2Chronicles (8/36)  

1. Makore makumi maviri akati apera, Soromoni aakavaka nawo imba yaJehovha neimba yake,
2. Soromoni akavaka maguta akanga apiwa Soromoni naHurami, akagarisa vana vaIsiraeri imomo.
3. Soromoni akaenda Hamatizobha, akarikunda.
4. Akavaka Tadhimori murenje, namaguta ose amatura aakavaka paHamati.
5. Akavakawo Bhetihoroni rokumusoro neBhetihoroni rezasi, ari maguta akakombwa namasvingo, anamasuo, namazariro;
6. neBhaarati, namaguta ose engoro dzake, namaguta avatasvi vamabhiza ake, nezvose Soromoni zvaakanga achida kuzvivakira paJerusaremu, napaRebhanoni, napanyika yose yakabatwa naye.
7. Kana vari vanhu vose vakanga vasara pavaHeti, navaAmori, navaPerizi, navaHivhi, navaJebhusi, vakanga vasi vavaIsiraeri;
8. pavana vavo vakanga vasara panyika shure kwavo, vasati vakaparadzwa navalsiraeri, pakati pavo Soromoni akaraira chibharo chavaranda kusvikira nhasi.
9. Asi Soromoni haana kuita varanda pakati pavana vaIsiraeri, asi ivo vakanga vari varwi, navakuru vavatungamiriri vake vehondo, navarairi vengoro dzake, navatasvi vamabhiza ake.
10. Ndivo vaiva vatariri vakuru vamambo Soromoni, vaiva namazana maviri namakumi mashanu, vairaira vanhu.
11. Zvino Soromoni akandotora mukunda waFarao muguta raDhavhidhi, akamuisa kuimba yaakanga amuvakira; nokuti akati, "Mukadzi wangu haafaniri kugara muimba yaDhavhidhi mambo waIsiraeri, nokuti panzvimbo pasvika areka yaJehovha patsvene."
12. Zvino Soromoni akabayira Jehovha zvipiriso zvinopiswa paaritari yaJehovha, yaakanga avaka pamberi pebiravira,
13. sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe, vakabayira sezvavakanga varairwa naMozisi, pamaSabata, napakugara kwomwedzi, napamitambo yakatarwa, katatu pagore, pamutambo wezvingwa zvisine mvuviro, napamutambo wamavhiki, napamutambo wamatumba.
14. Akagadza, sezvaakarairwa naDhavhidhi baba vake, mapoka avapirisiti pamabasa avo, navaRevhi pamabasa avo, kuti varumbidze nokubata pamberi pavapirisiti, sezvavaifanira kuita zuva rimwe nerimwe navatariri vemikova pamapoka avo pasuo rimwe nerimwe; nokuti ndizvo zvakanga zvarairwa naDhavhidhi munhu waMwari.
15. Havana kutsauka pamurayiro wamambo kuvapirisiti navaRevhi pamusoro pezvinhu zvose napamusoro pefuma.
16. Zvino mabasa ose aSoromoni akapera kugadzirwa pazuva rokuvambwa kweimba kusvikira pakupera kwayo. Imba yaJehovha ikazopera chose.
17. Ipapo Soromoni akaenda EZiyonigebheri neEroti, pamhenderekedzo dzegungwa panyika yaEdhomu.
18. Hurami akamutumira navaranda vake zvikepe, navaranda vaiziva gungwa kwazvo vakaenda; Ofiri navaranda vaSoromoni, vakandotorapo ndarama yakasvika matarenta mazana mana namakumi mashanu, vakauya nayo kuna mambo Soromoni.

  2Chronicles (8/36)