2Chronicles (9/36)  

1. Zvino mambokadzi weShebha akati anzwa mbiri yaSoromoni, akasvika Jerusaremu kuzoidza Soromoni nemibvunzo mikukutu, ana vanhu vazhinji, makamera aitakura zvinonhuwira, nendarama zhinji-zhinji, nezvibwe zvinokosha; zvino akati asvika kuna Soromoni, akataurirana naye pamusoro pezvose zviri mumoyo make.
2. Soromoni, akapindura mibvunzo yake yose; hakuna chinhu chakanga chakavanzirwa Soromoni, chaakanga asingagoni kumuudza.
3. Zvino mambokadzi weShebha akati aona kungwara kwaSoromoni, neimba yaakavaka,
4. nezvokudya zviri patafura yake, nokugara kwavaranda vake, nokushumira kwavabatiri vake, nenguvo dzavo, navadiri vake, nenguvo dzavo, nechikwiriso chake chaaikwira nacho kuimba yaJehovha, akapera mweya.
5. Akati kuna mambo, "Guhu randakanzwa munyika yangu ramashoko enyu nokungwara kwenyu rakanga riri razvokwadi.
6. "Asi handina kutenda mashoko avo, kusvikira ndauya, ndikaona nameso angu; asi tarirai handina kuudzwa kunyange hafu youkuru hwokungwara kwenyu; imi munokunda mbiri yandakanzwa.
7. Varume venyu vano mufaro, navaranda venyu vano mufaro, vanomira pamberi penyu nguva dzose vachinzwa kungwara kwenyu.
8. Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, akafadzwa nemwi, akakugadzai pachigaro chake choushe, muve mambo waJehovha Mwari wenyu; nokuti Mwari wenyu akada Isiraeri, kuti avasimbise nokusingaperi, saka akakuitai mambo wavo, kuti mutonge nokururamisa."
9. Akapa mambo matarenta ane zana namakumi maviri endarama, nezvinonhuwira zvizhinji kwazvo, nezvibwe zvinokosha; hakuna kumbovapo zvinonhuwira zvakawanda zvikadai, zvakafanana nezvakapiwa mambo Soromoni namambokadzi weShebha.
10. Navarandawo vaHurami, navaranda vaSoromoni, ivo vaiuya nendarama vachibva Ofiri, vakauyawo nemiti yemiarigumi nezvibwe zvinokosha.
11. Mambo akaita namatanda emiarigumi zvikwiriso zveimba yaJehovha, nezveimba yamambo, nembira nemitengerangwa zvavaimbi; zvakadai hazvina kumboonekwa panyika yaJudha.
12. Mambo Soromoni akapa mambokadzi weShebha zvose zvaaida nezvaakakumbira; zvimwe zvaakauya nazvo kuna mambo zvisingaverengwi. Naizvozvo akadzoka, akaenda kunyika yake, iye navaranda vake.
13. Zvino ndarama yakauyiswa kuna Soromoni gore rimwe nerimwe yakasvika matarenta ana mazana matanhatu namakumi matanhatu namatanhatu pakurema kwayo;
14. vasingaverengi iyo yakauya navashambadziri navatengesi; namadzimambo ose eArabhia navabati venyika vakauya nendarama nesirivha kuna Soromoni.
15. Mambo Soromoni akaita nhovo huru dzina mazana maviri nendarama yakapambadzirwa; nhovo imwe neimwe yakanga yakaitwa namashekeri ana mazana matatu endarama;
16. akaitawo nhovo duku dzina mazana matatu dzendarama yakapambadzirwa; ndarama yakasvika mashekeri ana mazana matatu yakaiswa panhovo imwe neimwe; mambo akazviisa muimba yedondo reRebhanoni.
17. Mambo akaitawo chigaro chikuru choushe chenyanga dzenzou, akachifukidza nendarama yakaisvonaka.
18. Chigaro icho choushe chakanga chine zvikwiriso zvitanhatu, nechitsiko chendarama, zvakanga zvakabatanidzwa nechigaro choushe, nezvitsigiro kunhivi mbiri dzechigaro, neshumba mbiri dzakanga dzimire kunhivi dzezvitsigiro.
19. Kwakanga kune shumba gumi nembiri dzimire pazvikwiriso zvitanhatu, mbiri-mbiri kunhivi dzechimwe nechimwe; hakuna kumboitwa chakadai kuno umwe ushe.
20. Mikombe yose yokunwa nayo yamambo Soromoni yaiva yendarama, nemidziyo yose yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yendarama yakaisvonaka; sirivha yakanga ichinzi haino murimo pamazuva aSoromoni.
21. Nokuti mambo akanga ane zvikepe zvaienda Tarishishi navaranda vaHurami; zvikepe zveTarishishi zvaiuya kamwechete pamakore matatu zvine ndarama, nesirivha nenyanga dzenzou, netsoko namatendera.
22. Naizvozvo mambo Soromoni akakunda madzimambo ose enyika pakufuma nokuchenjera.
23. Madzimambo ose enyika aiuya kushanyira Soromoni, kuzonzwa kungwara kwake, kwakanga kwaiswa naMwari mumoyo make.
24. Mumwe nomumwe aiuya nechipo chake chemidziyo yesirivha, nemidziyo yendarama, nehanzu, nenhumbi dzokurwa nadzo, nezvinonhuwira, namabhiza, namahesera, gore rimwe nerimwe.
25. Soromoni akanga ane zvidyiro zvamabhiza nengoro, zvine zviuru zvina, navatasvi vamabhiza vane zviuru zvine gumi nezviviri, zvaakaisa pamaguta engoro, nokuna mambo paJerusaremu.
26. Akabata ushe hwamadzimambo ose, kubva paRwizi kusvikira panyika yavaFirisitia, nokumuganhu weIjipiti.
27. Mambo akaunganidza sirivha paJerusaremu ikawanda ikaita samabwe, nemisidhari ikaita semionde yaiva pamapani.
28. Vakandotorera Soromoni mabhiza paIjipiti, nokunyika dzose.
29. Zvino mamwe mabasa aSoromoni, okutanga nookupedzisira, haana kunyorwa here pabhuku yomuporofita Natani, napamashoko akaporofitwa naAhiya muShironi, napane zvakaonekwa nomuoni Idho pamusoro paJerobhoami mwanakomana waNebhati?
30. Soromoni akabata ushe hwavaIsiraeri vose paJerusaremu makore ana makumi mana.
31. Ipapo Soromoni akavata namadzibaba ake, akavigwa muguta raDhavhidhi baba vake, Rehobhoamu mwanakomana wake akamutevera paushe.

  2Chronicles (9/36)