2Chronicles (5/36)  

1. Saizvozvo mabasa ose akaitirwa imba yaJehovha naSoromoni akapera. Zvino Soromoni akapinza zvinhu zvakanga zvatsaurirwa Jehovha nababa vake Dhavhidhi, sirivha, nendarama, nenhumbi dzose, akadziisa muzvivigiro zveimba yaMwari.
2. Zvino Soromoni akaunganidza vakuru valsiraeri, navakuru vose vamarudzi, iwo machinda edzimba dzamadzibaba avana vaIsiraeri, paJerusaremu, akakwidza areka yesungano yaJehovha ibve paguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.
3. Varume vose vaIsiraeri vakaungana kuna mambo pamutambo, wakanga uri pamwedzi wechinomwe.
4. Vakuru vose vaIsiraeri vakasvika, vaRevhi vakasimudza areka.
5. Vakakwira neareka, netende rokusangana, nenhumbi dzose tsvene dzakanga dziri muTende; vapirisiti vaRevhi vakakwira naizvozvo.
6. Mambo Soromoni, neungano yose yavaIsiraeri yakanga yaunganira kwaari, vakafamba pamberi peareka, vakabayira makwai nenzombe, zvakanga zvisingagoni kuverengwa nokuwanda kwazvo.
7. Ipapo vapirisiti vakagadzika areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo tsvene yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, ipo panyasi pamapapiro amakerubhi.
8. Nokuti makerubhi akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka, makerubhi akafukidza areka namatanda ayo nechokumusoro.
9. Matanda akanga akareba; naizvozvo miromo yamatanda yakanga ichionekwa kana munhu ari paareka pamberi penzvimbo tsvene; asi akanga asingaonekwi nechokunze, ichipo kusvikira nhasi.
10. Mukati meareka makanga musisine chiro, asi mahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhu, nguva Jehovha yaakaita sungano navana valsiraeri pakubuda kwavo paIjipiti.
11. Zvino vapirisiti vakati vabuda panzvimbo tsvene, (nokuti vapirisiti vose, vakanga varipo, vakanga vazvinatsa, vasingaiti hanya namapoka avo;
12. navaRevhi vosewo, vaiva vaimbi, vose vavo, vaiti, Asafi, naHemani, naJedhutuni, navanakomana vavo, navananun’una vavo, vakafuka micheka yakanaka kwazvo, vanamakandira, nemitengerangwa, nembira, vakamira kurutivi rwamabvazuva rwearitari, uye pamwechete navo vapirisiti vane zana namakumi maviri, vachiridza hwamanda;)
13. zvino varidzi vehwamanda, navaimbi, vakati vachiita mawa, vachiita nenzwi rimwe vachirumbidza nokuvonga Jehovha; vakati vachiimbisa pamwechete nehwamanda, namakandira, nezvokuridzisa nazvo, vachirumbidza Jehovha, vachiti, "Nokuti akanaka; nokuti nyasha dzake dzinogara nokusingaperi;" ipapo imba yakazara negore, iyo imba yaJehovha;
14. naizvozvo vapirisiti vakanga vasingagoni kumira pabasa nokuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaMwari.

  2Chronicles (5/36)