← 2Chronicles (4/36) → |
1. | Akaitawo aritari yendarira, kureba kwayo kwakanga kuna makubhiti ana makumi maviri, nokukwirira kwayo ane gumi. |
2. | Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ana makumi matatu rwakaripoteredza. |
3. | Pasi paro pakanga pane zvifananidzo zvenzombe dzakanga dzichirikomberedza, zvichiita gumi pakubhiti rimwe nerimwe, zvichipoteredza dziva. Nzombe dzakaita misara miviri, dzakaumbwa pamwechete naro pakuumbwa kwaro. |
4. | Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, nenhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana. |
5. | Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita soupamhi hwechanza, nomuromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati makadirwa uye makaringana mabhati ane zviuru zvitatu. |
6. | Akaitawo midziyo yokusukira ine gumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruboshwe, yokusukiramo; zvinhu zvezvipiriso, zvaipiswa, zvaisukirwamo; asi dziva rakanga riri ravapirisiti rokushambidziramo. |
7. | Akaitawo zvigadziko zvemwenje zvine gumi zvendarama, sezvaakanga arairwa pamusoro pazvo; akazviisa patemberi, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe. |
8. | Akaitawo tafura dzine gumi, akadziisa mutemberi, shanu kurudyi uye shanu kuruboshwe. Akaita midziyo yendarama ine zana. |
9. | Uye akaitawo ruvazhe rwavapirisiti, noruvazhe rukuru, nemikova yoruvazhe, akafukidza mikova yarwo nendarira. |
10. | Akaisa dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva, kwakatarira zasi. |
11. | Hurami akaita hari, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hurami akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha; |
12. | zvaiti: mbiru mbiri, nembiya, nemisoro miviri, yakanga iri pamisoro yembiru; nemimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yakanga iri pamisoro yembiru; |
13. | namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yakanga iri pamusoro pembiru; |
14. | akaitawo zvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira pamusoro pezvingoro; |
15. | nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva. |
16. | Nehariwo, nefoshoro, nezvikokovonho zvenyama, nenhumbi dzose dzayo, Hurami Abhi wakazviitira mambo Soromoni nendarira inobwinya, zvive zveimba yaJehovha. |
17. | Mambo akazviumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZeredha. |
18. | Saizvozvo Soromoni akaita nhumbi dzose idzi dzakawanda kwazvo; nokuti kurema kwendarira kwakanga kusingayerwi. |
19. | Soromoni akaita nhumbi dzose dzakanga dziri mumba maMwari, nearitari yendarirawo netafura pakanga pane zvingwa zvokuratidza; |
20. | nezvigadziko zvemwenje nemwenje yazvo, kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene, sezvavakanga varairwa, zviri zvendarama; |
21. | namaruva, nemwenje, nembato, zvendarama, iri pandarama yakanaka kwazvo; |
22. | nembato, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto, zviri zvendarama yakaisvonaka; napavakapinda napo paimba, mikova yomukati yayo yenzvimbo tsvene-tsvene; nemikova yeimba, iyo temberi, yakanga iri yendarama. |
← 2Chronicles (4/36) → |