| ← 2Chronicles (9/36) → |
| 1. | Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make. |
| 2. | Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa Soromoni, chaakanga asingagoni kumuudza. |
| 3. | Zvino mambokadzi weShebha akati aona kungwara kwaSoromoni, neimba yaakavaka, |
| 4. | nezvokudya zviri patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nenguvo dzavo, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya. |
| 5. | Akati kuna mambo, "Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi. |
| 6. | "Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa. |
| 7. | Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu. |
| 8. | Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa." |
| 9. | Akapa mambo matarenta ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; hakuna kumbovapo zvinonhuwira zvakawanda zvikadai, zvakafanana nezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha. |
| 10. | Navarandawo vaHurami, navaranda vaSoromoni, ivo vaiuya nendarama vachibva Ofiri, vakauyawo nemiti yemiarigumi nezvibwe zvinokosha. |
| 11. | Mambo akaita namatanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha, nezveimba yamambo, nembira nemitengerangwa zvavaimbi; zvakadai hazvina kumboonekwa panyika yaJudha. |
| 12. | Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake. |
| 13. | Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenta ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo; |
| 14. | vasingaverengi iyo yakauya navashambadziri navatengesi; namadzimambo ose eArabhia navabati venyika vakauya nendarama nesirivha kuna Soromoni. |
| 15. | Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama; |
| 16. | akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni. |
| 17. | Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka. |
| 18. | Chigaro icho choushe chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu, nechitsiko chendarama, zvakanga zvakabatanidzwa nechigaro choushe, nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, neshumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzezvitsigiro. |
| 19. | Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe. |
| 20. | Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni. |
| 21. | Nokuti mambo akanga ane zvikepe zvaienda Tarishishi navaranda vaHurami; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwechete pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha nenyanga dzenzou, netsoko namatendera. |
| 22. | Naizvozvo mambo Soromoni akakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera. |
| 23. | Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumoyo make. |
| 24. | Mumwe nomumwe aiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe. |
| 25. | Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zvine zviuru zvina, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu. |
| 26. | Akabata ushe hwamadzimambo ose, kubva paRwizi kusvikira panyika yavaFirisitia, nokumuganhu weIjipiti. |
| 27. | Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani. |
| 28. | Vakandotorera Soromoni mabhiza paIjipiti, nokunyika dzose. |
| 29. | Zvino mamwe mabasa aSoromoni, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here pabhuku yomuporofita Natani, napamashoko akaporofitwa naAhiya muShironi, napane zvakaonekwa nomuoni Idho pamusoro paJerobhoami mwanakomana waNebhati? |
| 30. | Soromoni akabata ushe hwavaIsiraeri vose paJerusaremu makore ana makumi mana. |
| 31. | Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe. |
| ← 2Chronicles (9/36) → |