2Chronicles (4/36)  

1. Akaitawo aritari yendarira, kureba kwayo kwakanga kuna makubhiti ana makumi maviri, nokukwirira kwayo ane gumi.
2. Akaitawo dziva rendarira yakanyauswa, rakasvika makubhiti ane gumi paupamhi pamuromo, rakatenderera; nokukwirira kwaro kwakasvika makubhiti mashanu; uye pakuyera rwonzi rwakasvika makubhiti ana makumi matatu rwakaripoteredza.
3. Pasi paro pakanga pane zvifananidzo zvenzombe dzakanga dzichirikomberedza, zvichiita gumi pakubhiti rimwe nerimwe, zvichipoteredza dziva. Nzombe dzakaita misara miviri, dzakaumbwa pamwechete naro pakuumbwa kwaro.
4. Rakanga rimire pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzakanga dzakatarira kurutivi rwokumusoro, nhatu kurutivi rwamavirazuva, nhatu kurutivi rwezasi, nenhatu kurutivi rwamabvazuva; dziva rakanga rakagadzwa pamusoro padzo, idzo dzakafuratirana.
5. Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita soupamhi hwechanza, nomuromo waro wakanga wakafanana nomuromo wembiya, seruva rehapa; mukati makadirwa uye makaringana mabhati ane zviuru zvitatu.
6. Akaitawo midziyo yokusukira ine gumi, akaisa mishanu kurudyi nemishanu kuruboshwe, yokusukiramo; zvinhu zvezvipiriso, zvaipiswa, zvaisukirwamo; asi dziva rakanga riri ravapirisiti rokushambidziramo.
7. Akaitawo zvigadziko zvemwenje zvine gumi zvendarama, sezvaakanga arairwa pamusoro pazvo; akazviisa patemberi, zvishanu kurudyi uye zvishanu kuruboshwe.
8. Akaitawo tafura dzine gumi, akadziisa mutemberi, shanu kurudyi uye shanu kuruboshwe. Akaita midziyo yendarama ine zana.
9. Uye akaitawo ruvazhe rwavapirisiti, noruvazhe rukuru, nemikova yoruvazhe, akafukidza mikova yarwo nendarira.
10. Akaisa dziva kurutivi rworudyi rweimba kumabvazuva, kwakatarira zasi.
11. Hurami akaita hari, nefoshoro, nembiya. Naizvozvo Hurami akapedza mabasa ose aakaitira Soromoni paimba yaJehovha;
12. zvaiti: mbiru mbiri, nembiya, nemisoro miviri, yakanga iri pamisoro yembiru; nemimbure miviri yokufukidza nayo mbiya mbiri dzemisoro miviri yakanga iri pamisoro yembiru;
13. namatamba ana mazana mana emimbure miviri, misara miviri yamatamba pamumbure mumwe nomumwe, kufukidza mbiya mbiri yemisoro yakanga iri pamusoro pembiru;
14. akaitawo zvingoro zvine gumi, nemidziyo yokushambidzira pamusoro pezvingoro;
15. nedziva rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pedziva.
16. Nehariwo, nefoshoro, nezvikokovonho zvenyama, nenhumbi dzose dzayo, Hurami Abhi wakazviitira mambo Soromoni nendarira inobwinya, zvive zveimba yaJehovha.
17. Mambo akazviumba pabani raJorodhani, pakati peSukoti neZeredha.
18. Saizvozvo Soromoni akaita nhumbi dzose idzi dzakawanda kwazvo; nokuti kurema kwendarira kwakanga kusingayerwi.
19. Soromoni akaita nhumbi dzose dzakanga dziri mumba maMwari, nearitari yendarirawo netafura pakanga pane zvingwa zvokuratidza;
20. nezvigadziko zvemwenje nemwenje yazvo, kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene, sezvavakanga varairwa, zviri zvendarama;
21. namaruva, nemwenje, nembato, zvendarama, iri pandarama yakanaka kwazvo;
22. nembato, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvomoto, zviri zvendarama yakaisvonaka; napavakapinda napo paimba, mikova yomukati yayo yenzvimbo tsvene-tsvene; nemikova yeimba, iyo temberi, yakanga iri yendarama.

  2Chronicles (4/36)