano ayo zvimwe saizvozvo ndangariro dzenyu dzingasvibiswa, dzitsauke pakururama nokuchena kwomoyo kuri kunaKristu.
4. Nokuti kana mumwe achivuya unoparidza mumwe Jesu, watisina kumboparidza isu, kana zvimwe muchigamuchira mumwe mweya, wamusina kumbogamuchira kana imwe Evhangeri, yamusinakumbogamuchira, kana imwe Evhangeri, yamusina kumbotenda, zvino momuitira moyo murefu kwazvo.
5. Nokuti ndinoti handizi muduku napaduku-duku kuvaapostora vanopfuvura vamwe vose.
6. Zvino kunyange ndisinganatsi pakutaura, handina kudaro pakuziva; asi pazvinhu zvose takaratidzwa izvozvo kwamuri pamberi pavose.
7. Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuti imi mukudzwe, zvandakakuparidzirai Evhangeri yaMwari ndisingapiwi mubairo?
8. Dzimwe kereke ndakadzitorera, ndichireva mubairo, kuti ndikushumirei imi.
9. Vuye, panguva yandakanga ndiri kwamuri, ndichishaiwa, handina kuremedza munhu; nokuti zvandakashaiwa ndakapiwa nehama dzaibva Makedhonia; pazvinhu zvose ndakachenjera kuti ndirege kukuremedzai, vuye ndicharamba ndichichenjera.
10. sezvo zvokwadi yaKristu iri mandiri, hakuna munhu ungandikonesa kuzvirumbidza kunyika dzeAkaya.
11. Nemhaka yeiko? Nokuti handikudiyi here? Mwari unoziva.
12. Asi chinhu ichi chandinoita, ndinochiita, kuti ndishaise nzira ivo vanotsvaka nzira; kuti vawanikwe vakaita sesu pazvinhu izvozvo zvavanozvirumbidza nazvo.
13. Nokuti vakadaro vaapostora venhema, vanobata nokunyengera, vano zvishandura vachizviita vaapostora vaKristu.
14. Naizvozvo hazvishamisi; nokuti kunyange naSatani vo unozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.
15. Naizvozvo hachizi chinhu chikuru, kana vashumiri vake vachizvishandura vo, vachizviita savashumiri vokururama; kuguma kwavo kuchava sezvavakabata.
16. Ndinopamhidza, ndichiti: Ngakurege kuva nomunhu unoti ndiri benzi; asi kana muchidaro henyu, ndigamuchirei sebenzi, kuti ndizvirumbidze hangu zvishoma vo.
17. Zvandinotaura, handizvitauri sezvinobva kunaShe, asi sapavupenzi bwangu, pakuzvitenda uku kwatino zvirumbidza nako.
18. Vazhinji zvava nozvirumbidza panyama, neni vo ndichazvirumbidza.
19. Nokuti munoitira mapenzi moyo murefu nomufaro, imi muri vakachenjera;
20. nokuti munoita nomoyo murefu kana munhu achikuitai varanda, kana achikuparadzai,, kana achikutapai, kana achizvikudza, kana achikurovai kumeso.
21. Ndinoreva ndichizvishovora, ndichiti takanga tisinesimba kudaro. Zvino kana kunomunhu unotsunga, (ndinotaura sebenzi), neni ndinotsunga vo.
22. Ivo vaHebheru here? Neni vo. Ivo vaIsraeri here? Neni vo. Ivo vana vaAbhurahamu here? neni vo.
23. Ivo vashumiri vaKristu here? (Ndinotaura somunhu unopenga), zvikuru ini; pamabasa ndinovapfuvura, pakusungwa patorongo ndinovapfuvura, pakurobwa zvikuru-kuru, parufu kazhinji.
24. Ndakarobwa navaJudha kashanu, shamhu dzinamakumi matatu nepfumbamwe.
25. Katatu ndakarobwa netsvimbo, kamwe ndakatakwa namabwe, katatu ndakaputsikirwa nechikepe vusiku bwumwe namasikati ndakanga ndiri mugungwa;
26. panzendo kazhinji, panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzovorudzi rwangu, panjodzi dzavahedheni, panjodzi muguta, panjodzi murenje, panjodzi mugungwa, panjodzi pakati pehama dzenhema;
27. pakubata napakutambura, pakuvata kazhinji takarindira, panzara nenyota, pakuzvinyima zvokudya kazhinji, pachando napakushaiwa zvokufuka.
28. kunze kwaizvozvi, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
29. Ndianiko usine simba, neni ndikasava nesimba? Ndianiko unogumburwa, neni ndikasatsva?
30. Kana ndikafanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza nezvinhu zvovutera bwangu.
31. Mwari, Baba vaShe wedu Jesu Kristu, unokudzwa nokusingaperi, unoziva kuti handirevi nhema.
32. PaDhamasko mubati pasi pamambo Areta wakarinda guta raveDhamasko, achitsvaka kundibata;
33. ndikaburuswa ndiri mudengu napawindi parusvingo, ndikatiza pamavoko ake.

  2Corinthians (11/13)